Genesisi 48:1-22
48 Zvino pashure pezvinhu izvi Josefa akanzi: “Tarira, baba vako vari kupera simba.” Akaenda nevanakomana vake vaviri Manase naEfremu.+
2 Jakobho akabva audzwa kuti: “Tarirai mwanakomana wenyu Josefa auya kwamuri.” Naizvozvo Israeri akazvisimbisa, akagara pamubhedha wake.
3 Jakobho akati kuna Josefa:
“Mwari Wemasimbaose akazviratidza kwandiri paRuzi+ munyika yeKenani kuti andikomborere.+
4 Akati kwandiri, ‘Tarira ndiri kuita kuti ubereke,+ ndichaita kuti uwande, ndichakuchinja kuva ungano yemarudzi+ uye ndichapa vana* vako vanokutevera nyika ino kuti vaiite yavo nokusingagumi.’+
5 Zvino vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa munyika yeIjipiti ndisati ndauya kuno kwauri muIjipiti, ndevangu.+ Efremu naManase vachava vangu sezvakaita Rubheni naSimiyoni.+
6 Asi vana vako vauchabereka pashure pavo vachava vako. Vachashevedzwa pamwe chete nezita revakoma vavo munhaka yavo.+
7 Ini pandakanga ndichibva kuPadhani,+ Rakeri akafira+ pedyo neni munyika yeKenani, tiri munzira pakwaiva kuchine chinhambwe chaicho ndisati ndasvika kuEfrati,+ zvokuti ndakamuviga ikoko panzira inoenda kuEfrati, kureva Bhetrehema.”+
8 Israeri akabva aona vanakomana vaJosefa akati: “Ava ndivanaani?”+
9 Naizvozvo Josefa akati kuna baba vake: “Vanakomana vangu vandakapiwa naMwari munzvimbo ino.”+ Iye akati: “Ndapota, uya navo kwandiri kuti ndivakomborere.”+
10 Zvino maziso aIsraeri akanga asisanyatsooni nokukwegura.+ Iye akanga asingakwanisi kuona. Naizvozvo akauya navo pedyo naye, akabva avatsvoda, akavambundira.+
11 Israeri akati kuna Josefa: “Ndakanga ndisina pfungwa yokuona chiso chako,+ asi tarira Mwari aita kuti ndionewo vana vako.”
12 Pashure paizvozvo Josefa akavabvisa pamabvi avo, akakotama chiso chake chakatarira pasi.+
13 Zvino Josefa akavaendesa vari vaviri, Efremu noruoko rwake rworudyi kuruboshwe rwaIsraeri,+ Manase noruoko rwake rworuboshwe kurudyi rwaIsraeri,+ akauya navo pedyo navo.
14 Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfremu,+ kunyange akanga ari iye muduku,+ uye ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase.+ Akaisa maoko ake saizvozvo achiziva, Manase zvaakanga ari dangwe.+
15 Akakomborera Josefa akati:+
“Mwari wechokwadi uyo madzibaba angu Abrahamu naIsaka vakafamba pamberi pake,+Mwari wechokwadi uyo ave achindifudza panguva yokuvapo kwangu kwose kusvikira nhasi,+
16 Ngirozi yave ichindinunura padambudziko rose,+ komborerai vakomana ava.+Zita rangu ngarishevedzwe pavari uye zita remadzibaba angu, Abrahamu naIsaka,+Ngavawedzere vave vazhinji panyika.”+
17 Josefa paakaona kuti baba vake vakaramba vakaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfremu, hazvina kumufadza,+ akaedza kubata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfremu aruise pamusoro waManase.+
18 Nokudaro Josefa akati kuna baba vake: “Kwete saizvozvo, baba vangu, nokuti uyu ndiye dangwe.+ Isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”
19 Asi baba vake vaingoramba uye vakati: “Ndinozviziva, mwanakomana wangu, ndinozviziva. Iyewo achava rudzi uye iyewo achava mukuru.+ Asi, kunyange zvakadaro, munun’una wake achava mukuru kupfuura zvaachava,+ uye vana vake vachava vakaenzana chose nemarudzi.”+
20 Vakaramba vachivakomborera zuva iroro,+ vachiti:
“Israeri ngaarambe achikomborera achikushandisa, achiti,‘Mwari ngaakuite saEfremu uye saManase.’”+
Nokudaro vakaramba vachiisa Efremu pamberi paManase.+
21 Pashure paizvozvo Israeri akati kuna Josefa: “Tarira, ndava kufa,+ asi Mwari acharamba anemi ozokudzorerai kunyika yemadzitateguru enyu.+
22 Ini ndinokupa chikamu chimwe chete chenyika kupfuura vana vababa vako,+ chandakatora paruoko rwevaAmori nebakatwa rangu uye nouta hwangu.”