Esteri 1:1-22
1 Zvino pamazuva aAhashivheroshi,+ iye Ahashivheroshi aiva mambo kubvira kuIndiya kusvikira kuItiopiya, matunhu anopfuura zana nemakumi maviri nemanomwe,+
2 pamazuva iwayo Mambo Ahashivheroshi zvaakanga agere pachigaro chake choumambo,+ chaiva munhare+ yeShushani,+
3 mugore rechitatu rokutonga kwake, akaitira machinda ake ose nevashandi vake, uto rehondo rePezhiya+ neMedhiya,+ vaikudzwa+ nemachinda ematunhu vaiva pamberi pake+ mabiko,+
4 paakaratidza pfuma+ youmambo hwake hwaiva nomukurumbira,+ uye kukudzwa nokunaka kwoukuru hwake kwemazuva mazhinji, mazuva zana nemakumi masere.
5 Mazuva aya paakanga akwana, mambo akaitira mabiko vanhu vose vaiva munhare yeShushani, kwemazuva manomwe, vakuru nevaduku, pachivanze chomunda womuzinda wamambo.
6 Paiva nemachira erineni, eshinda yakanaka kwazvo neebhuruu+ aiva akasungwa zvakasimba netambo dzejira rakanaka kwazvo, nemachira akagadzirwa nemvere dzemakwai akaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka+ aiva mumarin’i esirivha nembiru dzemabhura, zvigaro+ zvendarama nesirivha zvaiva panzvimbo yakanga yakarongwa matombo epofiri neemabhura nemaparera neemabhura nhema.
7 Waini yaipfuudzwa kuti vanwire mumidziyo yendarama;+ uye midziyo yacho yaiva yakasiyana-siyana, uye waini yamambo+ yaiva zhinji, maererano nokuwana kwaiita mambo.
8 Kana iri nguva yokunwa maererano nomutemo, hapana aigombedzera mumwe, nokuti mambo akanga arongera munhu wose mukuru weimba yake saizvozvo, kuti aite maererano nezvinoda munhu mumwe nomumwe.
9 Uyewo, mambokadzi Vhashti+ akaitira vakadzi mabiko paimba youmambo yaiva yaMambo Ahashivheroshi.
10 Pazuva rechinomwe, mwoyo wamambo pawaiva wakafara newaini,+ akaudza Mehumani, Bhizta, Habhona,+ Bhigta naAbhagta, Zetari naKakasi, machinda manomwe aishumira+ pamberi paMambo Ahashivheroshi,
11 kuti vauye namambokadzi Vhashti, akapfeka chishongo chomumusoro choumambo pamberi pamambo, kuti aratidze marudzi nemachinda kutsvinda kwake; nokuti aiva nechitarisiko chakanaka.+
12 Asi Mambokadzi Vhashti aingoramba+ kuuya paitumirwa shoko namambo achishandisa machinda. Mambo akatsamwa kwazvo uye akaviruka nehasha.+
13 Mambo akati kuvanhu vakachenjera+ vaiziva nguva+ (nokuti ndiwo mauyiro aiita nyaya yamambo pamberi pavose vaiziva mutemo nemhosva,
14 uye vaiva pedyo zvikuru naye vaiva Kashena, Shetari, Admata, Tashishi, Meresi, Masena, naMemukani, machinda manomwe+ ePezhiya neMedhiya, aibvumirwa kupinda maiva namambo,+ uye aigara pokutanga muumambo):
15 “Maererano nomutemo Mambokadzi Vhashti anofanira kuitwei nokuti haana kuita zvataurwa naMambo Ahashivheroshi zvaatumira nemachinda?”
16 Memukani+ akapindura ari pamberi pamambo nemachinda, akati: “Mambokadzi Vhashti haana kungokanganisira mambo oga,+ asi akanganisira machinda ose nemarudzi ose ari mumatunhu ose aMambo Ahashivheroshi.
17 Nokuti zvaitwa namambokadzi zvichapararira kumadzimai ose zvokuti achazvidza+ varume vawo,+ paanoti, ‘Mambo Ahashivheroshi akati vauye namambokadzi Vhashti pamberi pake, asi iye haana kuenda.’
18 Nhasi machindakadzi ePezhiya neMedhiya, anzwa zvaitwa namambokadzi, achataura nemachinda ose amambo, uye pachava nokuzvidzwa nokutsamwa kukuru.+
19 Kana zvakanaka kuna mambo,+ mambo ngaataure shoko, uye ngarinyorwe pamitemo+ yePezhiya neMedhiya, kuti rirege kupfuura,+ kuti Vhashti arege kuuya pamberi paMambo Ahashivheroshi; uye mambo ngaape kuva vahosi kwake kune mumwe wake, mukadzi ari nani kumupfuura.
20 Murau wamambo waachaita unofanira kunzwiwa muumambo hwake hwose (nokuti hwakakura), uye madzimai ose achakudza+ varume vawo,+ vakuru pamwe chete nevaduku.”
21 Chinhu chacho chaifadza mambo+ nemachinda, mambo akaita maererano nezvakanga zvataurwa naMemukani.
22 Naizvozvo akatumira magwaro akanyorwa+ kumatunhu ose amambo, kudunhu rimwe nerimwe+ mumanyorero aro uye kurudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume wose arambe achiita somuchinda muimba yake+ uye achitaura norurimi rworudzi rwake.