Genesisi 20:1-18
20 Zvino Abrahamu akatamisa musasa kubva ipapo,+ akaenda kunyika yeNegebhu, akagara pakati peKadheshi+ neShuri+ uye achigara ari mutorwa paGerari.+
2 Abrahamu akatizve nezvaSara mudzimai wake: “Ihanzvadzi yangu.”+ Naizvozvo Abhimereki mambo weGerari akatumira shoko, akatora Sara.+
3 Mwari akazouya kuna Abhimereki achirota usiku akati kwaari: “Tarira wangofanana nomunhu akafa nemhosva yomukadzi wawatora,+ zvaari mudzimai womuridzi.”+
4 Zvisinei, Abhimereki akanga asina kuswedera pedyo naye.+ Nokudaro akati: “Jehovha, chokwadi muchauraya rudzi rwakarurama here?+
5 Haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here? uye iye—haanawo kuti, ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndaita izvi nomwoyo wakatendeseka uye nemaoko angu asina mhosva.”+
6 Mwari wechokwadi akati kwaari achirota: “Iniwo ndaziva kuti waita izvi nomwoyo wakatendeseka,+ uye ndanga ndichikudzivisawo kuti usanditadzira.+ Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata.+
7 Asi zvino, dzorera mudzimai womurume wacho, nokuti iye muprofita,+ uye achakutetererera.+ Naizvozvo ramba uchirarama. Asi kana usingazomudzoreri, ziva kuti chokwadi uchafa, iwe navose vari vako.”+
8 Naizvozvo Abhimereki akafumomuka, akashevedza vashandi vake vose akataura zvinhu zvose izvi vachinzwa. Varume vacho vakatya kwazvo.
9 Abhimereki akabva ashevedza Abrahamu akati kwaari: “Chii chawatiitira, uye ndakutadzirei, zvawaunza chivi chikuru pandiri nepaumambo hwangu?+ Wandiitira zvinhu zvaisafanira kuitwa.”+
10 Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Waifungei zvawakaita chinhu ichi?”+
11 Abrahamu akati: “Ndakazviita nokuti ndakati, ‘Chokwadi munzvimbo ino hamutyiwi Mwari,+ uye vachandiuraya nokuda kwomudzimai wangu.’+
12 Uyezve, chokwadi ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu, asi haasi mwanasikana waamai vangu; iye akazova mudzimai wangu.+
13 Mwari paakandidzungairisa ndichibva paimba yababa vangu,+ ndakati kwaari, ‘Uyu ndiwo mutsa wako worudo+ waungandiitira: Panzvimbo dzose dzatichasvika iti nezvangu: “Ihanzvadzi yangu.”’”+
14 Abhimereki akazotora makwai nemombe nevashandirume nevashandikadzi akazvipa Abrahamu, akamudzorera Sara mudzimai wake.+
15 Uyezve Abhimereki akati: “Tarira nyika yangu iri pamberi pako. Gara pakanaka kwauri.”+
16 Kuna Sara akati: “Tarira ndinopa hanzvadzi yako chiuru chemari yesirivha.+ Tarira iyo chinhu chako chokufukidzisa+ maziso kuna vose vaunavo, pamberi pevanhu vose, uye hauchazvidzwi.”
17 Abrahamu akateterera Mwari wechokwadi;+ Mwari akaporesa Abhimereki nomudzimai wake nevarandasikana vake, vakatanga kubereka vana.
18 Nokuti Jehovha akanga avhara zvakasimba zvibereko zvose zveimba yaAbhimereki nemhosva yaSara, mudzimai waAbrahamu.+