Eksodho 31:1-18
31 Zvino Jehovha akaramba achitaura naMosesi, achiti:
2 “Tarira, ndinoshevedza Bhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri wedzinza raJudha nezita.+
3 Ndichamuzadza nomudzimu waMwari kuti ave nouchenjeri, nokunzwisisa, nezivo, uye kuti ave nyanzvi muumhizha hwemarudzi ose,+
4 kuti afunge mazano, kuti ashande nendarama nesirivha nemhangura,+
5 nokuveza matombo kuti arongwe,+ nokuveza matanda kuti aite zvivezwa zvemarudzi ose.+
6 Asi ini, ndagadza Ohoriyabhi mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani kuti ave pamwe chete naye,+ uye ndinoisa uchenjeri mumwoyo mevanhu vose vakachenjera, kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:+
7 tende rokusanganira+ neAreka+ yechipupuriro nechifukidziro chiri pamusoro+ payo, nemidziyo yose yetende,
8 netafura nemidziyo yayo,+ nechigadziko chemarambi chendarama chaiyo nemidziyo yacho yose,+ neatari yerusenzi,+
9 neatari yechinopiwa chinopiswa nemidziyo yayo yose,+ nebheseni nechigadziko charo,+
10 nenguo dzakarukwa nenguo tsvene dzomupristi Aroni nenguo dzevanakomana vake dzokuti vashande sevapristi;+
11 nemafuta okuzodza nawo nerusenzi inonhuhwirira yenzvimbo tsvene.+ Ngavaite maererano nezvinhu zvose zvandakakurayira.”
12 Zvino Jehovha akatizve kuna Mosesi:
13 “Iwe taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Chokwadi munofanira kuchengeta masabata angu,+ nokuti iwo chiratidzo pakati pangu nemi muzvizvarwa zvenyu zvose kuti muzive kuti ini Jehovha ndiri kukutsvenesai.+
14 Munofanira kuchengeta sabata, nokuti iro chinhu chitsvene kwamuri.+ Chokwadi anorisvibisa achaurayiwa.+ Kana pakava nomunhu anoita basa pariri, mweya iwoyo unofanira kubva waparadzwa pakati pevanhu vawo.+
15 Basa ngariitwe pamazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rokuzorora zvakakwana.+ Iro chinhu chitsvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa pazuva resabata chokwadi achaurayiwa.
16 Vanakomana vaIsraeri vanofanira kuchengeta sabata, kuti vaite sabata muzvizvarwa zvavo zvose. Iyo isungano nokusingagumi.+
17 Iyo chiratidzo nokusingagumi pakati pangu nevanakomana vaIsraeri,+ nokuti Jehovha akaita matenga nenyika pamazuva matanhatu uye pazuva rechinomwe akazorora, akazvisimbisa.’”+
18 Zvino paakangopedza kutaura naye vari muGomo reSinai, akapa Mosesi mahwendefa maviri eChipupuriro,+ mahwendefa edombo akanga akanyorwa nomunwe waMwari.+