Genesisi 11:1-32
11 Zvino nyika yose yakaramba iine mutauro mumwe chete uye iine mashoko mamwe chete.
2 Pavaifamba vachienda nechokumabvazuva vakazowana bani munyika yeShinari,+ vakagara imomo.
3 Vakatanga kutaurirana vachiti: “Uyai! Ngatiite zvidhinha, tizviomese nokuzvipisa.” Naizvozvo zvidhinha zvakava matombo avo, asi bhitumini yakava dhaka ravo.+
4 Zvino vakati: “Uyai! Ngatizvivakire guta uyewo shongwe ine musoro unosvika kumatenga,+ uye ngatizviitirei zita rakakurumbira,+ kuti tirege kupararira panyika pose.”+
5 Jehovha akaburuka kuti aone guta racho norusvingo rwacho zvakanga zvavakwa nevanakomana vevanhu.+
6 Jehovha akazoti: “Tarira! Ivo vanhu vamwe, vose vane mutauro mumwe chete,+ uye izvi ndizvo zvavanotanga kuita. Chokwadi, zvino hapana chavangafunga kuita chavachatadza.+
7 Uya zvino! Ngatiburuke+ tinovhiringidza+ mutauro wavo ikoko kuti varege kunzwanana mitauro yavo.”+
8 Naizvozvo Jehovha akavaparadzira panyika pose vachibva ipapo,+ uye zvishoma nezvishoma vakarega kuvaka guta racho.+
9 Ndokusaka rakatumidzwa kuti Bhabheri,+ nokuti Jehovha akanga avhiringidza mutauro wenyika yose ipapo, uye Jehovha akanga avaparadzira+ panyika pose vachibva ipapo.
10 Iyi ndiyo nhoroondo yaShemu.+
Shemu akanga aine makore zana paakabereka Apakishadhi,+ makore maviri mafashamo apfuura.
11 Abereka Apakishadhi, Shemu akararama kwemakore mazana mashanu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.+
12 Apakishadhi akararama makore makumi matatu nemashanu, akazobereka Shera.+
13 Abereka Shera, Apakishadhi akararama kwemakore mazana mana nematatu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
14 Shera akararama makore makumi matatu, akazobereka Ebheri.+
15 Abereka Ebheri, Shera akararama kwemakore mazana mana nematatu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
16 Ebheri akararama kwemakore makumi matatu nemana, akazobereka Peregi.+
17 Abereka Peregi, Ebheri akararama kwemakore mazana mana nemakumi matatu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
18 Peregi akararama kwemakore makumi matatu, akazobereka Reu.+
19 Abereka Reu, Peregi akararama kwemakore mazana maviri nemapfumbamwe. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
20 Reu akararama kwemakore makumi matatu nemaviri, akazobereka Serugu.+
21 Abereka Serugu, Reu akararama kwemakore mazana maviri nemanomwe. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
22 Serugu akararama kwemakore makumi matatu, akazobereka Nahori.+
23 Abereka Nahori, Serugu akararama kwemakore mazana maviri. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
24 Nahori akararama kwemakore makumi maviri nemapfumbamwe, akazobereka Tera.+
25 Abereka Tera, Nahori akararama kwemakore zana negumi nemapfumbamwe. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.
26 Tera akararama kwemakore makumi manomwe, akazobereka Abramu,+ Nahori+ naHarani.
27 Zvino iyi ndiyo nhoroondo yaTera.
Tera akabereka Abramu, Nahori naHarani; uye Harani akabereka Roti.+
28 Gare gare Harani akafa achiri naTera baba vake munyika yaakaberekerwa, muUri+ yevaKadheya.+
29 Abramu naNahori vakawana madzimai. Mudzimai waAbramu ainzi Sarai,+ asi mudzimai waNahori ainzi Mirika,+ mwanasikana waHarani, baba vaMirika nababa vaIska.
30 Asi Sarai akaramba asingabereki;+ akanga asina mwana.
31 Tera akazotora Abramu mwanakomana wake naRoti, mwanakomana waHarani, muzukuru wake,+ naSarai+ muroora wake, mudzimai waAbramu mwanakomana wake, vakabuda naye muUri yevaKadheya kuti vaende kunyika yeKenani.+ Kwapera nguva yakati, vakasvika kuHarani+ vakagara ikoko.
32 Zvino mazuva aTera akava makore mazana maviri nemashanu. Tera akazofira muHarani.