Dheuteronomi 14:1-29
14 “Imi muri vanakomana vaJehovha Mwari wenyu.+ Musazvicheka-cheka+ kana kuzviveura+ pahuma dzenyu nokuda kwomunhu akafa.
2 Nokuti iwe uri rudzi rutsvene+ kuna Jehovha Mwari wako, uye Jehovha akakusarudza kuti uve rudzi rwake, pfuma chaiyo,+ pakati pemarudzi ose ari pamusoro penyika.
3 “Usadya chinhu chinosemesa chorudzi chero rupi zvarwo.+
4 Aya ndiwo marudzi emhuka dzamungadya:+ nzombe, gwai nembudzi,
5 nondo hono nemhara nemhembwe+ nembudzi yomusango nemharapara negwai romusango nengururu;
6 mhuka dzose dzine mahwanda akaparadzana uye dzine mahwanda akatsemuka pakati, idzo mhuka dzinodzeya.+ Mungadya idzodzo.
7 Asi pane dziya dzinodzeya kana kuti dzine mahwanda akaparadzana, asina kubatana, musadya dzorudzi urwu dzinoti: ngamera+ netsuro+ nembira,+ nokuti dzinodzeya asi hadzina mahwanda akaparadzana. Hadzina kuchena kwamuri.
8 Uyewo nguruve,+ nokuti ine mahwanda akaparadzana asi haidzeyi. Haina kuchena kwamuri. Musadya nyama yadzo chero ipi zvayo, uye musabata zvitunha zvadzo.+
9 “Pazvinhu zvose zviri mumvura mungadya zvorudzi urwu: Mungadya henyu zvinhu zvose zvine zvimbi nemakwande.+
10 Asi musadya zvinhu zvose zvisina zvimbi nemakwande.+ Hazvina kuchena kwamuri.
11 “Mungadya henyu shiri chero ipi zvayo yakachena.
12 Asi idzi ndidzo dzamusingafaniri kudya: gondo nehungwe negora dema,+
13 ngavi tsvuku nengavi nhema+ noruvangu maererano nemarudzi arwo;
14 nemakunguo+ ose maererano nemarudzi awo;
15 nemhou+ nezizi neshiri yomugungwa norukodzi maererano nemarudzi arwo;
16 zizi duku nezizi rine nzeve refu+ nedhadha romumvura,
17 nesekwe romuromo murefu+ negora neshambira,
18 neshuramurove neshorechena maererano nemarudzi ayo, nemhupupu nechiremwaremwa.+
19 Zvisikwa zvose zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda hazvina kuchena kwamuri.+ Hazvifaniri kudyiwa.
20 Mungadya henyu zvisikwa zvose zvinobhururuka zvakachena.
21 “Hamufaniri kudya chero chinhu chipi zvacho chakafa choga.+ Ungachipa hako chero mutorwa upi zvake ari mukati memagedhi ako, uye angachidya hake; kana kuti chingatengeserwa wokune imwe nyika, nokuti imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu.
“Usabika mbudzana nomukaka waamai vayo.+
22 “Unotofanira kupa chegumi chezvibereko zvako zvose zvembeu yako, chiya chinobva mumunda gore negore.+
23 Unofanira kudyira chegumi chezviyo+ zvako, waini yako itsva nemafuta ako nematangwe emombe dzako neemakwai ako pamberi paJehovha Mwari wako;+ kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.+
24 “Zvino kana rwendo rukanyanya kukurebera,+ zvokuti hauzokwanisi kuchitakura, sezvo nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise zita rake+ ipapo ichange yakanyanya kuva kure newe, (nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera,)+
25 unofanira kuchiita kuti chive mari, woputira mari yacho muruoko rwako woenda kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako.
26 Unofanira kutengawo nemari yacho chero zvose zvingapangwa nomweya wako,+ mombe nemakwai nembudzi newaini nedoro rinodhaka+ nechinhu chero chipi zvacho chingakumbirwa nomweya wako kwauri; uye udyire ipapo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare,+ iwe neimba yako.
27 Uye haufaniri kusiya muRevhi ari mukati memagedhi ako,+ nokuti haana mugove kana nhaka pamwe chete newe.+
28 “Panopera makore matatu uuye nechegumi chose chezvibereko zvako zvegore iroro,+ uzviise mukati memagedhi ako.
29 Uye muRevhi,+ nokuti haana nhaka kana mugove pamwe chete newe, nomutorwa+ nenherera nechirikadzi,+ vari mukati memagedhi ako, ngavauye, ngavadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akukomborere+ mumabasa ose+ oruoko rwako auchaita.