Eksodho 15:1-27
15 Panguva iyoyo Mosesi nevanakomana vaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vachiti:+
“Regai ndiimbire Jehovha, nokuti akwidziridzwa kwazvo.+Akanda bhiza nomutasvi waro mugungwa.+
2 Jah ndiye simba rangu nokusimba kwangu,+ nokuti ndiye ruponeso rwangu.+Uyu ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza;+ Mwari wababa vangu,+ uye ndichamukwidziridza.+
3 Jehovha murume wehondo, akashinga.+ Jehovha ndiro zita rake.+
4 Akanda ngoro dzaFarao nemauto ake ehondo mugungwa,+Uye varwi vake vakasarudzwa vanyudzwa muGungwa Dzvuku.+
5 Mvura ine mafungu yavafukidza;+ vanyura munzvimbo dzakadzika sedombo.+
6 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rworudyi ruri kuratidza kuti rune simba kwazvo,+Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rworudyi runogona kuparadza muvengi.+
7 Munogona kuwisira pasi vaya vanokumukirai nokukura kwakaita ukuru hwenyu;+Munotuma kutsamwa kwenyu kukuru, kunovaparadza semashanga.+
8 Mvura yakaunganidzwa nokufema kwemhino dzenyu;+Yakamira sedziva remvura zhinji;Mvura ine mafungu yakaoma kuita dombo mumwoyo megungwa.
9 Muvengi akati, ‘Ndichavatevera!+ Ndichavabata!+Ndichagova zvandinenge ndapamba!+ Mweya wangu uchagutswa nazvo!Ndichavhomora bakatwa rangu! Ruoko rwangu ruchavadzinga!’+
10 Mafuridza nemhepo yenyu yokufema,+ gungwa rikavafukidza;+Vanyura somutobvu mumvura ine simba.+
11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo?+Iye anofanira kutyiwa+ nenziyo dzokurumbidza,+ Iye anoita zvishamiso.+
12 Matambanudza ruoko rwenyu rworudyi,+ nyika ikavamedza.+
13 Matungamirira vanhu vamakadzikinura+ nomutsa wenyu worudo;Muchavaendesa nesimba renyu kunzvimbo yenyu tsvene yokugara.+
14 Marudzi achanzwa,+ achadedera;+Marwadzo okusununguka+ achabata vagari vomuFiristiya.
15 Chokwadi panguva iyoyo madzishe eEdhomu achanetseka;Machinda eMoabhi achabatwa nokudedera.+Vagari vose vomuKenani vachaora mwoyo.+
16 Kuvhunduka nokutya zvichavawira.+Vachava vasingatsuguduki sedombo nokuda kwoukuru hworuoko rwenyu,Kusvikira vanhu venyu+ vapfuura, haiwa Jehovha,Kusvikira vanhu venyu vamakazviwanira+ vapfuura.+
17 Muchavaunza movadyara mugomo renhaka yenyu,+Nzvimbo isingachinji yamakazvigadzirira kuti mugare,+ haiwa Jehovha,Nzvimbo tsvene,+ haiwa Jehovha, yakasimbiswa nemaoko enyu.
18 Jehovha achava mambo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.+
19 Papinda mabhiza aFarao+ pamwe chete nengoro dzake dzehondo nevarwi vake vanotasva mabhiza mugungwa,+Jehovha abva adzorera mvura yegungwa pavari,+Asi vanakomana vaIsraeri vafamba panyika yakaoma nepakati pegungwa.”+
20 Zvino Miriyemu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni,+ akatora gandira noruoko rwake;+ vakadzi vose vakabuda pamwe chete naye vaine makandira vachitamba.+
21 Miriyemu akaramba achidavira varume,+ achiti:“Imbirai Jehovha,+ nokuti akwidziridzwa kwazvo.+Akanda bhiza nomutasvi waro mugungwa.”+
22 Gare gare Mosesi akaita kuti vaIsraeri vabve paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri,+ vakaramba vachifamba kwemazuva matatu murenje, asi havana kuwana mvura.+
23 Kwapera nguva yakati, vakasvika kuMara,+ asi vaisakwanisa kunwa mvura paMara nokuti yaivava. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Mara.+
24 Vanhu vakatanga kugunun’unira Mosesi,+ vachiti: “Tichanwei?”
25 Iye akabva achemera Jehovha.+ Naizvozvo Jehovha akamuratidza muti, akaukanda mumvura, mvura ikanaka.+
Iye akavaitira murau nematongerwe emhosva uye akavaedza ipapo.+
26 Iye akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu, muchiita zvakarurama pamberi pake, muchiteerera mirayiro yake nokuchengeta mirau yake yose,+ handizoisi pamuri matenda andakaisa pavaIjipiti;+ nokuti ndini Jehovha, iye ari kukuporesai.”+
27 Pashure paizvozvo vakasvika kuErimu, kwaiva nezvitubu gumi nezviviri nemichindwe makumi manomwe.+ Naizvozvo vakadzika musasa ipapo pedyo nemvura.