Dheuteronomi 16:1-22
16 “Chengeta mwedzi waAbhibhi,+ uye unofanira kuitira Jehovha Mwari wako paseka,+ nokuti Jehovha Mwari wako akakubudisa muIjipiti usiku mumwedzi waAbhibhi.+
2 Unofanira kubayira chibayiro chepaseka kuna Jehovha Mwari wako,+ chemakwai nechemombe,+ panzvimbo ichasarudzwa naJehovha kuti zita rake rigare ipapo.+
3 Usachidya pamwe chete nechinhu chakaviriswa kwemazuva manomwe.+ Unofanira kuchidya pamwe chete nemakeke asina kuiswa mbiriso, icho chingwa chokutambudzika, nokuti wakabuda munyika yeIjipiti uchichimbidza,+ kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti mazuva ose oupenyu hwako.+
4 Haufaniri kuonekwa uine mukanyiwa une mbiriso munharaunda yako yose kwemazuva manomwe,+ uyewo nyama yose yauchabayira manheru pazuva rokutanga haifaniri kurara usiku hwose kusvikira mangwanani.+
5 Hauzobvumirwi kubayira chibayiro chepaseka mune rimwe remaguta ako auchapiwa naJehovha Mwari wako.
6 Asi unofanira kubayira paseka manheru panongovira zuva+ uri munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare ipapo,+ panguva yakatarwa yawakabuda muIjipiti.
7 Unofanira kubika uye kudyira+ munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ uye mangwanani utendeuke, udzokere kumatende ako.
8 Unofanira kudya makeke asina kuviriswa kwemazuva matanhatu; uye pazuva rechinomwe pachava nokuungana kukuru kunoitirwa Jehovha Mwari wako.+ Haufaniri kuita basa.
9 “Unofanira kuverenga vhiki nomwe. Utange kuverenga vhiki nomwe kubvira panotanga kupinzwa jeko muzviyo zvisati zvakohwewa.+
10 Ubve wachengeta mutambo wemavhiki unoitirwa Jehovha Mwari wako,+ maererano nechinopiwa chokuzvidira choruoko rwako chauchapa, sokukomborerwa kwaungaitwa naJehovha Mwari wako.+
11 Ufare pamberi paJehovha Mwari wako,+ iwe nomwanakomana wako nomwanasikana wako nomurandarume wako nomurandasikana wako nomuRevhi ari mukati memagedhi ako nomutorwa+ nenherera+ nechirikadzi,+ vari pakati pako, panzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare ipapo.+
12 Unofanira kuyeuka kuti iwe wakava muranda muIjipiti,+ unofanira kuchengeta uye kuita mirau iyi.+
13 “Unofanira kuchengeta mutambo wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro rako uye muchisviniro chako chemafuta nechewaini.
14 Unofanira kufara panguva yomutambo wako,+ iwe nomwanakomana wako nomwanasikana wako nomurandarume wako nomurandasikana wako nomuRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi, vari mukati memagedhi ako.
15 Uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo kwemazuva manomwe+ munzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera+ pazvibereko zvako zvose uye pamabasa ose emaoko ako, uye unofanira kufara kwazvo.+
16 “Vanhurume vako vose vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza:+ pamutambo wemakeke asina kuviriswa+ nepamutambo wemavhiki+ nepamutambo wematumba,+ uye hapana anofanira kuenda pamberi paJehovha asina chinhu.+
17 Chipo choruoko rwomumwe nomumwe chinofanira kuenderana nechikomborero chaJehovha Mwari wako chaakakupa.+
18 “Unofanira kugadza vatongi+ nevatungamiriri+ mukati memagedhi ako ose auri kupiwa naJehovha Mwari wako maererano nemadzinza ako, uye vanofanira kutonga vanhu nokutonga kwakarurama.
19 Usatsaudzira pakutonga.+ Usasarura+ kana kugamuchira pfumbamuromo, nokuti pfumbamuromo inopofumadza maziso evakachenjera+ uye inokanganisa mashoko evakarurama.
20 Kururamisira—utevere kururamisira,+ kuti urambe uri mupenyu uye uite kuti nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako ive yako.+
21 “Usadyara chero muti worudzi rupi zvarwo kuti uve danda dzvene pedyo neatari yaJehovha Mwari wako yauchazvigadzirira.+
22 “Uyewo usamisa shongwe tsvene,+ chinhu chinovengwa zvechokwadi naJehovha Mwari wako.+