Dheuteronomi 6:1-25
6 “Zvino uyu ndiwo murayiro, nemirau nezvakatongwa zvakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti mudzidziswe,+ kuti muzviite munyika yamuri kuyambukira kwairi kuti munoitora ive yenyu;
2 kuti utye+ Jehovha Mwari wako kuti uchengete mirau yake yose nemirayiro yake yandiri kukurayira, iwe nomwanakomana wako nomuzukuru wako,+ mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.+
3 Teerera, haiwa iwe Israeri, uchenjerere kuzviita,+ kuti zvikufambire zvakanaka+ uye kuti muve vazhinji, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wemadzitateguru enyu,+ pamusoro penyika inoyerera mukaka nouchi.
4 “Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.+
5 Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo+ wako wose nomweya+ wako wose nesimba+ rako rose.
6 Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako;+
7 unofanira kuaroverera mumwanakomana wako+ uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi+ nepaunomuka.
8 Unofanira kuasungirira paruoko rwako sechiratidzo,+ uye anofanira kuva rundanyara pakati pemaziso ako;+
9 unofanira kuanyora pamagwatidziro eimba yako nepamagedhi ako.+
10 “Jehovha Mwari wako paanokupinza munyika yaakapikira madzitateguru ako Abrahamu, Isaka naJakobho kuti achakupa,+ maguta makuru uye akanaka ausina kuvaka,+
11 nedzimba dzizere zvinhu zvose zvakanaka dzausina kuzadza, nemigodhi yemvura yakacherwa yausina kuchera, minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kudyara, uye paunenge wadya waguta,+
12 chenjerera kuti urege kukanganwa+ Jehovha, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yevaranda.
13 Unofanira kutya Jehovha Mwari wako,+ umushumire,+ uye upike nezita rake.+
14 Musatevera vamwe vanamwari, chero vanamwari vapi zvavo vemarudzi akakupoteredzai,+
15 (nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara,)+ kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira kwazvo,+ akakutsakatisa pamusoro penyika.+
16 “Musaedza Jehovha Mwari wenyu,+ sokumuedza kwamakaita paMasa.+
17 Munotofanira kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu+ nezvipupuriro+ zvake nemirau+ yake zvaakakurayirai.+
18 Unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvikufambire zvakanaka+ uye upinde utore nyika yakanaka kwazvo yakapikirwa madzitateguru ako naJehovha kuti ive yako,+
19 nokudzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakapikirwa naJehovha.+
20 “Kana mwanakomana wako akakubvunza muzuva rinozouya,+ achiti, ‘Zvipupuriro nemirau nezvakatongwa zvamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?’
21 ubve wati kumwanakomana wako, ‘Takava varanda kuna Farao muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.+
22 Naizvozvo Jehovha akaramba achiisa zviratidzo nezvishamiso,+ zvikuru nezvinotambudza, paIjipiti, pana Farao nepaimba yake yose isu tichizviona.+
23 Akatibudisa imomo kuti atiunze kuno kuti atipe nyika yaakanga apikira madzitateguru edu.+
24 Nokudaro Jehovha akatirayira kuti tiite mirau yose iyi,+ kuti titye Jehovha Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose,+ kuti tirambe tiri vapenyu sezvazviri nhasi.+
25 Zvichareva kururama kwatiri,+ kuti tichenjerere kuita murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira.’+