Eksodho 18:1-27
18 Zvino Jetro, mupristi weMidhiyani, tezvara vaMosesi,+ akanzwa nezvezvinhu zvose izvo Mwari akanga aitira Mosesi nevanhu vake vaIsraeri, mabudisiro ayo Jehovha akanga aita vaIsraeri muIjipiti.+
2 Naizvozvo Jetro, tezvara vaMosesi, akatora Zipora, mudzimai waMosesi, pashure pokunge ambodzoswa,
3 iye nevanakomana vake vaviri,+ mumwe ainzi Geshomu,+ “nokuti,” iye akadaro, “ndakava mutorwa munyika yokumwe”;
4 nomumwe wacho ainzi Eriyezeri,+ “nokuti,” sokutaura kwaakaita, “Mwari wababa vangu ndiye mubatsiri wangu pakuti akandinunura pabakatwa raFarao.”+
5 Naizvozvo Jetro, tezvara vaMosesi, nevanakomana vaMosesi nomudzimai wake vakasvika kwaiva naMosesi murenje maakanga akadzika musasa, pagomo raMwari wechokwadi.+
6 Akabva atumira shoko kuna Mosesi achiti: “Ini, tezvara vako Jetro,+ ndauya kwauri, pamwe chete nomudzimai wako nevanakomana vake vaviri vaainavo.”
7 Mosesi akabva abuda kuti anochingura tezvara vake, akagwadama, akavatsvoda;+ vakatanga kubvunzana upenyu. Pashure paizvozvo vakapinda mutende.
8 Zvino Mosesi akarondedzera kuna tezvara vake zvose izvo Jehovha akanga aitira Farao uye Ijipiti nokuda kwaIsraeri,+ nokutambudzika kwose kwakanga kwavawira munzira,+ asi Jehovha akanga achivanunura.+
9 Jetro akafara pamusoro pezvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha pakuti akanga avanunura pamaoko evaIjipiti.+
10 Naizvozvo Jetro akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununurai pamaoko evaIjipiti neparuoko rwaFarao, uye akanunura vanhu muruoko rweIjipiti.+
11 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru pane vamwe vanamwari+ vose nokuda kwechinhu ichi, icho vaIjipiti vakazvikudza nacho kwavari.”
12 Jetro, tezvara vaMosesi, akabva apa Mwari chinopiwa chinopiswa nezvibayiro;+ Aroni nevarume vakuru vose vaIsraeri vakauya kuzodya zvokudya natezvara vaMosesi, pamberi paMwari wechokwadi.+
13 Zvino pazuva rakatevera racho, Mosesi akagara pasi senguva dzose kuti atongere vanhu mhosva dzavo,+ uye vanhu vakaramba vakamira pamberi paMosesi kubvira mangwanani kusvikira manheru.
14 Tezvara vaMosesi vakaona zvose zvaakanga achiitira vanhu. Naizvozvo vakati: “Ibasa rorudzii iri rauri kuitira vanhu? Unorambirei wakagara uri woga uye vanhu vose vachiramba vakamira pamberi pako kubvira mangwanani kusvikira manheru?”
15 Mosesi akabva ati kuna tezvara vake: “Nokuti vanhu vanoramba vachiuya kwandiri kuti vabvunze Mwari.+
16 Kana vakava nemhosva inomuka,+ inouya kwandiri, ndovatonga, uye ndozivisa zvinosarudzwa naMwari wechokwadi uye mitemo yake.”+
17 Zvino tezvara vaMosesi vakati kwaari: “Zvauri kuita hazvina kunaka.
18 Chokwadi uchaneta, iwe nevanhu ava vauinavo, nokuti basa iri mutoro mukuru kwazvo kwauri.+ Haukwanisi kuriita uri woga.+
19 Zvino teerera inzwi rangu.+ Ndichakupa mazano, uye Mwari achava newe.+ Iwe iva mumiririri wevanhu pamberi paMwari wechokwadi,+ uye iwe uendese mhosva dzacho kuna Mwari wechokwadi.+
20 Uvanyevere kuti mirau nemitemo ndezvipi,+ uvazivise nzira yavanofanira kufamba nayo nebasa ravanofanira kuita.+
21 Asi iwe, pavanhu vose sarudza varume vanokwanisa,+ vanotya Mwari,+ varume vakavimbika,+ vanovenga mubereko usina kururama;+ woita kuti ivava vave vakuru vavo vezviuru,+ vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu nevakuru vemakumi.+
22 Ivo ngavatonge vanhu panguva yose yakafanira; uye ngavauye nemhosva dzose huru kwauri,+ asi ivo vachatonga mhosva duku dzose. Naizvozvo zvirerutsire, uye ivo ngavatakure mutoro wacho pamwe chete newe.+
23 Kana ukaita chinhu ichi, uye Mwari akurayira, uchabva wakwanisa kuzvitsungirira, uyewo, vanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.”+
24 Mosesi akabva ateerera inzwi ratezvara vake, akaita zvose zvavakanga vataura.+
25 Mosesi akasarudza varume vanokwanisa pakati pevaIsraeri vose, akavapa nzvimbo dzokuti vave vatungamiriri vevanhu,+ kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu uye vakuru vemakumi.
26 Vakatonga vanhu panguva yose yakakodzera. Vaiuya nemhosva yakaoma kuna Mosesi,+ asi ivo vaitonga mhosva dzose duku.
27 Pashure paizvozvo Mosesi akaonekana natezvara vake,+ ivo vakaenda kunyika yavo.