Ezekieri 37:1-28
37 Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu,+ zvokuti akandibudisa nomudzimu waJehovha,+ akandigadzika pakati pebani, uye rakanga rizere nemapfupa.+
2 Akaita kuti ndipfuure pedyo nawo ose ndichipoterera, uye tarira! iwo akanga ari mazhinji kwazvo mubani imomo, uye tarira! akanga akaoma kwazvo.+
3 Zvino iye akati kwandiri: “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angavazve mapenyu here?” Ini ndikati: “Changamire Ishe Jehovha, imi ndimi munoziva.”+
4 Iye akati kwandiri: “Profitira mapfupa aya, uti kwaari, ‘Haiwa imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha:
5 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumapfupa aya: “Tarirai ndiri kuisa mhepo yokufema mamuri, uye muchava vapenyu.+
6 Ndichaisa madzira pamuri ndoita kuti nyama iuye pamuri, ndichakufukidzai neganda, ndoisa mhepo yokufema mamuri uye muchava vapenyu;+ imi muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”+
7 Zvino ndakaprofita sezvandakanga ndarayirwa.+ Kurira kwakatanga kunzwika pandakangoprofita, uye kutinhira kwakavapo, mapfupa akatanga kuswederana, pfupa rimwe nerimwe kune pfupa raro.
8 Ndakaona, uye tarira! madzira nenyama zvakavapo paari, ganda rikatanga kufukidza pamusoro pazvo. Asi akanga asina mhepo yokufema mukati mawo.
9 Zvino iye akati kwandiri: “Profita kumhepo. Haiwa iwe mwanakomana womunhu, profita uti kumhepo, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Uya uchibva kumhepo ina, haiwa iwe mhepo, ufuridze pamusoro pevanhu ava vakaurayiwa,+ kuti vavezve vapenyu.”’”+
10 Nokudaro ndakaprofita sezvaakanga andirayira, mhepo yokufema ikapinda mavari, vakatanga kurarama, vakamira netsoka dzavo,+ riri uto rehondo guru guru kwazvo.
11 Zvino akati kwandiri: “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri.+ Tarira vari kuti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaparara.+ Taparadzaniswa chose.’
12 Naizvozvo profita, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai ndichavhura makuva enyu,+ ndichakubudisai mumakuva enyu, haiwa imi vanhu vangu, ndokuendesai kunyika yaIsraeri.+
13 Muchaziva kuti ndini Jehovha pandinovhura makuva enyu uye pandinokubudisai mumakuva enyu, haiwa imi vanhu vangu.”’+
14 ‘Ndichaisa mudzimu wangu mukati menyu, uye muchava vapenyu,+ ndichaita kuti mugare munyika yenyu; uye muchaziva kuti ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”+
15 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti:
16 “Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, tora katanda+ unyore pamusoro pako kuti, ‘Nokuda kwaJudha uye nokuda kwevanakomana vaIsraeri, idzo shamwari dzake.’+ Uye tora kamwe katanda unyore pamusoro pako kuti, ‘Nokuda kwaJosefa, katanda kaEfremu,+ neimba yose yaIsraeri, idzo shamwari dzake.’+
17 Zvino utuswededze pamwe chete kuti tuve katanda kako kamwe chete, uye tuchava katanda kamwe chete muruoko rwako.+
18 Vanakomana vevanhu vokwako pavanotanga kuti kwauri, ‘Haungatiudziwo here kuti zvinhu izvi zvinorevei kwauri?’+
19 iwe uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai ndichatora katanda kaJosefa, kari muruoko rwaEfremu, nemadzinza aIsraeri, shamwari dzake, ndichavaisa pamusoro pako, iko katanda kaJudha, ndichavaita katanda kamwe chete,+ uye vachava chinhu chimwe chete muruoko rwangu.”’
20 Tutanda twauchanyora pamusoro patwo tunofanira kunge turi mumaoko ako ivo vachizviona.+
21 “Zvino uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai ndichatora vanakomana vaIsraeri pakati pemarudzi avakaenda kwaari, ndichavaunganidza vachibva kumativi ose ndovaunza kunyika yavo.+
22 Ndichaita kuti vave rudzi rumwe chete munyika yacho,+ pamakomo aIsraeri, vose zvavo vachava namambo mumwe chete kuti ave mambo wavo,+ havazorambizve vari marudzi maviri, uye havazorambizve vakakamurwa kuva umambo huviri.+
23 Havazozvisvibisizve nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove uye nezvinhu zvavo zvinonyangadza uye nokudarika kwavo kwose;+ uye ndichavaponesa munzvimbo dzavo dzose dzokugara mavakatadza vari, ndichavachenesa,+ vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+
24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ vose vachava nomufudzi mumwe chete;+ uye vachafamba maererano nezvandakatonga,+ uye vachachengeta mirau yangu,+ voiita.+
25 Vachagara panyika yandakapa mushumiri wangu, Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ vachagara mairi,+ ivo nevanakomana vavo nevanakomana vevanakomana vavo nokusingagumi,+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nokusingagumi.+
26 “‘“Ndichaita sungano yorugare navo;+ pachava nesungano inogara nokusingagumi navo.+ Ndichavaisa imomo, ndoita kuti vawande,+ ndoisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingagumi.+
27 Tebhenekeri yangu ichava pavari,+ ini ndichava Mwari wavo uye ivo vachava vanhu vangu.+
28 Marudzi achaziva kuti ini, Jehovha,+ ndiri kutsvenesa Israeri nzvimbo tsvene yangu painova pakati pavo nokusingagumi.”’”+