Genesisi 14:1-24
14 Zvino mumazuva aAmraferi mambo weShinari,+ Arioki mambo weErasari, Kedhoraomeri+ mambo weEramu,+ naTidhari mambo weGoimu,+
2 vakarwa naBhera mambo weSodhoma,+ uye naBhisha mambo weGomora,+ Shinabhu mambo weAdma,+ naShemebheri mambo weZebhoimu,+ namambo weBhira (kureva Zoari).+
3 Vose ava vakafora vakabatana+ vachienda kuBani reSidhimu,+ kureva Gungwa roMunyu.+
4 Vakanga vashandira Kedhoraomeri kwemakore gumi nemaviri, asi vakapanduka gore rechigumi nematatu.
5 Mugore rechigumi nemana Kedhoraomeri akauya, pamwe chete nemadzimambo aaiva nawo, vakakunda vaRefaimu paAshteroti-kanaimu,+ nevaZuzimu muHamu, nevaEmimu+ muShavhe-kiriyataimu,
6 nevaHori+ pagomo ravo reSeiri,+ kusvikira kuEri-parani,+ iri murenje.
7 Vakabva vadzoka, vakasvika paEni-mishpati, kureva Kadheshi,+ vakakunda nyika yose yevaAmareki+ uyewo vaAmori+ vaigara muHazazoni-tamari.+
8 Panguva iyi mambo weSodhoma, uyewo mambo weGomora namambo weAdma namambo weZebhoimu namambo weBhira (kureva Zoari) vakafora, vakagadzirira kurwisana navo muBani reSidhimu,+
9 kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoimu naAmraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasari;+ madzimambo mana achirwa nemashanu.
10 Zvino Bani reSidhimu+ rakanga rakazara nemakomba ebhitumini;+ uye madzimambo eSodhoma neGomora+ akatanga kutiza akawira maari, uye vakasara vakatizira kunzvimbo ine makomo.+
11 Vakundi vacho vakabva vatora zvinhu zvose zveSodhoma neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda.+
12 Vakatorawo Roti mwanakomana womukoma waAbramu nezvinhu zvake, vakaramba vachienda. Panguva iyoyo aigara muSodhoma.+
13 Mumwe munhu akanga apukunyuka akazosvika akaudza Abramu muHebheru.+ Panguva iyoyo aigara pamiti mikuru yaMamre muAmori,+ munun’una waEshkori nomunun’una waAneri;+ uye vaiva vakabatana naAbramu.
14 Nokudaro Abramu akanzwa kuti hama yake yakanga yatapwa.+ Naizvozvo akaunganidza varume vake vakarovedzwa,+ varanda mazana matatu negumi nevasere vakaberekerwa muimba yake,+ akatevera kusvikira kuDhani.+
15 Zvino hwava usiku akakamura mauto ake,+ iye nevaranda vake, akavarwisa, uye nokudaro akavakunda, akaramba achivatevera kusvikira kuHobha, iri kuchamhembe kweDhamasiko.
16 Akadzosa zvinhu zvose,+ uye akadzosawo Roti hama yake nezvinhu zvake uyewo vakadzi nevanhu.+
17 Mambo weSodhoma akabva abuda kunomuchingura pashure pokunge adzoka kunokunda Kedhoraomeri nemadzimambo aaiva nawo, kuBani reShavhe, kureva Bani ramambo.+
18 Zvino Merekizedheki+ mambo weSarema+ akauya nechingwa newaini,+ uye aiva mupristi waMwari Wokumusorosoro.+
19 Akabva amukomborera akati:
“Abramu ngaakomborerwe naMwari Wokumusorosoro,+Mugadziri wedenga nenyika;+
20 Mwari Wokumusorosoro ngaarumbidzwe,+Aisa vadzvinyiriri vako muruoko rwako!”+
Abramu akamupa chegumi chezvinhu zvose.+
21 Mambo weSodhoma akazoti kuna Abramu: “Ndipe mweya,+ asi tora zvinhu.”
22 Abramu akati kuna mambo weSodhoma: “Ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika+ kuna Jehovha Mwari Wokumusorosoro, Mugadziri wedenga nenyika,
23 kuti, kubvira pashinda kusvikira patambo yehwashu, aiwa, handingatori chinhu pazvinhu zvenyu,+ kuti musazoti, ‘Ndini ndakapfumisa Abramu.’
24 Hapana changu!+ Kunze kwezvatodyiwa nemajaya, uye mugove wevarume vakaenda neni, Aneri, Eshkori naMamre+—ivo ngavatore mugove wavo.”+