Hosiya 5:1-15
5 “Inzwai, haiwa imi vapristi,+ teererai, haiwa imi imba yaIsraeri, nemi, haiwa imba yamambo,+ teererai nokuti ndimi muchatongwa; nokuti mava chiteyeso+ kuMizpa uye semambure akatambanudzirwa pamusoro peTabhori.+
2 Vaya vaitsauka vakanyanyisa pabasa rokuuraya,+ uye ndaivaranga vose zvavo.+
3 Ini ndakaziva Efremu,+ uye Israeri ave asina kuvanzika kwandiri.+ Nokuti zvino, haiwa iwe Efremu, wakabata vakadzi semahure;+ Israeri akazvisvibisa.+
4 Zvavakaita hazvivabvumiri kudzoka kuna Mwari wavo,+ nokuti ivo vanongoda kuita ufeve+ pakati pavo; uye havana kubvuma Jehovha.+
5 Kudada kwaIsraeri kwakamupupurira zvakaipa pachena;+ uye Israeri naEfremu vanogumburwa mukukanganisa kwavo.+ Judha akagumburwawo pamwe chete navo.+
6 Vakaenda kunotsvaka Jehovha vaine makwai avo nemombe dzavo, asi havana kumuwana.+ Iye akanga abva kwavari.
7 Ivo vakanyengera Jehovha,+ nokuti vakabereka vanakomana vatorwa.+ Zvino mwedzi uchavaparadza pamwe chete nemigove yavo.+
8 “Ridzai hwamanda+ muri muGibhiya,+ ridzai bhosvo muri muRama! Shevedzerai nokuda kwehondo muri kuBheti-avheni+—vari shure kwako, haiwa iwe Bhenjamini!+
9 Haiwa iwe Efremu, uchava chinhuwo zvacho chinozvidzwa pazuva rokutukwa.+ Ndakazivisa mashoko akavimbika pakati pemadzinza aIsraeri.+
10 Machinda aJudha ava sevaya vanodzosa muganhu shure.+ Ndichadururira kushatirwa kwangu kukuru pavari sezvinongoitwa mvura.
11 Efremu anodzvinyirirwa, anodzvinyirirwa kwazvo pakutongwa,+ nokuti akanga azvisarudzira kuti atevere mhandu yake.+
12 Ndakanga ndakaita sechitemamachira+ kuna Efremu uye sokuora kuimba yaJudha.
13 “Efremu akaona urwere hwake, uye Judha akaona ronda rake.+ Efremu akaenda kuAsiriya,+ akatumira shoko kuna mambo mukuru.+ Asi iyeye haana kukwanisa kukuporesai,+ haana kukwanisa kubvisa ronda renyu nokurapa chero kupi zvako.+
14 Nokuti ndichava somwana weshumba kuna Efremu+ uye somwana weshumba ava nezenze kuimba yaJudha. Ini, ndichabvambura-bvambura, ndichaenda ndovatakura, uye hakuzovi nomununuri.+
15 Ndichaenda, ndichadzokera kunzvimbo yangu kusvikira vabvuma mhosva yavo;+ uye vachatsvaka kunzwirwa nyasha neni.+ Vachanditsvaka+ pavanenge vava kutambudzika kwazvo.”+