Dheuteronomi 10:1-22
10 “Panguva iyoyo chaiyo Jehovha akati kwandiri, ‘Veza mahwendefa maviri ematombo akaita seokutanga,+ ukwire kwandiri mugomo, uzvigadzirire areka yematanda.+
2 Ini ndichanyora pamahwendefa acho mashoko aiva pamahwendefa okutanga, awakaputsa, uye unofanira kuaisa muareka.’
3 Naizvozvo ndakagadzira areka nomuti womubayamhondoro, ndikaveza mahwendefa maviri ematombo akaita seokutanga,+ ndikakwira mugomo, uye ndaiva nemahwendefa acho maviri muruoko rwangu.
4 Akabva anyora pamahwendefa acho mashoko akafanana neokutanga,+ iwo Mashoko Gumi,+ akanga ataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari pakati pomoto+ pazuva reungano;+ Jehovha achibva azondipa iwo.
5 Ndakabva ndatendeuka, ndikaburuka mugomo,+ ndikaisa mahwendefa acho muareka yandakanga ndagadzira, kuti arambe ari imomo, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.+
6 “Zvino vanakomana vaIsraeri vakatama paBheeroti Bhene-jaakani+ vakaenda kuMosera. Aroni akafira ikoko, akavigwa ikoko;+ Eriyezari mwanakomana wake akava mupristi panzvimbo pake.+
7 Vakatama ikoko vachienda kuGudhigodha, uye kubva kuGudhigodha vakaenda kuJotbhata,+ nyika yemipata ine hova inoyerera mvura.
8 “Panguva iyoyo chaiyo Jehovha akatsaura dzinza raRevhi+ kuti ritakure areka yesungano yaJehovha,+ kuti rimire pamberi paJehovha, rimushumire+ uye rikomborere richishandisa zita rake kusvikira nhasi.+
9 Ndokusaka Revhi asina kuva nomugove nenhaka+ pamwe chete nehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake, sezvakataurwa naJehovha Mwari wako kwaari.+
10 Ini—iyeni ndakagara mugomo sezvandakaita pamazuva okutanga, kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana,+ Jehovha akanditeererawo panguva iyoyo.+ Jehovha haana kuda kukuparadzai.+
11 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Simuka, tungamirira vanhu kuti vatame, kuti vapinde vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndichavapa.’+
12 “Zvino, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri+ kunze kwokuti utye+ Jehovha Mwari wako, kuti ufambe munzira dzake dzose,+ umude,+ ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose;+
13 kuti uchengete mirayiro yaJehovha nemirau yake+ yandiri kukurayira nhasi, kuti zvikunakire?+
14 Ona, matenga,+ iwo matenga okumatengatenga, nyika+ nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.
15 Kungoti Jehovha akafadzwa nemadzibaba enyu kuti aade, zvokuti akasarudza vana vawo vaiatevera,+ nemiwo, pamarudzi ose, sezvazvakaita nhasi.
16 Dzingisai mwoyo yenyu,+ musaramba makaomesa mitsipa yenyu.+
17 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari+ naShe wemadzishe,+ Mwari mukuru, ane simba uye anotyisa,+ asina waanosarura+ uyewo asingagamuchiri pfumbamuromo,+
18 anoruramisira nherera nechirikadzi+ uye anoda mutorwa+ kuti amupe zvokudya nejasi.
19 Imiwo munofanira kuda mutorwa,+ nokuti makava vatorwa munyika yeIjipiti.+
20 “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako.+ Umushumire,+ unamatire kwaari,+ uye upike mhiko nezita rake.+
21 Ndiye waunofanira kurumbidza,+ uye ndiye Mwari wako, akakuitira zvinhu izvi zvikuru uye zvinotyisa zvakaonekwa nemaziso ako.+
22 Madzitateguru ako akaenda nemweya makumi manomwe kuIjipiti,+ asi zvino Jehovha Mwari wako akaita kuti muve vazhinji senyeredzi dzokumatenga.+