Genesisi 9:1-29
9 Zvino Mwari akakomborera Noa nevanakomana vake akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika.+
2 Zvisikwa zvose zvipenyu zvenyika nezvisikwa zvose zvinobhururuka zvokumatenga, nezvose zvinofamba panyika, nehove dzose dzegungwa zvicharamba zvichikutyai nokukuvhundukai. Zvino zvaiswa mumaoko enyu.+
3 Mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu.+ Ndinokupai dzose, sezvandakaita zvinomera zvakasvibirira.+
4 Nyama bedzi ine mweya+ wayo—iro ropa rayo+—musaidya.+
5 Uyewo, ndichabvunza ropa remweya yenyu. Ndicharibvunza paruoko rwezvisikwa zvose zvipenyu; ndichabvunza mweya womunhu paruoko rwomunhu,+ paruoko rwomumwe nomumwe ari hama yake.
6 Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwa nomunhu,+ nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.
7 Imi, berekai, muwande, zadzai nyika muve vazhinji pairi.”+
8 Mwari akati kuna Noa nokuvanakomana vake vaaiva navo:
9 “Ndiri kuita sungano+ yangu nemi, nevana venyu vanokuteverai,+
10 nemweya mipenyu yose yamuinayo, neshiri, nemhuka nezvisikwa zvose zvipenyu zvepanyika zvamuinazvo, kubvira pazvose zvakabuda muareka kusvikira pazvisikwa zvose zvipenyu zvepanyika.+
11 Ndinoita sungano yangu nemi: Zvipenyu zvose hazvichazoparadzwizve nemvura yemafashamo, uye hakuchazovizve nemafashamo kuti aparadze nyika.”+
12 Mwari akatizve: “Ichi ndicho chiratidzo+ chesungano yandiri kupa pakati pangu nemi nemweya mipenyu yose yamunayo, kwezvizvarwa nokusingagumi.
13 Ndinopa muraraungu+ wangu mugore, uye uchava chiratidzo chesungano yacho pakati pangu nenyika.
14 Pandinounza gore pamusoro penyika, muraraungu uchabva waoneka mugore.
15 Ndichayeuka sungano yangu+ iri pakati pangu nemi nemweya mipenyu yose pazvipenyu zvose zvenyama;+ uye mvura haichazovizve mafashamo kuti iparadze pazvipenyu zvose zvenyama.+
16 Muraraungu uchava mugore,+ uye ndichauona kuti ndiyeuke sungano yacho nokusingagumi+ pakati paMwari nemweya mipenyu yose pazvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”+
17 Mwari akadzokorora kuna Noa kuti: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”+
18 Zvino vanakomana vaNoa+ vakabuda muareka vaiva Shemu naHamu naJafeti. Gare gare Hamu akabereka Kenani.+
19 Ava vatatu ndivo vaiva vanakomana vaNoa, uye vanhu vose vomunyika vakapararira kwose kwose vachibva kune ivava.+
20 Zvino Noa akatanga kuva murimi,+ akadyara munda wemizambiringa.+
21 Akatanga kunwa waini, akadhakwa,+ naizvozvo akapfekenura ari mutende rake.
22 Gare gare Hamu+ baba vaKenani vakaona kusapfeka kwababa vavo,+ vakaudza vakoma vavo vaviri kunze.+
23 Shemu naJafeti vakatora jasi,+ vakariisa pamapfudzi avo, vakapinda nenhendashure. Nokudaro vakafukidza kusapfeka kwababa vavo, zviso zvavo zvakafuratira, uye havana kuona kusapfeka kwababa vavo.+
24 Noa akazopengenuka pawaini yake akaziva zvaakanga aitirwa nomwanakomana wake muduku.
25 Akati:
“Kenani+ ngaatukwe.Ngaave muranda akaderera kwazvo pavakoma vake.”+
26 Akawedzera kuti:“Jehovha ngaarumbidzwe,+ Mwari waShemu,Uye Kenani ngaave muranda wake.+
27 Mwari ngaape Jafeti nzvimbo yakakura,Uye ngaagare mumatende aShemu.+
Kenani ngaave muranda wakewo.”
28 Noa akararama kwemakore mazana matatu nemakumi mashanu mafashamo apfuura.+
29 Naizvozvo mazuva ose aNoa akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu uye iye akafa.+