Eksodho 22:1-31
22 “Kana munhu akaba nzombe kana kuti gwai ozviuraya kana kuzvitengesa, anofanira kuripa nemombe shanu nokuda kwenzombe yacho, uye makwai mana nokuda kwegwai racho.+
2 (“Kana mbavha+ ikawanikwa ichipaza,+ yobva yarohwa, yofa, aiuraya wacho haana mhosva yeropa.+
3 Kana yanga yabudirwa nezuva, aiuraya wacho ane mhosva yeropa.)
“Inofanira kuripa. Kana isina chinhu, inofanira kubva yatengeswa nokuda kwezvinhu zvayakaba.+
4 Chokwadi, kana ikawanikwa iine chinhu chakabiwa muruoko rwayo, chichiri chipenyu, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri.
5 “Kana munhu akadyisa munda kana kuti munda wemizambiringa, osairira mhuka dzake dzinotakuriswa zvinhu, dzoparadza mune mumwe munda, anofanira kuripa+ nezvakanaka kwazvo zvomunda wake kana kuti nezvakanaka kwazvo zvomunda wake wemizambiringa.
6 “Kana moto ukapararira, ukabatira paminzwa, nepazvisote kana pazviyo zvisati zvachekwa kana kuti munda ukapiswa,+ munhu akabatidza moto wacho anofanira kuripa zvakatsva.
7 “Kana munhu akachengetesa wokwake mari kana kuti zvinhu,+ izvo zvikabiwa mumba momunhu wacho, kana mbavha yacho ikawanikwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri.+
8 Kana mbavha yacho ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuunzwa pedyo naMwari+ wechokwadi kuti vaone kana asina kutora zvinhu zvowokwake.
9 Asi kana iri mhosva yose yokudarika,+ pamusoro penzombe, mbongoro, gwai, nguo, chinhu chero chipi zvacho chakarasika chaangataura nezvacho kuti, ‘Ndechangu!’ mhosva yavo vari vaviri inofanira kuuya kuna Mwari wechokwadi.+ Uyo achanzi naMwari akaipa, acharipa wokwake zvakapetwa kaviri.+
10 “Kana munhu akachengetesa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chipfuwo chero chipi zvacho, chikafa kana kuti chikaremara kana kuti chikatinhwa pasina munhu ari kuzviona,
11 vaviri vacho vanofanira kupikirana+ vachishandisa zita raJehovha kuti iye haana kutora zvinhu zvowokwake;+ muridzi wazvo anofanira kuzvibvuma, uye mumwe wacho haafaniri kuripa.
12 Asi chokwadi, kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripa muridzi wazvo.+
13 Kana chikabvamburwa nechikara,+ anofanira kuuya nacho kuti chive uchapupu.+ Haafaniri kuripa chinhu chakabvamburwa nechikara.
14 “Asi kana munhu akakumbira chinhu kune wokwake,+ chikaremara kana kuti chikafa, muridzi wacho paanenge asiri nacho, anofanira kuripa.+
15 Kana muridzi wacho ainacho, haafaniri kuripa. Kana chakakumbirwa kuti chizobhadharwa, mubhadharo wacho ndiwo unofanira kuripirwa.
16 “Zvino kana munhu akanyengedza mhandara isati yavimbiswa kuroorwa, orara nayo,+ anofanira kuiwana nomutengo wokutenga nawo kuti ive mudzimai wake.+
17 Kana baba vayo vakaramba zvachose kuti vamupe iyo, anofanira kuripa mari inoenzanirana nemari inobhadharirwa mhandara.+
18 “Usachengetedza muroyi wechikadzi ari mupenyu.+
19 “Ani naani anorara nemhuka chokwadi anofanira kuurayiwa.+
20 “Munhu anobayira kuna vanamwari chero vapi zvavo kunze kwaJehovha oga anofanira kuparadzwa chose.+
21 “Usaitira utsinye mutorwa kana kuti kumudzvinyirira,+ nokuti imi maiva vatorwa munyika yeIjipiti.+
22 “Musatambudza chirikadzi chero ipi zvayo kana kuti nherera.+
23 Kana ukaitambudza, iyo ikandichemera, chokwadi ndichanzwa kuchema kwayo;+
24 ndichatsamwa kwazvo,+ uye ndichakuurayai nebakatwa, vadzimai venyu vachava chirikadzi, uye vanakomana venyu vachava nherera.+
25 “Kana ukakweretesa vanhu vangu mari, anotambudzika wauinaye,+ rega kumuitira zvinoitwa nowechimbadzo. Musareva mubereko kwaari.+
26 “Kana ukatora nguo yowokwako kuti ive chokumbofanobata,+ unofanira kuidzorera kwaari panovira zuva.
27 Nokuti ndicho chokufuka chake chete.+ Ndiro jasi rokuti afukidze ganda rake. Achafukei pakurara? Achandichemera, uye ndichanzwa, nokuti ndine nyasha.+
28 “Usatuka Mwari+ kana kuti kutuka jinda riri pakati pevanhu vako.+
29 “Usapa zvibereko zvako zvakawanda nezvinofashukira zvechisviniro chako uchizengurira.+ Unofanira kundipa dangwe revanakomana vako.+
30 Unofanira kuita seizvi nenzombe yako negwai rako:+ Icharamba iri pamwe chete naamai vayo kwemazuva manomwe.+ Nezuva rechisere unofanira kundipa iyo.
31 “Munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri;+ uye hamufaniri kudya nyama yechinhu chakabvamburwa kusango nechikara.+ Munofanira kuikandira imbwa.+