Hosiya 8:1-14
8 “Isa hwamanda+ pamuromo wako! Mumwe munhu anouya kuzorwisa imba yaJehovha sezvinoita gondo,+ nokuti vakadarika sungano yangu,+ uye vakadarika mutemo wangu.+
2 Vanoramba vachishevedzera kwandiri vachiti, ‘Haiwa Mwari wangu, isu vaIsraeri tinokuzivai.’+
3 “Israeri akarasa zvinhu zvakanaka.+ Muvengi ngaamutevere.+
4 Ivo vakagadza madzimambo,+ asi handisi ini ndakavatuma. Vakagadza machinda, asi handina kuzviziva. Vakazvigadzirira zvidhori+ nesirivha yavo nendarama yavo, kuti vaparadzwe.+
5 Mhuru yako yaraswa,+ haiwa iwe Samariya. Ndakavatsamwira kwazvo.+ Vacharamba vasingakwanisi kuva vasina mhosva kusvikira rini?+
6 Nokuti chinhu ichi chakabva kuna Israeri.+ Chakagadzirwa nemhizhawo zvayo,+ uye hachisi Mwari; nokuti mhuru yokuSamariya ichatsemurwa-tsemurwa.+
7 “Nokuti vanoramba vachidyara mhepo, uye vachakohwa dutu.+ Hapana pane zviyo zvisati zvakohwewa.+ Hapana zvinomera zvinozobudisa furawa.+ Kana zvikavapo, zvichamedzwa nevanhu vavasingazivi.+
8 “Israeri achamedzwa.+ Zvino vachava pakati pemamwe marudzi,+ somudziyo usingafarirwi.+
9 Nokuti ivo vakaenda kuAsiriya,+ sembizi iri yoga.+ Kana ari Efremu, akatsvaka vadiwa vanobhadharwa.+
10 Uyewo, kunyange vachiramba vachivabhadhara vari pakati pemamwe marudzi,+ ndichavaunganidza; uye vacharwadziwa kwazvo+ kwenguva duku nokuda kwomutoro wamambo nemachinda.
11 “Nokuti Efremu akaita kuti atari dziwande kuti atadze.+ Ava neatari kuti atadze.+
12 Ndakamunyorera zvinhu zvakawanda zvomutemo wangu;+ zvakaonekwa sechinhu chisingazivikanwi.+
13 Vakaramba vachibayira nyama+ sezvibayiro zvangu zvezvipo, uye vakaramba vachidya zvakanga zvisingafarirwi naJehovha.+ Zvino achayeuka kukanganisa kwavo oita kuti vazvidavirire nokuda kwezvivi zvavo.+ Ivo vakadzokera kuIjipiti.+
14 Israeri akakanganwa Muiti wake,+ akavaka temberi;+ uye Judha akaita kuti maguta akavakirirwa awande.+ Ndichatumira moto mumaguta ake uye uchaparadza shongwe dzokugara dzomumwe nomumwe.”+