Dheuteronomi 32:1-52
32 “Haiwa imi matenga, teererai, regai nditaure;Nyika ngainzwe mashoko omuromo wangu.+
2 Kurayiridza kwangu kuchadonha sezvinoita mvura,+Shoko rangu richayerera sezvinoita dova,+Sezvinoita mvura inopfunha pauswa+Uye sezvinoita mvura zhinji pazvinomera.+
3 Nokuti ndichazivisa zita raJehovha.+Ipai Mwari wedu ukuru!+
4 Iye iDombo, basa rake rakakwana,+Nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.+NdiMwari akatendeka,+ asina kusaruramisira;+Iye akarurama uye akatendeseka.+
5 Ivo vakaita zvakaipa;+Havasi vana vake, urema ndohwavo.+Chizvarwa chisina kururama uye chakamonyana!+
6 Muri kuramba muchiitira Jehovha izvi here,+Haiwa imi mapenzi uye vanhu vasina kuchenjera?+Iye haasi Baba vako vakakubereka here,+Iye akakuita akakusimbisa?+
7 Yeukai mazuva ekare,+Fungai nezvemakore ekare kubva pachizvarwa nechizvarwa;Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+Vakwegura vako, uye vachakutaurira.+
8 Wokumusorosoro paakapa marudzi nhaka,+Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,+Akaisa muganhu wemarudzi+Nokuda kwokuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+
9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake;+Jakobho ndiye mugove wake waanogara nhaka.+
10 Akamuwana munyika yakaita renje,+Mugwenga risina chinhu, mune kuungudza.+Akatanga kumukomberedza,+ kumutarisira,+Kumuchengetedza semboni yeziso rake.+
11 Segondo rinozunungusa dendere raro,Rinoengerera pamusoro pemanyana aro,+Rinotambanudza mapapiro aro, roatora,Roatakura pamapapiro aro,+
12 Jehovha oga ndiye akaramba achimutungamirira,+Pakanga pasina mwari wokune imwe nyika waaiva naye.+
13 Akaramba achimukwidza panzvimbo dzakakwirira dzepanyika,+Zvokuti akadya zvibereko zvomunda.+Akaramba achiita kuti adzvute uchi hwakabva muibwe,+Nemafuta akabva mudombo rakaoma kwazvo;+
14 Akamupa ruomba rwemombe nomukaka wemakwai+Pamwe chete nemafuta emakondohwe,Nemakwai makono, rudzi rwokuBhashani, nenhongo+Pamwe chete nemafuta eitsvo egorosi;+Uye iwe wakaramba uchinwa ropa remazambiringa sewaini.+
15 Jeshuruni+ paakatanga kukora, akakava.+Iwe wakakora, wakava mukobvu, wakafuta.+Naizvozvo akasiya Mwari, iye akamusika,+Akazvidza Dombo+ rokuponeswa kwake.
16 Vakatanga kuita kuti aitire vanamwari+ vokune dzimwe nyika godo;+Vakaramba vachimugumbura nezvinhu zvinosemesa.+
17 Vakabayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+Vanamwari vavakanga vasina kuziva,+Vatsva vakanga vachangopinda,+Vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu.
18 Iwe wakakanganwa Dombo rakakubereka,+Uye wakakanganwa Mwari, Iye akakubereka nemarwadzo okusununguka.+
19 Jehovha paakazviona, akabva arega kuvaremekedza,+Nokuda kwokutsamwiswa kwaakaitwa nevanakomana vake nevanasikana vake.
