Genesisi 15:1-21
15 Zvinhu izvi zvaitika, shoko raJehovha rakasvika kuna Abramu pane zvaakaratidzwa,+ richiti: “Abramu, usatya.+ Ndiri nhoo yako.+ Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”+
2 Abramu akati: “Changamire Ishe Jehovha, muchandipei, zvandisina mwana uye achava muridzi weimba yangu zvaari munhu wokuDhamasiko, Eriyezeri?”+
3 Abramu akatizve: “Tarirai! Hamuna kundipa mwana,+ uye, tarirai! mwanakomana+ weimba yangu ari kunditsiva kuti ave mugari wenhaka.”
4 Asi, tarira! shoko raJehovha rakasvika kwaari raiva rokuti: “Munhu uyu haangakutsivi kuti ave mugari wenhaka, asi uyo achabuda mukati mako ndiye achakutsiva kuti ave mugari wenhaka.”+
5 Zvino akamubudisa kunze akati: “Ndapota, tarira kumusoro kumatenga uverenge nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga.”+ Akati kwaari: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+
6 Akatenda muna Jehovha;+ akamuti akarurama.+
7 Akabva atizve kwaari: “Ndini Jehovha, akakubudisa muUri yevaKadheya kuti ndikupe nyika iyi kuti uiite yako.”+
8 Iye akati: “Changamire Ishe Jehovha, chii chichandizivisa kuti ndichaita kuti ive yangu?”+
9 Iye akatiwo kwaari: “Nditorere tsiru rine makore matatu nenhunzvi yembudzi ine makore matatu negondohwe rine makore matatu negukutiwa nomwana wehangaiwa.”+
10 Naizvozvo akatora zvose izvi akazvitsemura nepakati, akaisa rutivi rumwe norumwe rwazvo rwakatarisana norumwe, asi haana kutsemura shiri.+
11 Zvino shiri dzinodya nyama dzakatanga kuburukira pamitumbi yacho,+ asi Abramu akaramba achidzidzinga.
12 Kwapera nguva yakati, zuva rakanga rava kuda kuvira, Abramu akabatwa nehope huru,+ uye, tarira! rima rinotyisa kwazvo rakanga richimuwira.
13 Zvino akati kuna Abramu: “Chokwadi ziva kuti vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo,+ vachavashandira, uye ivava vachavatambudza kwemakore mazana mana.+
14 Asi ndiri kutonga rudzi rwavachashandira,+ uye vachazobuda nezvinhu zvizhinji.+
15 Asi iwe, uchaenda kumadzitateguru ako norugare; uchavigwa wanyatsokwegura.+
16 Asi pachizvarwa chechina vachadzoka kuno,+ nokuti kukanganisa kwevaAmori hakusati kwakwana.”+
17 Zvino zuva rakanga rava kuvira uye rima guru rakavapo uye, tarira! kwaiva nevira raipfungaira nezhenje romoto zvakapfuura nepakati pemativi aya.+
18 Pazuva iroro Jehovha akaita sungano naAbramu,+ achiti: “Ndichapa vana* vako nyika ino,+ kubvira parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, rwizi rwaYufratesi:+
19 vaKeni+ nevaKenizi nevaKadmoni
20 nevaHiti+ nevaPerizi+ nevaRefaimu+
21 nevaAmori nevaKenani nevaGigashi nevaJebhusi.”+