Ezekieri 4:1-17
4 “Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, tora chidhinha, uchiise pamberi pako, unyore uchiita zvokutemera pamusoro pacho mufananidzo weguta, iro Jerusarema.+
2 Zvino urikombe,+ urivakire rusvingo rwokurirwisa,+ urigadzirire rusvingo rwokurikomba narwo,+ urigadzirire misasa uye uise zvokugumurisa masvingo kumativi aro ose.+
3 Iwe tora gango resimbi, uite kuti rive rusvingo rwesimbi pakati pako neguta racho, unangidzire chiso chako kwariri, uye rinofanira kukombwa, uye iwe urikombe. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+
4 “Zvino iwe, urare norutivi rwako rworuboshwe, uise kukanganisa kweimba yaIsraeri pamusoro parwo.+ Nokuti uchatakura kukanganisa kwavo kwemazuva aucharara narwo.
5 Ini ndichakupa makore okukanganisa kwavo+ kuti asvike mazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe,+ uye uchatakura kukanganisa kweimba yaIsraeri.
6 Unofanira kuapedza.
“Kechipiri, urare norutivi rwako rworudyi, utakure kukanganisa kweimba yaJudha kwemazuva makumi mana.+ Zuva rimwe chete richava gore, zuva rimwe chete richava gore, ndizvo zvandakupa.+
7 Uchanangidzira chiso chako pakukombwa kweJerusarema,+ ruoko rwako rwakafukurwa, uye uriprofitire.
8 “Tarira! ndichakusunga netambo+ kuti urege kupindukira kune rimwe divi rako uchibva kune rimwe divi rako, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
9 “Zvino iwe, tora gorosi+ nebhari nebhinzi hombe+ nenyemba+ nemapfunde nesipereti,+ uzviise mumudziyo mumwe chete, ubike zvokudya zvako nazvo, zvemazuva auchange wakarara norutivi rwako; uchazvidya kwemazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe.+
10 Zvokudya zvako zvauchadya zvichange zvakayerwa—mashekeri makumi maviri pazuva rimwe chete.+ Uchazvidya nguva nenguva.
11 “Uchanwa mvura yakayerwa, chikamu chimwe chete pazvikamu zvitanhatu zvehini. Uchainwa nguva nenguva.
12 “Uchazvidya sekeke reraundi rebhari;+ ucharibika netsvina+ yevanhu yakaoma ivo vachizviona.”
13 Jehovha akatiwo: “Vanakomana vaIsraeri vachadya zvokudya zvavo zvisina kuchena+ saizvozvi vari pakati pemarudzi andichavaparadzira kwaari.”+
14 Zvino ndakati: “Maiwe, haiwa Changamire Ishe Jehovha! Tarirai! Mweya wangu hauna kusvibiswa;+ uye handina kumbodya chitunha kana mhuka yakabvamburwa kubvira ndichiri muduku,+ kunyange nazvino, uye mumuromo mangu hamuna kumbopinda nyama isina kuchena.”+
15 Naizvozvo iye akati kwandiri: “Ona, ndakupa ndove yemombe panzvimbo petsvina yevanhu yakaoma, uye ubike zvokudya zvako nayo.”
16 Akaramba achiti kwandiri: “Mwanakomana womunhu, tarira ndichatyora tsvimbo dzinoiswa zvingwa zvakaita serin’i,+ muJerusarema, vachadya zvokudya zvichiita zvokuyerwa vachizvidya mwoyo,+ vachanwa mvura ichiita zvokuyerwa uye vachitya kwazvo,+
17 kuti vashayiwe zvokudya nemvura uye kuti vatarirane vakatyamadzwa uye vaparare nokuda kwokukanganisa kwavo.+