Eksodho 6:1-30
6 Naizvozvo Jehovha akati kuna Mosesi: “Zvino uchaona zvandichaitira Farao,+ nokuti achavarega vachienda nokuda kworuoko rune simba uye achavadzinga munyika yake nokuda kworuoko rune simba.”+
2 Mwari akataura naMosesi akati kwaari: “Ndini Jehovha.+
3 Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu,+ Isaka+ naJakobho+ saMwari Wemasimbaose,+ asi handina kuzvizivisa+ kwavari nezita rangu rokuti Jehovha.+
4 Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavaigara vari vatorwa.+
5 Ini, iyeni, ndanzwa kugomera kwevanakomana vaIsraeri,+ vari kuitwa varanda nevaIjipiti, uye ndayeuka sungano yangu.+
6 “Naizvozvo iti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, ndichakubvisai pamitoro yevaIjipiti ndokununurai pauranda hwavo,+ ndichakusunungurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kukuru.+
7 Ndichakutorai kuti muve rudzi rwangu,+ ndichava Mwari wenyu;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu ari kukubvisai pamitoro yeIjipiti.+
8 Ndichakupinzai munyika yandakasimudzira ruoko rwangu ndichipika+ kuti ndiipe Abrahamu, Isaka naJakobho; uye ndichakupai kuti ive yenyu.+ Ndini Jehovha.’”+
9 Pashure paizvozvo Mosesi akataura izvi nevanakomana vaIsraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kwokuora mwoyo uye nokuda kwouranda hwakaoma.+
10 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti:
11 “Pinda utaure naFarao, mambo weIjipiti,+ kuti abudise vanakomana vaIsraeri munyika yake.”+
12 Asi Mosesi akataura pamberi paJehovha, achiti: “Tarirai! Vanakomana vaIsraeri havana kunditeerera;+ zvino Farao anganditeerera sei,+ zvandiine miromo isina kudzingiswa?”+
13 Asi Jehovha akaramba achitaura naMosesi naAroni, akavashandisa kurayira vanakomana vaIsraeri naFarao mambo weIjipiti, kuti abudise vanakomana vaIsraeri munyika yeIjipiti.+
14 Ava ndivo vakuru veimba yemadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsraeri,+ vaiva Hanoki naParu, Hezroni naKami.+ Idzi ndidzo mhuri dzaRubheni.+
15 Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani.+ Idzi ndidzo mhuri dzaSimiyoni.+
16 Aya ndiwo mazita evanakomana vaRevhi,+ maererano nemadzinza emhuri dzavo:+ Geshoni naKohati naMerari.+ Makore oupenyu hwaRevhi aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.
17 Vanakomana vaGeshoni vaiva Ribhini naShimei,+ maererano nemhuri dzavo.+
18 Vanakomana vaKohati vaiva Amramu naIzihari naHebroni naUzieri.+ Makore oupenyu hwaKohati aiva makore zana nemakumi matatu nematatu.
19 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.+
Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi, maererano nemadzinza emhuri dzavo.+
20 Zvino Amramu akawana Jokebhedhi hanzvadzi yababa vake kuti ave mudzimai wake.+ Gare gare akamuberekera Aroni naMosesi.+ Makore oupenyu hwaAmramu aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.
21 Vanakomana vaIzihari vaiva Kora+ naNefegi naZikri.
22 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri naErizafani naSitri.+
23 Zvino Aroni akawana Erishebha, mwanasikana waAminadhabhi, hanzvadzi yaNashoni,+ kuti ave mudzimai wake. Gare gare akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, Eriyezari naItamari.+
24 Vanakomana vaKora vaiva Asiri naErikana naAbhiyasafi.+ Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaKora.+
25 Eriyezari, mwanakomana waAroni+ akawana mumwe wevanasikana vaPutieri kuti ave mudzimai wake. Gare gare iye akamuberekera Finiyasi.+
Ava ndivo vakuru vemadzibaba evaRevhi, maererano nemhuri dzavo.+
26 Ava ndivo Aroni naMosesi vakanzi naJehovha:+ “Budisai vanakomana vaIsraeri munyika yeIjipiti maererano nemauto avo.”+
27 Ndivo vaitaura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vanakomana vaIsraeri muIjipiti.+ Uyu ndiye Mosesi wacho naAroni.
28 Zvino pazuva iroro Jehovha akataura naMosesi ari munyika yeIjipiti,+
29 Jehovha akataura naMosesi, achiti: “Ndini Jehovha.+ Udza Farao, mambo weIjipiti zvinhu zvose zvandiri kukutaurira.”
30 Mosesi akabva ati pamberi paJehovha: “Tarirai! Ndine miromo isina kudzingiswa, saka Farao anganditeerera sei?”+