Ezekieri 26:1-21
26 Zvino mugore rechigumi nerimwe chete, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana womunhu, Tire+ zvarati kuJerusarema,+ ‘Tsvatu waro! Raputswa,+ iwo masuo emarudzi!+ Zvinhu zvava kuzouya kwandiri. Ndichazadzwa—iro raparara,’+
3 naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndichakurwisa, haiwa iwe Tire, uye ndichaunza marudzi mazhinji kuti akurwise,+ sokuunza kunoita gungwa mafungu aro.+
4 Vachaparadza masvingo eTire+ voputsa shongwe dzaro,+ ndichatsvaira guruva raro ribve pariri ndoita kuti riite sepamusoro poruware, panopenya.
5 Richava nzvimbo yokuomesera mambure+ okukukudzisa mugungwa.’+
“‘Nokuti ini ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘uye richava chinhu chokuti marudzi apambe.
6 Mataundi ari pasi paro ari muruwa—achaparadzwa nebakatwa, uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha.’+
7 “Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarirai, ndichaunza Nebhukadrezari mambo weBhabhironi kuti arwise Tire achibva kuchamhembe,+ iye mambo wemadzimambo,+ aine mabhiza+ nengoro+ dzehondo nevarwi vakatasva mabhiza neungano,+ ivo vanhu vazhinji.
8 Achaparadza mataundi ari pasi pako ari muruwa nebakatwa, achagadzira rusvingo rwokuti akukombe narwo ogadzira rusvingo rwokukurwisa narwo+ uye achakusimudzira nhoo huru;
9 achaita kuti kugumura kunoitwa nechokugumurisa masvingo chake kunangidzirwe pamasvingo ako, uye achaputsa shongwe dzako, nemapakatwa ake.
10 Guruva remabhiza ake anoti nyandu nyandu richakufukidza.+ Masvingo ako achazununguka nokuda kwokutinhira kunokonzerwa nevarwi vakatasva mabhiza uye kunokonzerwa nemavhiri nengoro dzehondo, paanopinda nepamagedhi ako, sokupindwa kunoitwa muguta rinenge ravhurwa richiita zvokuputswa.
11 Achatsika-tsika migwagwa yako yose nemahwanda emabhiza ake.+ Achauraya vanhu vako nebakatwa, uye mbiru dzako dzesimba dzichawira pasi.
12 Vachatora pfuma+ yako nechisimba, vopamba zvinhu zvako zvokutengesa,+ voputsa masvingo ako, uye vachaputsa dzimba dzako dzakanaka. Matombo ako nematanda ako neguruva rako vachazviisa pakati pemvura.’
13 “‘Ndichaita kuti ruzha rwokuimba kwako rugume,+ uye kurira kwoudimbwa hwako hakuzonzwikizve.+
14 Ndichaita kuti uite sepamusoro poruware, panopenya.+ Uchava nzvimbo yokuomesera mambure okukukudzisa.+ Hauzombovakwizve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.+
15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kuTire, ‘Ko zvitsuwa hazvizozununguki here panonzwika kuparara kwako, panogomera munhu akuvadzwa zvokufa uye panourayiwa vanhu mukati mako?+
16 Machinda ose omugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zvoumambo,+ obvisa majasi awo asina maoko, uye achapfekenura nguo dzawo dzakamendwa. Achapfeka kudedera sezvinoitwa nguo. Achagara pasi,+ achadedera nguva dzose,+ oramba akakutarira achishamiswa.
17 Vachakuimbira rwiyo rwemariro,+ voti kwauri:
“‘“Waparara sei, iwe waimbogarwa nevanobva kumakungwa,+ haiwa iwe guta rairumbidzwa, rakava nesimba mugungwa,+ iro nevaya vaigara mariri, vaya vaivhundutsa vagari vose vomunyika!
18 Zvino zvitsuwa zvichadedera pazuva rokuparara kwako. Zvitsuwa zviri mugungwa zvichanetseka nokuda kwokubviswa kwako.”’+
19 “Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Pandichaita kuti uve guta rakaparadzwa, sezvakaita maguta asingagarwi, pandichaunza mvura yakadzika pamusoro pako, uye mvura zhinji paichange yakufukidza,+
20 ndichakuburutsawo pamwe chete nevaya vanoburukira mugomba kuvanhu vekare kare,+ ndichaita kuti ugare munyika yakadzikira kwazvo,+ senzvimbo dzakaparadzwa kwenguva refu, pamwe chete nevaya vanoburukira mugomba,+ kuti urege kugarwa; uye ndichashongedza nyika yevapenyu.+
21 “‘Ndichaita kuti uve zvinhu zvinongoerekana zvavhundutsa,+ uye hauzovipo; uchatsvakwa,+ asi hauzowanikizve nokusingagumi,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”