Genesisi 29:1-35
29 Pashure paizvozvo Jakobho akafamba, akaenda kunyika yeVokumabvazuva.+
2 Zvino akatarira, uye nechekoko kwaiva netsime kumafuro uye tarira mapoka matatu emakwai akanga akarara ipapo pedyo naro, nokuti vaiwanzonwisa mapoka acho patsime iroro;+ uye pamuromo wetsime racho paiva nedombo guru.+
3 Mapoka ose paainge aunganidzwa ipapo, vaikungurutsa dombo racho vachiribvisa pamuromo wetsime, vonwisa mapoka acho ezvipfuwo, vozodzorera dombo racho pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
4 Naizvozvo Jakobho akati kwavari: “Hama dzangu, munobva kupi?” ivo vakati: “Tinobva kuHarani.”+
5 Akabva ati kwavari: “Munoziva Rabhani+ muzukuru waNahori here?”+ ivo vakati: “Tinomuziva.”
6 Akati kwavari: “Anofara here?”+ Ivo vakatiwo: “Anofara. Tarira Rakeri+ mwanasikana wake ari kuuya nemakwai!”+
7 Akati: “Tarirai, achiri masikati. Haisi nguva yokuunganidza mapoka ezvipfuwo. Nwisai makwai, mundoafudza.”+
8 Ivo vakati: “Hatibvumirwi kuita kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye vakungurutsa dombo vachiribvisa pamuromo wetsime. Panguva iyoyo tichanwisa makwai.”
9 Achiri kutaura navo, Rakeri+ akasvika nemakwai ababa vake, nokuti aiva mufudzikadzi.+
10 Jakobho paakaona Rakeri mwanasikana waRabhani hanzvadzi yaamai vake aine makwai aRabhani hanzvadzi yaamai vake, Jakobho akabva aswedera akakungurutsa dombo kubva pamuromo wetsime akanwisa makwai aRabhani hanzvadzi yaamai vake.+
11 Jakobho akabva atsvoda+ Rakeri, akachema kwazvo, akasvimha misodzi.+
12 Jakobho akatanga kuudza Rakeri kuti aiva hama+ yababa vake uye kuti aiva mwanakomana waRibheka. Iye akamhanya, akanoudza baba vake.+
13 Zvino Rabhani angonzwa mashoko pamusoro paJakobho mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kunomuchingura.+ Akabva amumbundira, akamutsvoda, akamupinza mumba make.+ Iye akatanga kurondedzera kuna Rabhani zvinhu zvose izvi.
14 Pashure paizvozvo Rabhani akati kwaari: “Chokwadi uri pfupa rangu nenyama yangu.”+ Naizvozvo akagara naye mwedzi wose.
15 Pashure paizvozvo Rabhani akati kuna Jakobho: “Hausi hama yangu here,+ unofanira kundishandira pasina here?+ Ndiudze, Mubayiro wako unofanira kuvei?”+
16 Zvino, Rabhani aiva nevanasikana vaviri. Mukuru wacho ainzi Reya+ uye muduku wacho ainzi Rakeri.
17 Maziso aReya akanga asingakwezvi, asi Rakeri+ akanga aine chimiro chakanaka nechiso chakanaka.+
18 Zvino Jakobho aida Rakeri. Naizvozvo akati: “Ndinoda kukushandirai makore manomwe nokuda kwaRakeri mwanasikana wenyu muduku.”+
19 Rabhani akati: “Zviri nani kuti ndimupe iwe pane kuti ndimupe mumwe murume.+ Ramba uchigara neni.”
20 Jakobho akashanda makore manomwe nokuda kwaRakeri,+ asi akaita semazuva mashomanana kwaari nokuti aimuda.+
21 Jakobho akabva ati kuna Rabhani: “Chindipai mudzimai wangu, nokuti mazuva angu akwana, uye regai ndirare naye.”+
22 Rabhani akaunganidza varume vose venzvimbo yacho akaita mutambo.+
23 Asi manheru acho akatora Reya mwanasikana wake akauya naye kuti arare naye.
24 Uyezve, Rabhani akapa Ziripa+ mushandikadzi wake, kuna Reya mwanasikana wake, kuti ave mushandikadzi wake.
25 Naizvozvo kuzoti ava mangwanani akaona kuti aiva Reya! Naizvozvo akati kuna Rabhani: “Chii ichi chamandiitira? Handina kukushandirai nokuda kwaRakeri here? Saka mandinyengedzerei?”+
26 Rabhani akati: “Hazvinzarwo munzvimbo yedu, kuroodza mukadzi muduku dangwe risati.
27 Fara+ kwazvo pavhiki yomukadzi uyu. Uchazopiwawo mumwe mukadzi uyu nokuda kwebasa raungandishandira kwemamwe makore manomwe.”+
28 Naizvozvo Jakobho akaita saizvozvo akafara kwazvo pavhiki yomukadzi uyu, achibva azomupa Rakeri mwanasikana wake kuti ave mudzimai wake.
29 Uyezve, Rabhani akapa Bhiriha+ mushandikadzi wake, kuna Rakeri mwanasikana wake kuti ave mushandikadzi wake.
30 Akabva ararawo naRakeri uyewo akada Rakeri kwazvo kupfuura Reya,+ akamushandira mamwe makore manomwe.+
31 Jehovha paakaona kuti Reya aivengwa, akabva avhura chibereko chake,+ asi Rakeri akanga asingabereki.+
32 Reya akava nepamuviri akabereka mwanakomana akabva amutumidza kuti Rubheni,+ nokuti akati: “Nokuti Jehovha aona kutambudzika kwangu,+ pakuti zvino murume wangu achatanga kundida.”
33 Akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Nokuti Jehovha ateerera,+ pakuti ndaivengwa saka andipawo uyu.” Nokudaro akamutumidza kuti Simiyoni.+
34 Akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iko zvino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu.” Naizvozvo akatumidzwa kuti Revhi.+
35 Akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iko zvino ndichakudza Jehovha.” Naizvozvo akamutumidza kuti Judha.+ Pashure paizvozvo akaguma kubereka.