Genesisi 50:1-26
50 Zvino Josefa akawira pachiso chababa vake,+ akavachema, akavatsvoda.+
2 Pashure paizvozvo Josefa akarayira vashandi vake, vanachiremba, kuti vaomese+ baba vake. Naizvozvo vanachiremba vacho vakaomesa Israeri,
3 uye vakapedza mazuva makumi mana azere vachimuomesa, nokuti vaiva netsika yokupedza mazuva mazhinji kudaro vachiomesa, uye vaIjipiti vakaramba vachimuchema kwemazuva makumi manomwe.+
4 Kuzoti mazuva okumuchema apera, Josefa akataura neimba yaFarao, achiti: “Zvino, kana mandinzwira nyasha,+ ndapota, taurai Farao achinzwa, muti,
5 ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike,+ vachiti: “Tarira! ndava kufa.+ Unofanira kundiviga+ munzvimbo yangu yemakuva yandakazvicherera iri munyika yeKenani.”+ Zvino, ndapota, regai ndiende, ndivige baba vangu, ndozodzoka hangu.’”
6 Naizvozvo Farao akati: “Enda uvige baba vako sezvavakaita kuti upike.”+
7 Nokudaro Josefa akaenda kuti anoviga baba vake, vashandi vose vaFarao vakaenda naye ikoko, varume vakuru+ veimba yake nevarume vakuru vose vomunyika yeIjipiti,
8 neimba yose yaJosefa nevana vababa vake neimba yababa vake.+ Vakasiya vana vavo vaduku chete nemakwai avo nemombe dzavo munyika yeGosheni.
9 Ngoro+ nevatasvi vemabhiza zvakaendawo naye, boka racho rikava guru kwazvo.
10 Vakasvika paburiro+ reAtadhi, riri munzvimbo yaJodhani,+ vakaungudza kwazvo ipapo, akachema baba vake maererano netsika dzavo kwemazuva manomwe.+
11 Vagari vomunyika yacho, vaKenani, vakaona tsika dzacho dzokuchema paburiro reAtadhi, vakati: “Uku kuchema kwazvo kwevaIjipiti!” Ndokusaka rakatumidzwa kuti Abheri-mizraimu, iri munzvimbo yaJodhani.+
12 Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avarayira chaizvo.+
13 Naizvozvo vanakomana vake vakamutakura vakapinda naye munyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakpera, munda wakanga watengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti ive nzvimbo yake yemakuva iri pakatarisana neMamre.+
14 Josefa akazodzokera kuIjipiti, iye nevana vababa vake navose vaakaenda navo kuti anoviga baba vake, pashure pokunge aviga baba vake.
15 Vakoma vaJosefa pavakaona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati: “Josefa angangodaro achiri kutivenga+ uye achatotitsiva zvakaipa zvose zvatakamuitira.”+
16 Naizvozvo vakarayira Josefa nemashoko aya: “Baba vako vakarayira vasati vafa, vachiti,
17 ‘Izvi ndizvo zvamunofanira kuudza Josefa: “Ndapota, ndinokukumbira,+ regerera kumukira kwevakoma vako uye chivi chavo pakuti vakakuitira zvakaipa.’”+ Saka zvino tapota, regerera kumukira kwevashumiri vaMwari wababa vako.”+ Josefa akasvimha misodzi pavakataura naye.
18 Pashure paizvozvo vakoma vake vakauyawo vakawira pasi pamberi pake vakati: “Tarira tiri varanda vako!”+
19 Josefa akabva ati kwavari: “Musatya, nokuti ndiri munzvimbo yaMwari here?+
20 Imi maindifungira zvakaipa. Mwari aifunga zvakanaka kuti vanhu vazhinji vachengetedzwe vari vapenyu sezvazvakaita nhasi.+
21 Naizvozvo zvino musatya. Ini ndicharamba ndichikupai zvokudya imi nevana venyu vaduku.”+ Nokudaro akavanyaradza akataura navo achivavimbisa.
22 Zvino Josefa akaramba achigara muIjipiti, iye neimba yababa vake; uye Josefa akararama kwemakore zana negumi.
23 Josefa akaona vanakomana vaEfremu vechizvarwa chechitatu,+ uyewo vanakomana vaMakiri,+ mwanakomana waManase. Ivo vakaberekerwa pamabvi aJosefa.+
24 Josefa akazoti kuvana vababa vake: “Ndava kufa; asi chokwadi Mwari achafunga nezvenyu,+ uye achakubudisai munyika ino muchienda kunyika yaakapikira Abrahamu, Isaka naJakobho.”+
25 Nokudaro Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike, achiti: “Chokwadi Mwari achafunga nezvenyu. Naizvozvo mubudise mapfupa angu muno.”+
26 Pashure paizvozvo Josefa akafa ava nemakore zana negumi; uye vakaita kuti aomeswe,+ akaiswa mubhokisi munyika yeIjipiti.