Habhakuki 3:1-19
3 Uyu ndiwo munyengetero womuprofita Habhakuki wakaita sorwiyo rwemariro:
2 Haiwa Jehovha, ndakanzwa nezvenyu.+ Haiwa Jehovha, ndakatya basa renyu.+
Haiwa rimutsei pakati pemakore iwayo! Rizivisei pakati pemakore iwayo. Yeukai kunzwira ngoni,+ munguva yokushatirwa.
3 Iye Mwari akauya achibva kuTemani, iye Mutsvene achibva kuGomo reParani.+ Sera.+
Kukudzwa kwake kwakafukidza matenga;+ uye nyika yakazara nokurumbidzwa kwake.+
4 Kupenya kwake kwakaita sechiedza.+ Aiva nemwaranzi miviri yaibva muruoko rwake, uye simba rake raivanda imomo.+
5 Denda rakaramba richienda riri mberi kwake,+ uye fivha huru yaibuda patsoka dzake.+
6 Akamira, kuti azununguse nyika.+ Akaona, akabva aita kuti marudzi akwakuke.+
Makomo asingagumi akaputswa;+ zvikomo zvinogara nokusingagumi zvakakotama.+ Nzira dzake ndedzekare kare.
7 Ndakaona matende eKushani ari muzvinhu zvinokuvadza. Machira ematende enyika yaMidhiyani+ akatanga kuzununguka.+
8 Makatsamwira nzizi kwazvo here, haiwa Jehovha, makatsamwira nzizi kwazvo here,+ kana kuti makashatirirwa gungwa kwazvo?+ Nokuti makatasva mabhiza enyu;+ ngoro dzenyu dzaiva ruponeso.+
9 Uta hwenyu hunofukurwa hwova pachena.+ Mhiko dzemarudzi ndicho chinhu chakataurwa.+ Sera. Makakamura nyika nenzizi.+
10 Makomo akakuonai; akarwadziwa kwazvo.+ Dutu rinotinhira rakapfuura. Mvura yakadzika yakatinhira.+ Yakasimudza maoko ayo mudenga.
11 Zuva—mwedzi—zvakamira,+ munzvimbo yazvo yokugara iri kumusoro.+ Miseve yenyu yakaramba ichienda sezvinoita chiedza.+ Kupenya kwepfumo renyu kwakava chiedza.+
12 Makafamba munyika makatsamwa. Makapura marudzi muine hasha.+
13 Makabuda nokuda kwokuponeswa kwevanhu venyu,+ kuti muponese muzodziwa wenyu. Makaputsa-putsa mukuru muimba yomunhu akaipa.+ Nheyo yakaitwa kuti ive pachena, kusvikira mumutsipa.+ Sera
14 Makabvoora+ misoro yevarwi vake nezvombo zvake pavakauya sezvinoita mhepo ine mvura kuzondiparadzira.+ Kufara kwavo kukuru kwaiva sokuya kwevanongoda kuparadza munhu anotambudzika munzvimbo yakavandika.+
15 Makapfuura nomugungwa muchitsika-tsika nemabhiza enyu, nomumvura zhinji yakaungana.+
16 Ndakanzwa, uye mudumbu mangu makatanga kusagadzikana; pandakazvinzwa miromo yangu yakadedera; kuora kwakatanga kupinda mumapfupa angu;+ uye ndiri mumamiriro aya ezvinhu ndakanga ndisisina kugadzikana, kuti ndimirire zuva rokutambudzika chinyararire,+ kuti ndimirire kuuya kwake kuvanhu vacho,+ kuti avapambe.
17 Kunyange kana muonde ukarega kutumbuka,+ uye pamizambiringa pakasava nezvibereko; kunyange basa romuorivhi rikakundikana, minda yakatenuka-tenuka ikasabereka zvokudya;+ kunyange makwai akapera mudanga, uye mumatanga mukasava nemombe;+
18 Ini ndichapemberera Jehovha nomufaro;+ ndichafarira Mwari wokuponeswa kwangu.+
19 Jehovha, Changamire Ishe ndiye simba rangu;+ uye achaita kuti tsoka dzangu dzive sedziya dzenondo,+ uye achandifambisa panzvimbo dzangu dzakakwirira.+
Kumutungamiriri wezviridzwa zvangu zvine tambo.