Dheuteronomi 33:1-29
33 Zvino ichi ndicho chikomborero+ icho Mosesi munhu waMwari wechokwadi+ akakomborera nacho vanakomana vaIsraeri asati afa.
2 Akati:
“Jehovha—akauya achibva kuSinai,+Akavapenyera achibva kuSeiri.+Akapenya achibva kunzvimbo ine makomo yeParani,+Uye akanga aine makumi ezviuru evatsvene,+Kurudyi rwake kuine varwi vavo.+
3 Aidawo vanhu vake;+Vatsvene vavo vose vari muruoko rwenyu.+Ivo—vakatsenhama patsoka dzenyu;+Vakatanga kugamuchira mamwe mashoko enyu.+
4 (Mosesi akatipa mutemo somurayiro,+Nhaka yeungano yaJakobho.)+
5 Akava mambo pakati paJeshuruni,+Vakuru vevanhu pavakaungana,+Iwo madzinza ose aIsraeri.+
6 Rubheni ngaararame arege kufa,+Uye varume vake ngavarege kuva vashoma.”+
7 Ichi ndicho chaiva chikomborero chaJudha,+ zvaakati:
“Haiwa Jehovha, inzwai inzwi raJudha,+Muuye naye kune vanhu vake.Maoko ake akarwira zvinhu zvake;Uye ivai mubatsiri wake pamhandu dzake.”+
8 Kuna Revhi akati:+
“Tumimu yako neUrimu+ yako ndezvomunhu akavimbika kwauri,+Wawakaedza paMasa.+Wakatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+
9 Murume akati kuna baba vake naamai vake, ‘Handina kumuona.’Haana kubvuma kunyange hama dzake,+Uye haana kuziva vanakomana vake.Nokuti vakachengeta shoko renyu,+Uye vakaramba vachichengeta sungano yenyu.+
10 Ngavarayiridze Jakobho pane zvamakatonga+Uye varayiridze Israeri mutemo wenyu.+Ngavapisire rusenzi pamberi pemhino dzenyu+Nechinopiwa chakakwana paatari yenyu.+
11 Haiwa Jehovha, komborerai simba rake,+Farirai basa remaoko ake.+Vaya vanomumukira vakuvadzei kwazvo muhudyu mavo,+Nevaya vanomuvenga kwazvo, kuti varege kusimuka.”+
12 Kuna Bhenjamini akati:+
“Anodiwa+ naJehovha ngaagare akachengetwa naye,+Paanenge akamudzivirira zuva rose,+Uye ngaagare pakati pemapfudzi ake.”+
13 Kuna Josefa akati:+
“Nyika yake ngairambe ichikomborerwa naJehovha+Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvokudenga, nedova,+Nemvura yakadzika iri pasi,+
14 Nezvinhu zvakanaka kwazvo, zvibereko zvezuva,+Nezvinhu zvakanaka kwazvo, zvibereko zvomwedzi mumwe nomumwe,+
15 Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvinobva pamakomo okumabvazuva,+Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvezvikomo zvinogara nokusingagumi,
16 Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvenyika nezvizere mairi,+Nokubvumira kwaIye anogara mugwenzi reminzwa.+
Ngazviuye pamusoro waJosefa+Nepanhongonya yomusoro womunhu akatsaurwa kubva pahama dzake.+
17 Runako rwake rwakaita sorwenzombe inotanga kuberekwa,+Nyanga dzake inyanga dzenzombe yomusango.+Achatunga marudzi nadzo+Ose pamwe chete kusvikira kumigumo yenyika,Uye ivo ndivo makumi ezviuru aEfremu,+Ndivo zviuru zvaManase.”
18 Kuna Zebhuruni akati:+
“Fara, haiwa iwe Zebhuruni, paunobuda,+Newe Isakari, mumatende ako.+
19 Marudzi achashevedzera kumakomo.Ikoko achabayira zvibayiro zvokururama.+Nokuti achayamwa pfuma zhinji yemakungwa+Nemigove yakavanzwa yejecha.”
20 Kuna Gadhi akati:+
“Akakomborerwa munhu anokudza miganhu yaGadhi.+Achagara sezvinoita shumba,+Achabvambura ruoko, kunyange nhongonya yomusoro.+
21 Achasarudza mugove wokutanga kuti uve wake,+Nokuti ikoko ndiko kwakachengetwa mugove womupi wemirau.+Vakuru vevanhu vachaungana.Achaita zvakarurama zvaJehovhaNezvaakatonga zvine chokuita naIsraeri.”
22 Kuna Dhani akati:+
“Dhani mwana weshumba.+Achakwakuka achibva muBhashani.”+
23 Kuna Naftari akati:+
“Naftari anogutswa nokufarirwaUye akazara nechikomborero chaJehovha.Tora kumavirira nokumaodzanyemba kuve kwako.”+
24 Kuna Asheri akati:+
“Asheri akakomborerwa nevanakomana.+Ngaave mumwe anofarirwa nehama dzake,+Anonyudza tsoka yake mumafuta.+
25 Simbi nemhangura ndizvo zvokukiyisa magedhi ako,+Kufamba kwako zvishoma nezvishoma kwakaenzana nemazuva ako.
26 Hakuna mumwe akaita saMwari wechokwadi+ waJeshuruni,+Anotasva denga achikubatsira+Uye anotasva matenga ane makore muukuru hwake.+
27 Mwari wenguva yekare inzvimbo yokuvanda,+Nechepasi pane maoko asingagumi.+Achadzinga muvengi pamberi pako,+Uye achati, ‘Vatsakatise!’+
28 Israeri achagara akachengeteka,+Chitubu chaJakobho chiri choga,+Panyika yezviyo newaini itsva.+Chokwadi, matenga ake achadonhedza dova.+
29 Unofara, haiwa iwe Israeri!+
Ndiani aripo akaita sewe,+Rudzi runoponeswa naJehovha,+Nhoo yokubatsirwa kwako,+Naiye ari bakatwa rako guru?+Naizvozvo vavengi vako vachadedera pamberi pako,+Uye iwe—uchatsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”+