Isaya 12:1-6
12 Zvino pazuva iroro+ chokwadi iwe uchati: “Ndichakuongai, haiwa Jehovha, nokuti kunyange makanditsamwira kwazvo, kutsamwa kwenyu kwakazopera,+ imi mukandinyaradza.+
2 Tarirai! Mwari ndiye ruponeso rwangu.+ Ndichavimba naye uye handingatyi;+ nokuti Jah Jehovha ndiye simba rangu+ nedziviriro yangu,+ iye akava ruponeso rwangu.”+
3 Muchachera mvura pazvitubu zvoruponeso muchipembera nomufaro.+
4 Pazuva iroro muchati: “Ongai Jehovha!+ Danai zita rake.+ Zivisai zvaakaita pakati pemarudzi.+ Taurai kuti zita rake rikwidziridzwe.+
5 Imbirai Jehovha,+ nokuti akaita zvinhu zvikuru kwazvo.+ Izvi zvinoziviswa munyika yose.
6 “Pururudza ushevedzere nokufara, haiwa iwe mukadzi anogara muZiyoni, nokuti mukuru ari pakati pako ndiye Mutsvene waIsraeri.”+