Habhakuki 2:1-20
2 Ndicharamba ndakamira+ panzvimbo yangu yokurindira, ndicharamba ndakamira parusvingo rwokudzivirira; uye ndicharamba ndakarinda,+ kuti ndione kuti achataurei neni+ uye kuti ndichapindurei paanonditsiura.+
2 Zvino Jehovha akandipindura, akati: “Nyora zvauri kuratidzwa, uzvinyore zvinonyatsooneka pamahwendefa,+ kuti munhu anozviverenga zvinonzwika aite saizvozvo achitsetsenura.+
3 Nokuti zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa,+ zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete.+ Hazvizononoki.
4 “Tarirai! Mweya wake wakazvikudza;+ uye wave usina kururama mukati make. Asi munhu akarurama, acharamba achirarama nokutendeka kwake.+
5 Chokwadi, nokuti waini inonyengera,+ murume akagwinya anozvitutumadza;+ uye haazowani zvaanoda,+ iye akaita kuti mweya wake uve nenzvimbo yakakura seSheori, iye akaita sorufu uye haaguti.+ Anoramba achiunganidza marudzi ose kwaari uye achiunganidza vanhu vose kwaari.+
6 Ko ava, vose zvavo, havazotauri pamusoro pake chirevo,+ nedimikira uye zvinhu zvokumudadira here? Mumwe munhu achati,
“‘Ane nhamo iye ari kuita kuti zvinhu zvisiri zvake zviwande+—haiwa, kusvikira riniko!+—uye iye ari kuzviremedza nechikwereti!
7 Vaya vari kureva mubereko kwauri havazongoerekani vasimuka here, nevaya vari kukuzunza nechisimba havangamuki, iwe wova kwavari chinhu chokupamba here?+
8 Nokuti iwe pachako wakapamba marudzi mazhinji, marudzi ose akasara achakupamba,+ nokuda kwokuteurwa kweropa revanhu uye chisimba chakaitirwa nyika, guta navose vaigara mariri.+
9 “‘Ane nhamo munhu anowanira imba yake pfuma yakaipa,+ kuti aise dendere rake pakakwirira, kuti anunurwe pakubata kwezvinotambudza!+
10 Wakarongera imba yako chinhu chinonyadzisa, iko kuparadzwa kwemarudzi mazhinji;+ uye mweya wako uri kutadza.+
11 Nokuti dombo richachema zvinosuruvarisa riri parusvingo, uye danda riri padenga richaripindura.+
12 “‘Ane nhamo munhu anovaka guta nokuteura ropa, uye akasimbisa taundi kwazvo nokusarurama!+
13 Tarirai! Hazvina kubva kuna Jehovha wemauto here kuti vanhu vachashanda nesimba kuti zvinhu zvacho zvingotsva nomoto, uye kuti mapoka emarudzi angozvinetesa pasina chaanowana?+
14 Nokuti nyika ichazara nokuziva kubwinya kwaJehovha, sokufukidzwa kunoitwa gungwa nemvura.+
15 “‘Ane nhamo munhu anopa shamwari dzake chokunwa, achichisanganisa nehasha dzake nokutsamwa, kuti adzidhakise,+ kuti aone nhengo dzadzo dzomuviri dzinonyadzisa.+
16 Uchaguta nokuzvidzwa panzvimbo pokukudzwa.+ Iwe inwawo,+ unzi hauna kudzingiswa.+ Kapu yoruoko rworudyi rwaJehovha ichauya kwauri,+ uye kukudzwa kwako kuchanyadziswa;
17 nokuti chisimba chakaitirwa Rebhanoni+ ndicho chichakufukidza, pamwe nokurura kwokuparadza mhuka kunodzivhundutsa, nokuda kwokuteurwa kweropa revanhu uye chisimba chakaitirwa nyika,+ taundi nevanhu vose vaigara mariri.+
18 Mufananidzo wakavezwa wave uchibatsirei,+ iwo zvawakavezwa nomugadziri wawo, mufananidzo wakagadzirwa nesimbi yakanyungudutswa, uye murayiridzi wenhema?+ mugadziri wawo zvaakavimba nawo,+ zvokuti akagadzira vanamwari vasina zvavanobatsira vasingatauri?+
19 “‘Ane nhamo munhu anoti kudanda: “Haiwa muka!” kudombo risingatauri: “Haiwa muka! Mufananidzo wacho ucharayiridza”!+ Tarirai! Wakafukidzwa nendarama nesirivha,+ uye hauna kana mhepo inofemwa mukati mawo.+
20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+ Nyika yose ngairambe yakanyarara pamberi pake!’”+