Ezekieri 29:1-21
29 Mugore rechigumi, mumwedzi wechigumi, pazuva rechigumi nemaviri romwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana womunhu, tarira kuna Farao mambo weIjipiti+ wakatsamwa, umuprofitire iye neIjipiti yose.+
3 Taura, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarira ndichakurwisa, haiwa iwe Farao mambo weIjipiti,+ iwe zimhuka romugungwa+ rakazvambarara mumigero yorwizi rwaNire,+ iro rakati, ‘Rwizi rwangu rwaNire ndorwangu, uye ini—ndakarugadzira kuti ruve rwangu.’+
4 Ndichaisa zvokukochekera nazvo mushaya dzako,+ ndoita kuti hove dzomumigero yako yaNire dzinamatire pamakwande ako. Ndichakubudisa mumigero yako yaNire pamwe chete nehove dzose dzomumigero yako yorwizi rwaNire dzinonamatira pamakwande ako.
5 Ndichakurasira kurenje, iwe nehove dzose dzomumigero yako yaNire.+ Uchawira musango.+ Hauzokokorodzwi kana kuunganidzwa. Ndichakuisa kuzvikara zvenyika nokuzvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga kuti uve zvokudya zvazvo.+
6 Vagari vose vomuIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha,+ nokuti vakava sechinhu chinotsigira, setsanga kuimba yaIsraeri.+
7 Pavakakubata ruoko, wakapwanyika,+ uye wakatsemura pfudzi ravo rose. Pavakasendama pauri, wakatyoka,+ ukaita kuti hudyu dzavo dzose dzigwede-gwede.”+
8 “‘Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarira ndichakuunzira bakatwa,+ uye ndichaparadza vanhu vepanyika nezvipfuwo zviri mauri.+
9 Nyika yeIjipiti ichava dongo nenzvimbo yakaparadzwa;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha, nokuti iye akati, ‘Rwizi rwaNire ndorwangu, ndini ndakaruita.’+
10 Naizvozvo tarira ndava kukurwisa iwe nemigero yako yaNire,+ uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive nzvimbo dzakaparadzwa, dzakaoma, dongo,+ kubvira kuMigdhori+ kusvikira kuSiene+ uye kusvikira kumuganhu weItiopiya.
11 Hapana tsoka yomunhu wepanyika ichazopfuura nomairi,+ kana tsoka yechipfuwo ichazopfuura nomairi,+ haizogarwi kwemakore makumi mana.+
12 Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive dongo pakati penyika dzakaitwa matongo;+ uye maguta ayo achava matongo pakati pemaguta akaparadzwa kwemakore makumi mana;+ uye ndichaparadzira vaIjipiti pakati pemamwe marudzi, ndoita kuti vapararire munyika zhinji.”+
13 “‘Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Panopera makore makumi mana+ ndichaunganidza vaIjipiti vachibva pakati pemarudzi avachange vakaparadzirwa kwaari,+
14 ndichadzosa boka rakatapwa revaIjipiti; uye ndichavadzosa kunyika yePatrosi,+ kunyika yavakabva, uye vachava umambo hwakaderera ikoko.
15 Huchava hwakaderera kupfuura humwe umambo hwose, uye hahuzozvikwidziridzizve pamusoro pemamwe marudzi,+ uye ndichaita kuti vave vashoma kwazvo kuti varege kuzova nesimba pane mamwe marudzi.+
16 Hahuzovizve chinhu chinovimbwa nacho neimba yaIsraeri,+ ichindiyeuchidza kukanganisa kwavo nokutendeukira kwavo kwavari.+ Vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’”
17 Zvino mugore rechimakumi maviri nemanomwe, mumwedzi wokutanga, pazuva rokutanga romwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadrezari,+ mambo weBhabhironi, akaita kuti uto rake rehondo riite basa guru rokurwisa Tire.+ Misoro yose yakaitwa miparavara, uye mapfudzi ose akakwizwa akasvuuka.+ Asi hapana mubayiro+ webasa raakanga aita achirirwisa wakabva kuTire nokuda kwake iye neuto rake rehondo.
19 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndichapa Nebhukadrezari mambo weBhabhironi nyika yeIjipiti,+ uye iye achatakura pfuma yayo, oitorera nechisimba zvinhu zvayo zvizhinji,+ oipamba kwazvo; uye zvichava mubayiro weuto rake rehondo.’
20 “‘Ndamupa nyika yeIjipiti kuti ive muripo webasa raakaita pakurirwisa, nokuti vakashandira ini,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.
21 “Pazuva iroro ndichaita kuti nyanga imere nokuda kweimba yaIsraeri,+ ndichakupa nguva yokushama muromo wako uri pakati pavo;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”