Dheuteronomi 24:1-22
24 “Kana munhu akawana mukadzi, akaita kuti ave mudzimai wake, kana akasamufarira nokuti anenge aona chimwe chinhu chisina kunaka paari,+ anofanirawo kunyora rugwaro rwokumuramba,+ oruisa muruoko rwake, omudzinga pamba pake.+
2 Iye ngaabude mumba make, aende, ave mudzimai womumwe murume.+
3 Kana murume wechipiri akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akaruisa muruoko rwake, uye akamudzinga pamba pake, kana kuti kana murume wechipiri uya akamuwana kuti ave mudzimai wake akafa,
4 murume wake wokutanga akamudzinga haazobvumirwi kumuwanazve kuti ave mudzimai wake, pashure pokunge asvibiswa;+ nokuti izvozvo zvinosemesa Jehovha, usaita kuti nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka yako itadze.
5 “Kana murume achangowana mudzimai,+ haafaniri kuenda kuhondo, uye hapana chinhu chaanofanira kunzi aite. Ngaarambe akasununguka ari pamba pake kwegore rimwe chete, uye ngaafadze mudzimai wake waakawana.+
6 “Hapana anofanira kutora guyo kana huyo yaro sechokumbofanobata,+ nokuti zvakafanana nokutora mweya kuti uve chokumbofanobata.
7 “Kana munhu akawanikwa achiba+ mweya pahama dzake pavanakomana vaIsraeri, akamudzvinyirira uye akamutengesa,+ mbavha iyoyo inofanirawo kufa. Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+
8 “Chenjerera hosha yemaperembudzi+ kuti ungwarire uye uite maererano nezvose zvaucharayirwa nevapristi, ivo vaRevhi.+ Unofanira kuchenjerera+ kuti uite sezvandakavarayira.
9 Yeuka zvakaitirwa Miriyemu naJehovha Mwari wako pamaiva munzira muchibva kuIjipiti.+
10 “Kana ukakweretesa wokwako chikwereti chero chipi zvacho,+ usapinda mumba make kuti utore chaanoti umbofanobata.+
11 Unofanira kumira panze, uye murume wauri kupa chikwereti anofanira kukuunzira chokumbofanobata chacho panze.
12 Kana munhu wacho ari kutambudzika, haufaniri kunorara uine chaanenge ati umbofanobata.+
13 Unotofanira kumudzorera chokumbofanobata chacho panongovira zuva,+ aende kunorara akapfeka nguo yake,+ akukomborere;+ uye uchanzi wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.+
14 “Usabiridzira munhu wemaricho ari kutambudzika uye murombo, angava mumwe wehama dzako kana kuti mumwe wevatorwa vari munyika yako, mukati memagedhi ako.+
15 Umupe mubayiro wake pazuva rake,+ uye zuva ngarirege kuvira uinawo, nokuti ari kutambudzika uye mweya wake uri kutarisira mubayiro wake; kuti arege kuchema kuna Jehovha pamusoro pako,+ chikava chivi kwauri.+
16 “Vanababa havafaniri kuurayiwa nemhosva yevana, uye vana havafaniri kuurayiwa nemhosva yavanababa.+ Mumwe nomumwe anofanira kufira chivi chake.+
17 “Usatonga mhosva yomutorwa+ kana nherera+ uchitsaudzira, uye usatora nguo yechirikadzi kuti ive chokumbofanobata.+
18 Yeuka kuti iwe wakava muranda muIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikinura imomo.+ Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite chinhu ichi.
19 “Kana ukakohwa goho rako mumunda mako,+ ukakanganwa chisote mumunda macho, usadzokera kunochitora. Ngachisare kuti chive chomutorwa, nherera nechirikadzi;+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pamabasa ose oruoko rwako.+
20 “Kana ukazunza muorivhi wako, usatsvakisisazve pamatavi awo. Ngaasare kuti ave omutorwa, nherera nechirikadzi.+
21 “Kana ukakohwa mazambiringa omumunda wako wemizambiringa, usaunganidza anosarira uchitsvakisisazve. Ngaasare kuti ave omutorwa, nherera nechirikadzi.
22 Unofanira kuyeuka kuti iwe wakava muranda munyika yeIjipiti.+ Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite chinhu ichi.+