Hosiya 10:1-15
10 “Israeri muzambiringa uri kuramba uchiipa.+ Anoramba achibereka zvibereko.+ Akaita kuti atari dzake dziwande zvichienderana nokuwanda kwezvibereko zvake.+ Vakamisa shongwe dzakanaka zvichienderana nokunaka kwenyika yavo.+
2 Mwoyo yavo yava nounyengeri;+ zvino vachawanikwa vaine mhosva.
“Kune mumwe munhu achaputsa atari dzavo; iye achaparadza shongwe dzavo.+
3 Nokuti zvino vachati, ‘Hatina mambo,+ nokuti hatina kutya Jehovha. Kana ari mambo, achatiitirei?’
4 “Vanotaura mashoko asina basa, vachiita mhiko dzenhema,+ vachiita sungano;+ uye kururamisira kwamera somuti une muchetura uri mumiforo yomunda.+
5 Vagari vomuSamariya vachatya chidhori chemhuru chokuBheti-avheni;+ nokuti vanhu vacho vachachichema, pamwe chete nevapristi vevanamwari vokune dzimwe nyika vaiwanzochifarira nokuda kwokukudzwa kwacho, nokuti kuchave kwatapwa kuchibva pachiri.+
6 Mumwe munhu achaenda nacho kuAsiriya sechipo kuna mambo mukuru.+ Efremu achanyara,+ uye Israeri achanyara nezano racho.+
7 Samariya namambo waro vachaparadzwa,+ sedavi rakagurwa riri pamusoro pemvura.
8 Nzvimbo dzakakwirira dzokuBheti-avheni,+ icho chivi chaIsraeri,+ dzichatsakatiswa. Minzwa norukato+ zvichamera paatari dzavo.+ Vanhu vachati kumakomo, ‘Tifukidzei!’ nokuzvikomo, ‘Tiwirei!’+
9 “Haiwa Israeri, iwe wakatadza+ kubvira pamazuva eGibhiya.+ Vakaramba vakamira ikoko. Kurwa nevanakomana vanoita zvisina kururama hakuna kuvakunda muGibhiya.+
10 Ndichavaranga+ pandinenge ndava kuda. Marudzi achavaunganira pavanosungirirwa kuzvikanganiso zvavo zviviri.+
11 “Efremu aiva tsiru rakapingudzwa raifarira kupura zviyo;+ uye ini, ndakapfuura nepamutsipa wake wakanaka. Ndinoita kuti mumwe munhu atasve Efremu.+ Judha anorima;+ Jakobho anomuputsira mavhinga.+
12 Dyarai mbeu mukururama;+ kohwai zvinoenderana nomutsa worudo.+ Rimai nyika inorimika,+ pakunenge kuchine nguva yokutsvaka Jehovha kusvikira auya,+ okupai murayiridzo mukururama.+
13 “Imi makarima zvakaipa.+ Makakohwa zvisina kururama.+ Makadya zvibereko zvounyengeri,+ nokuti makavimba nenzira yenyu,+ makavimba nokuwanda kwevanhu venyu vane simba.+
14 Mheremhere yamuka pakati pevanhu vako,+ uye maguta ako akavakirirwa achapambwa ose,+ sokupamba kwakaita Sharimani imba yaAribheri, pazuva rokurwa, amai pavakaputsirwa pasi pedyo nevanakomana vavo.+
15 Mumwe munhu achakuitirai saizvozvi, haiwa iwe Bheteri, nokuda kwokuipa kwenyu kwakanyanyisa.+ Chokwadi mambo waIsraeri achaparadzwa pamambakwedza.”+