Dheuteronomi 34:1-12
34 Mosesi akabva akwira muGomo reNebho,+ pamusoro pePisga,+ rakatarisana neJeriko,+ achibva mumapani erenje eMoabhi. Jehovha akamuratidza nyika yose, Giriyedhi kusvikira kuDhani,+
2 nyika yaNaftari yose nenyika yaEfremu naManase nenyika yose yaJudha kusvikira kugungwa riri nechokumavirira,+
3 neNegebhu+ noRuwa,+ bani reJeriko, guta remichindwe,+ kusvikira kuZoari.+
4 Zvino Jehovha akati kwaari: “Iyi ndiyo nyika yandakapikira Abrahamu, Isaka naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana* vako.’+ Ndaita kuti uione nemaziso ako, zvausingazoyambukiri kwairi.”+
5 Pashure paizvozvo, Mosesi mushumiri waJehovha+ akafira imomo munyika yeMoabhi sezvakanga zvarayirwa naJehovha.+
6 Iye akamuviga mumupata uri munyika yeMoabhi pakatarisana neBheti-peori,+ uye hapana anoziva guva rake kusvikira nhasi.+
7 Mosesi akanga ava nemakore zana nemakumi maviri paakafa.+ Maziso ake akanga achiri kuona,+ uye simba rake rakanga risati rapera.+
8 Vanakomana vaIsraeri vakachema Mosesi pamapani erenje eMoabhi kwemazuva makumi matatu.+ Mazuva okuchema enguva yokuchema Mosesi akazopera.
9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomudzimu wouchenjeri,+ nokuti Mosesi akanga aisa ruoko rwake pamusoro pake;+ vanakomana vaIsraeri vakatanga kumuteerera, uye vakaita sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha.+
10 Asi pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMosesi,+ aizivikanwa naJehovha chiso nechiso,+
11 pamusoro pezviratidzo zvose nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite munyika yeIjipiti kuna Farao nokuvashandi vake vose nenyika yake yose,+
12 uye pamusoro poruoko rune simba nemabasa ose anotyisa akaitwa naMosesi vaIsraeri vose vachiona.+