Ezra 5:1-17
5 Zvino muprofita Hagai+ naZekariya+ muzukuru waIdho+ muprofita, vakaprofitira vaJudha vaiva muJudha nomuJerusarema, nezita+ raMwari waIsraeri aiva pavari.+
2 Panguva iyoyo Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri+ naJeshua+ mwanakomana waJehozadhaki ndipo pavakasimuka vakatanga kuvakazve imba yaMwari, yaiva muJerusarema; uye vaprofita+ vaMwari vaiva navo vachivayamura.
3 Panguva iyoyo gavhuna Tatenai+ aiva mhiri kwoRwizi+ naShetari-bhozenai nevamwe vavo vakauya kwavari, uye vaiti kwavari: “Ndiani akakurayirai kuti muvake imba iyi uye kuti mupedze chivako ichi chematanda?”+
4 Vakabva vati kwavari: “Varume vari kuvaka chivako ichi ndivanaani?”
5 Ziso+ raMwari wavo raiva+ pavarume vakuru vevaJudha, uye havana kuvamisa kusvikira mashoko aenda kuna Dhariyasi uye rugwaro pamusoro paizvozvi rwadzoswa.
6 Heino kopi+ yetsamba yakatumirwa nagavhuna Tatenai+ aiva mhiri kwoRwizi+ naShetari-bhozenai+ nevamwe vake,+ magavhuna maduku aiva mhiri kwoRwizi, kuna mambo Dhariyasi;
7 vakamutumira shoko, uye zvakanyorwa mairi zvaiva seizvi:
“Kuna mambo Dhariyasi:
“Rugare rwose ngaruve nemi!+
8 Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu+ raJudha kuimba yaMwari mukuru,+ uye iri kuvakwa nematombo anokungurutsirwa munzvimbo yawo, matanda ari kuiswa mumadziro; uye kuti basa riri kuitwa nomwoyo wose uye riri kufambira mberi pamaoko avo.
9 Takabva tabvunza varume vakuru ava. Takati kwavari: ‘Ndiani akakurayirai kuti muvake imba iyi uye kuti mupedze chivako ichi chematanda?’+
10 Takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, kuti tinyore mazita evarume vari kuvatungamirira.+
11 “Zvino iri ndiro shoko ravakatipindura, vachiti: ‘Tiri vashumiri vaMwari wokumatenga nenyika,+ uye tiri kuvakazve imba yakanga yakavakwa makore mazhinji izvi zvisati zvaitika, yakavakwa ikapedzwa namambo mukuru waIsraeri.+
12 Zvisinei, nokuti madzibaba edu akatsamwisa+ Mwari wokumatenga, iye akavaisa+ mumaoko aNebhukadhinezari+ mambo weBhabhironi, muKadheya,+ uye iye akakoromora imba iyi,+ akatapa vanhu achivaendesa kuBhabhironi.+
13 Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raKoreshi+ mambo weBhabhironi, mambo Koreshi akarayira kuti imba iyi yaMwari ivakwezve.+
14 Uyewo midziyo yendarama neyesirivha+ yeimba yaMwari yakanga yabudiswa naNebhukadhinezari mutemberi, yaiva muJerusarema, akaenda nayo kutemberi yeBhabhironi,+ mambo+ Koreshi akaibudisa mutemberi yeBhabhironi, uye yakapiwa Sheshbhazari,+ zita rewaakaita gavhuna.+
15 Akati kwaari: “Tora midziyo iyi.+ Enda, uiise mutemberi iri muJerusarema, uye imba yaMwari ngaivakwezve panzvimbo yayo.”+
16 Sheshbhazari uya paakasvika akavaka nheyo dzeimba yaMwari,+ iri muJerusarema; kubvira ipapo kusvikira zvino iri kuvakwazve asi haisati yapera.’+
17 “Zvino kana zvakanaka kuna mambo, imba yamambo yepfuma iri ikoko kuBhabhironi ngaiongororwe,+ kana zviri izvo kuti murayiro wokuvakazve imba iyoyo yaMwari iri muJerusarema wakabva kuna mambo Koreshi;+ mambo ngaatitumire zvaanosarudza pamusoro peizvi.”