Ezekieri 35:1-15
35 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti:
2 “Mwanakomana womunhu, tarira+ kunzvimbo ine makomo yeSeiri+ wakatsamwa, uiprofitire.+
3 Uti kwairi, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarira ndiri kukurwisa, haiwa iwe nzvimbo ine makomo yeSeiri,+ uye ndichakutambanudzira ruoko rwangu+ ndoita kuti uve dongo, nzvimbo isina chinhu.+
4 Ndichaita kuti maguta ako aite senzvimbo yakaparadzwa, uye iwe uchava dongo;+ uye uchaziva kuti ndini Jehovha,+
5 nokuti wakava noruvengo rusingagumi,+ ukaramba uchiisa vanakomana vaIsraeri kusimba rebakatwa,+ munguva yenjodzi yavo,+ munguva yokukanganisa kwavo kwokupedzisira.”’+
6 “‘Naizvozvo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘nokuti ndakanga ndichikugadzirira kuti ropa rako riteurwe, kuteura ropa kuchakuteverawo.+ Chokwadi wakavenga ropa, uye kuteura ropa kuchakutevera.+
7 Ndichaita kuti nzvimbo ine makomo yeSeiri ive dongo, nzvimbo isina chinhu,+ uye ndichaparadza munhu anopfuura nomairi nomunhu anodzoka nomairi.+
8 Ndichazadza makomo ayo nevachaurayiwa; vachaurayiwa nebakatwa vachawira muzvikomo zvako nemipata yako nehova dzako.+
9 Ndichaita kuti uve matongo nokusingagumi uye maguta ako haazogarwi;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.’+
10 “Iwe zvawakati, ‘Marudzi maviri aya nenyika mbiri idzi—zvichava zvangu, uye tichaita kuti nyika yoga yoga ive yedu,’+ kunyange zvazvo Jehovha aiva ipapo,+
11 ‘naizvozvo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichaitawo zvinoenderana nehasha dzako uye zvinoenderana negodo rako zvawakaratidza nokuda kwokuvavenga kwako;+ uye ndichaita kuti ndizivikanwe navo pandinokutonga.+
12 Uchaziva kuti ini Jehovha, ndakanzwa zvinhu zvako zvose zvokusaremekedza zvawakataura pamusoro pemakomo aIsraeri,+ uchiti: “Aitwa matongo. Taapiwa kuti ave zvokudya zvedu.”+
13 Imi makaramba muchizvikudza kwazvo kwandiri nemiromo yenyu,+ uye makawanza mashoko enyu pamberi pangu.+ Ini ndakaanzwa.’+
14 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichaita kuti uve dongo panguva inofara nyika yose.
15 Sokufara kwawakanga uchiita pamusoro penhaka yeimba yaIsraeri nokuti yakanga yaitwa dongo, ndichakuitawo saizvozvo.+ Uchava dongo, haiwa iwe nzvimbo ine makomo yeSeiri, iyo Edhomu, yose zvayo;+ uye ivo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”+