Hosiya 7:1-16
7 “Panguva yandichaporesa Israeri,+ kukanganisa kwaEfremu nezvinhu zvakaipa zveSamariya+ zvichaiswawo pachena;+ nokuti vakareva nhema,+ uye mbavha inopinda mukati; boka revapambi rinomhanyira kunze.+
2 Havambofungi mumwoyo mavo+ kuti ndichayeuka zvakaipa zvavo zvose.+ Zvino zvavakaita zvavakomba.+ Zvava pamberi pangu.+
3 Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, uye vanofadza machinda nokunyengera kwavo.+
4 Vose zvavo imhombwe,+ vakaita sevira rakabviriswa nomubiki, anorega kukuchidzira kana akanya mukanyiwa kusvikira waiswa mbiriso.
5 Pazuva ramambo wedu, machinda akazvirwarisa+—akashatirwa nokuda kwewaini.+ Iye akatambanudza ruoko rwake pamwe chete nevazvidzi.
6 Nokuti vakaita kuti mwoyo yavo ive yakada kufanana nevira;+ iyo iri kubvira mukati mavo.+ Mubiki wavo akarara usiku hwose; mangwanani vira racho rinopfuta sokunge murazvo womoto.+
7 Vose zvavo vanopisa sezvinoita vira, uye vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose akawa;+ hapana kana mumwe wawo anoshevedzera kwandiri.+
8 “Efremu anozvivhenganisa nemamwe marudzi.+ Efremu ava keke reraundi risina kupindurwa.+
9 Vanhu vaasingazivi vakapedza simba rake,+ asi iye haana kuzviziva.+ Bvudzi rake rakanga rakachenuruka, rachena, asi iye haana kuzviziva.
10 Kudada kwaIsraeri kwakamupupurira pachena,+ asi havana kudzoka kuna Jehovha Mwari wavo,+ uyewo havana kumutsvaka nokuda kweizvi zvose.+
11 Efremu akaita senjiva+ isingafungi, isina njere.+ Vakashevedzera kuIjipiti;+ vakaenda kuAsiriya.+
12 “Hazvinei kuti vanoenda nenzira ipi, ndichavatambanudzira mambure angu.+ Ndichavakwevera pasi sezvinoitwa zvisikwa zvokumatenga zvinobhururuka.+ Ndichavaranga sezvakaudzwa ungano yavo.+
13 Vane nhamo,+ nokuti vakanditiza!+ Ngavapambwe, nokuti vakanditadzira! Ini ndakavadzikinura,+ asi ivo vakandirevera nhema.+
14 Havana kushevedzera kwandiri nemwoyo yavo+ kuti vabatsirwe, kunyange zvazvo vakaramba vachiungudza vari pamibhedha yavo. Vakaramba vachipedza nguva vasina chavanoita nokuda kwezviyo zvavo newaini yavo inotapira;+ vakaramba vachindimukira.+
15 Zvino ini, ndakavaranga;+ ndakasimbisa maoko avo,+ asi ivo vakaramba vachindirongera zvakaipa.+
16 Ivo vakadzoka, asi kwete kukunamata kwakakwirira;+ vakanga vaita souta hwakadhamba.+ Machinda avo achaurayiwa nebakatwa nokuda kwokupa mhosva norurimi rwawo.+ Uku ndiko kuchava kunyombwa kwavo munyika yeIjipiti.”+