Hosiya 4:1-19
4 Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vanakomana vaIsraeri, nokuti Jehovha ane gakava nevagari vomunyika,+ nokuti munyika hamuna chokwadi+ kana mutsa worudo kana kuziva Mwari.+
2 Kutuka+ nokunyengera+ nokuponda+ nokuba+ nokuita upombwe+ zvawedzera, mabasa okuteura ropa abatana nemamwe mabasa okuteura ropa.+
3 Ndokusaka nyika ichachema+ uye vose vanogara mairi vachaparara pamwe chete nemhuka dzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga, uyewo hove dzomugungwa dzichafa.+
4 “Asi ngakurege kuva nomunhu anokakavara,+ uyewo ngakurege kuva nomunhu anotsiura, vanhu vako zvavakaita sevaya vari kukakavadzana nomupristi.+
5 Uchagumburwa masikati machena,+ uyewo muprofita achagumburwa pamwe chete newe, sezvinoitika usiku.+ Ndichaita kuti amai vako vanyarare.+
6 Vanhu vangu vachaitwa kuti vanyarare, nokuti hakuna zivo.+ Zvawakaramba zivo,+ ndichakurambawo kuti urege kundishumira somupristi;+ uye zvaunoramba uchikanganwa mutemo waMwari wako,+ iniwo ndichakanganwa vanakomana vako.+
7 Vakanditadzira zvinoenderana nokuwanda kwavakaita.+ Vakatsinhanisa kukudzwa kwangu nokuzvidzwa.+
8 Vanoramba vachidya chivi chevanhu vangu, uye mweya yavo inoramba ichipanga kukanganisa kwavo.+
9 “Zvino zvichaita vanhu ndizvo zvichaitawo mupristi;+ ndichaita kuti vazvidavirire nokuda kwenzira dzavo;+ uye ndichaita kuti zvavakaita zvivadzokere.+
10 Vachadya, asi havazoguti.+ Vachabata vakadzi semahure; asi havazowandi,+ nokuti vakarega kuremekedza Jehovha.+
11 Ufeve newaini newaini inotapira ndizvo zvinobvisa kunzwisisa.+
12 Vanhu vangu vanoramba vachibvunza+ chidhori chavo chedanda,+ uye mudonzvo wavo unoramba uchivaudza; nokuti kuda kuita ufeve kwakavadzungairisa,+ uye havazviisi pasi paMwari wavo nokuda kwokuita ufeve.+
13 Vanobayira zvibayiro vari pamusoro pemakomo,+ uye vanokwidza utsi hwezvibayiro vari pamusoro pezvikomo,+ pasi pomuti muhombe nomuti unonzi mustorakisi nomuti mukuru, nokuti mumvuri wawo wakanaka.+ Ndokusaka vanasikana venyu vachiita ufeve uye varoora venyu vachiita upombwe.
14 “Handizoiti kuti vanasikana venyu vazvidavirire nokuti vanoita ufeve, nevaroora venyu nokuti vanoita upombwe. Nokuti varume, vanoenda vari voga nemahure,+ uye vanobayira zvibayiro pamwe chete nepfambi dzechikadzi dzepatemberi;+ uye vanhu vasinganzwisisi+ vachatsikwa-tsikwa.
15 Kunyange zvazvo uri kuita ufeve, haiwa iwe Israeri,+ Judha ngaarege kuva nemhosva,+ uye musauya kuGirigari,+ kana kuenda kuBheti-avheni+ kana kupika muchiti ‘NaJehovha mupenyu!’+
16 Nokuti, Israeri asindimara+ kufanana nemhou yakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza segondohwe duku riri munzvimbo yakakura here?
17 Efremu akanamatira kuzvidhori.+ Muregei akadaro!+
18 Doro ravo regorosi zvarakanga risisipo,+ chokwadi vakabata mukadzi sehure.+ Chokwadi vadziviriri+ vake vakada kuzvidzwa.+
19 Mhepo yakamuputira nemapapiro ayo.+ Vachanyara nezvibayiro zvavo.”+