20 Naizvozvo akati, ‘Regai ndivavanzire chiso changu,+Regai ndione kuguma kwavo.Nokuti ivo chizvarwa chokutsauka,+Vanakomana vasina kutendeka.+
21 Ivo vakaita kuti ndiitire chinhu chisiri mwari godo;+Vakanditsamwisa nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira;+Iniwo ndichaita kuti vave negodo nevasiri vanhu;+Ndichavagumbura norudzi rwemapenzi.+
22 Nokuti moto wakabatidzwa mukutsamwa kwangu+Uye uchapisa kusvikira kuSheori,+ nzvimbo yakadzika kwazvo,Uchaparadza nyika nezvibereko zvayo+Uye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire.+
23 Ndichawedzera matambudziko pavari;+Ndichapedzera miseve yangu pavari.+
24 Vachaziya nenzara+ uye vachaparadzwa nefivha+ huruNokuparadza kwakaipa kwazvo.+Ndichavatumira mazino ezvikara,+Nouturu hwezvinokambaira muguruva.+
25 Kunze bakatwa richaita kuti vashayikirwe,+Uye vari mukati vachatya,+Vose jaya nemhandara,+Anoyamwa nomurume ane bvudzi jena.+
26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira,+Ndichaita kuti kutaurwa nezvavo kugume pakati pevanhuwo zvavo,”+
27 Dai kusiri kuti ndaitya kutsamwa kwomuvengi,+Kuti mhandu dzavo dzingasazvinzwisisa,+Kuti dzingati: “Maoko edu akunda,+Haasi Jehovha akaita zvose izvi.”+
28 Nokuti ivo rudzi rusingafungi,+Pakati pavo hapana kunzwisisa.+
29 Haiwa, kudai vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezveizvi.+
Vaizofunga nezvokuguma kwavo.+
30 Munhu mumwe angadzingirira sei vanhu chiuru,Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu zviuru gumi vatize?+Kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa+Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.
31 Nokuti dombo ravo harina kuita seDombo redu,+Kunyange vavengi vedu vanobvuma izvi.+
32 Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa wokuSodhomaNepanzvimbo dzakatenuka-tenuka dzeGomora.+Mazambiringa avo mazambiringa omuchetura,Masumbu avo anovava.+
33 Waini yavo uturu hwenyoka huruNomuchetura unorwadza wemhungu.+
34 Hazvina kuunganidzirwa pandiri,Zviine chisimbiso mudura rangu here?+
35 Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.+
Panguva yakatarwa tsoka dzavo dzichadzedzereka,+Nokuti zuva renjodzi yavo rava pedyo,+Zviitiko zvavakagadzirirwa zvinochimbidza kuuya.’+
36 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake+Uye achazvidemba pamusoro pevashumiri vake,+Nokuti achaona kuti hapasisina chinotsigiraUye panongova nomunhu asina mubatsiri uye asina zvaanobatsira.
37 Achati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+Iro dombo ravakatsvaka kwokupotera kwariri,+
38 Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,+Vainwa waini yezvinopiwa zvavo zvinonwiwa?+Ngavasimuke vakubatsirei.+Ngavave nzvimbo yenyu yokuvanda.+
39 Onai zvino kuti ini—ndini iye+Hakuna vamwe vanamwari vari pamwe chete neni.+Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+Ndakakuvadza kwazvo,+ uye ini—ndichaporesa,+Uye hakuna angabvuta muruoko rwangu.+
40 Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga ndichipika,+Uye ndinoti: “Noupenyu hwangu, nokusingagumi,”+
41 Kana ndikarodza bakatwa rangu rinon’aima,+Uye ruoko rwangu rukabata kutonga,+Ndichatsiva mhandu dzangu+Uye ndichatsiva vaya vanondivenga kwazvo.+
42 Ndichadhakisa miseve yangu neropa,+Bakatwa rangu parinenge richidya nyama,+Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,Nemisoro yevatungamiriri vomuvengi.’+
43 Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+Nokuti achatsiva ropa revashumiri vake,+Achatsiva mhandu dzake+Uye achayananisira nyika yevanhu vake.”
44 Nokudaro Mosesi akauya, akataura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachinzwa,+ iye naHoshea mwanakomana waNuni.+
45 Pashure pokunge Mosesi apedza kutaura mashoko aya ose kuvaIsraeri vose,
46 akati kwavari: “Isai mashoko ose andiri kutaura nhasi ndichikunyeverai mumwoyo menyu,+ kuti murayire vanakomana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omutemo uyu.+
47 Nokuti harisi shoko risina zvarinobatsira kwamuri,+ asi rinoreva upenyu hwenyu,+ uye neshoko iri mungaita kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika yamuri kuyambukira Jodhani kuti muitore ive yenyu.”+
48 Zvino Jehovha akataura naMosesi zuva iroro, achiti:
49 “Kwira mugomo iri reAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandichapa vanakomana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+
50 Ubve wafira mugomo rauri kukwira mariri, uiswe kwakaiswa vanhu vokwako,+ sokufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vokwake;
51 nokuti hamuna kuva vakatendeka kwandiri+ pakati pevanakomana vaIsraeri pamvura yeMeribha+ yokuKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsvenesa pakati pevanakomana vaIsraeri.+
52 Nokuti uchaona nyika yacho uri nechokure, asi hauzopindi imomo munyika yandichapa vanakomana vaIsraeri.”+