Hosiya 2:1-23
2 “Itii kuvanun’una venyu, ‘Vanhu vangu!’+ nokuhanzvadzi dzenyu, ‘Haiwa iwe mukadzi akanzwirwa ngoni!’+
2 Tonganai naamai venyu;+ tonganai, nokuti havasi mudzimai wangu+ uye ini handisi murume wavo.+ Ngavabvise ufeve hwavo pamberi pavo nemabasa oupombwe hwavo pakati pemazamu avo,+
3 kuti ndirege kuvapfekenura+ chose ndivaite sezvavakanga vakaita pavakaberekwa,+ ndivaite serenje+ uye ndivaite senyika isina mvura,+ ndovauraya nenyota.+
4 Handizonzwiri vanakomana vavo ngoni,+ nokuti ivo vanakomana voufeve.+
5 Nokuti amai vavo vakaita ufeve.+ Iye akanga akavatakura mudumbu akaita zvinonyadzisa,+ nokuti akati, ‘Ndinoda kutevera vaya vanondida kwazvo,+ vaya vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, machira angu akagadzirwa nemvere dzemakwai nerineni yangu, mafuta angu nechokunwa changu.’+
6 “Naizvozvo tarira ndichasosera nzira yako neminzwa; uye ndichamuvakira rusvingo rwematombo,+ zvokuti haazowani migwagwa yake.+
7 Achatevera vadiwa vake, asi haazovabati; achavatsvaka, asi haazovawani.+ Achati, ‘Ndinoda kuenda, ndidzokere kumurume wangu,+ iye wokutanga,+ nokuti panguva iyoyo ndaiva nani kupfuura zvino.’+
8 Asi iye haana kuziva+ kuti ndini ndakanga ndamupa zviyo+ newaini inotapira nemafuta, uye kuti ndakanga ndamuwanzira sirivha, nendarama, yavakashandisira Bhaari.+
9 “‘Naizvozvo ndichadzoka ndobvisa zviyo zvangu munguva yazvo newaini yangu inotapira mumwaka wayo,+ ndichabvuta machira angu akagadzirwa nemvere dzemakwai nerineni yangu zvinofukidza kusapfeka kwake.+
10 Zvino ndichafukura nhengo dzake dzakavanzika kuti vadiwa vake vaone,+ uye hapazovi nomunhu wokuti amubvute muruoko rwangu.+
11 Ndichagumisa kupembera nomufaro+ kwake kwose, mutambo wake,+ kugara kwake kwomwedzi+ nesabata rake nemwaka yake yose yomutambo.
12 Ndichaparadza muzambiringa+ wake nomuonde+ wake, zvaaiti nezvazvo: “Izvo chipo changu, chandakapiwa nevadiwa vangu”; uye ndichazviita sesango,+ uye zvichadyiwa nemhuka yomusango.
13 Ndichaita kuti azvidavirire+ nokuda kwemazuva emifananidzo yaBhaari+ yaakaramba achikwidzira utsi hwezvibayiro,+ paakaramba achizvishongedza nerin’i yake nechishongo chake,+ akaramba achitevera vadiwa vake,+ akandikanganwa,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 “‘Naizvozvo ndichamunyengera, ndomuendesa kurenje,+ uye ndichamuudza zvinobaya mwoyo.+
15 Kubvira ipapo ndichamupa minda yake yemizambiringa,+ nebani reAkori+ kuti rive suo retariro; uye achapindura ari ikoko somumazuva ouduku hwake+ uye somuzuva raakabuda munyika yeIjipiti.+
16 Nezuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uchanditi murume Wangu, uye hauzonditizve tenzi Wangu.’+
17 “‘Ndichabvisa mazita emifananidzo yaBhaari mumuromo make,+ haizomboyeukwi nemazita ayo.+
18 Muzuva iroro ndichavaitira sungano nemhuka dzomusango+ nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nezvinhu zvinokambaira panyika, ndichaparadza uta nebakatwa nokurwa munyika yacho,+ uye ndichaita kuti varare pasi vakachengeteka.+
19 Ndichakuroora uve wangu nokusingagumi,+ ndichakuroora uve wangu mukururama nomukururamisira nomumutsa worudo nomungoni.+
20 Ndichakuroora uve wangu mukutendeka; uye uchaziva Jehovha.’+
21 “‘Zvino nezuva iroro ndichapindura,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘ndichapindura matenga, uye iwo, achapindura nyika;+
22 nyika, ichapindura zviyo+ newaini inotapira nemafuta; uye izvo zvichapindurawo Jezreeri.*+
23 Ndichamudyara panyika sezvinoitwa mbeu,+ ndichanzwira ngoni iye akanga asina kunzwirwa ngoni,+ ndichati kune vaya vasiri vanhu vangu: “Imi muri vanhu vangu”;+ naivo vachatiwo: “Imi muri Mwari wedu.”’”+