Isaya 13:1-22
13 Chirevo pamusoro peBhabhironi+ chakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi+ pane zvaakaratidzwa:
2 “Simudzai chiratidzo+ pamusoro pegomo rematombo ari pachena. Shevedzerai kwavari, ninirai ruoko,+ kuti vapinde mumasuo evanokudzwa.+
3 Ini ndakarayira vanhu vangu vakatsveneswa.+ Ndakashevedzawo vanhu vangu vane simba kuti varatidze kutsamwa kwangu,+ ivo vanhu vangu vanopembera kwazvo nomufaro.
4 Teererai! Boka revanhu riri mumakomo, rakaita sevanhu vazhinji!+ Teererai! Mheremhere youmambo, yemarudzi akaungana!+ Jehovha wemauto ari kuunganidza uto rokurwa.+
5 Vari kubva kunyika iri kure,+ kunogumira matenga, Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake, kuti aparadze nyika yose.+
6 “Ungudzai,+ nokuti zuva raJehovha rava pedyo!+ Richasvika sokuparadza kunobva kune Wemasimbaose.+
7 Ndokusaka maoko ose achashaya simba, nomwoyo wose womunhuwo zvake uchati rukutu.+
8 Vanhu vanetseka.+ Vabatwa nokurwadziwa nokutambudzika kwazvo; vari kurwadziwa kwazvo sezvinoita mukadzi ari kusununguka.+ Vanotarirana vachishamisika. Zviso zvavo zviso zvinoratidza kutya nokushungurudzika.+
9 “Tarira! Zuva raJehovha riri kuuya, riine utsinye nokuda kwokushatirwa kukuru nokutsamwa kukuru, kuti riite nyika chinhu chinokatyamadza,+ uye kuti ritsakatise vatadzi vepanyika.+
10 Nokuti nyeredzi dzokumatenga nemapoka adzo eKesiri+ hadzizobudisi chiedza chadzo; zuva richasviba parinobuda, uye mwedzi hauzoiti kuti chiedza chawo chivhenekere.
11 Ndicharanga nyika inobereka nokuda kwezvakaipa zvayo,+ uye vakaipa nokuda kwokukanganisa kwavo. Ndichagumisa kudada kwevanozvikudza, uye ndichaderedza kuzvitutumadza kwevadzvinyiriri.+
12 Ndichaita kuti vanhuwo zvavo vave vashoma kupfuura ndarama yakanatswa,+ uye vanhu vepanyika vave vashoma kupfuura ndarama yokuOfiri.+
13 Ndokusaka ndichadederesa denga kuti rizununguke,+ nyika ichazununguka ichibva munzvimbo yayo nokuda kwokushatirwa kukuru kwaJehovha wemauto+ uye nokuda kwezuva rokutsamwa kwake kukuru.+
14 Mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vake; mumwe nomumwe achatizira kunyika yake+ semhara iri kudzingirirwa uye seboka rezvipfuwo risina munhu wokuti ariunganidze.+
15 Munhu wose anowanikwa achabvoorwa, uye munhu wose anobatwa pakukokorodza achaurayiwa nebakatwa;+
16 vana vavo vacharoverwa pasi ivo vachizviona.+ Dzimba dzavo dzichapambwa, uye madzimai avo achabatwa chibharo.+
17 “Tarirai ndinovamutsira vaMedhiya,+ vasina basa nesirivha uye vasingafariri ndarama.
18 Uta hwavo huchaparadza majaya.+ Havazonzwiri tsitsi zvibereko zvedumbu;+ maziso avo haazonzwiri vanakomana urombo.
19 Bhabhironi, kushongedzwa kwoumambo,+ runako rwokudada kwevaKadheya,+ richava sepaya pakaparadzwa Sodhoma neGomora+ naMwari.
20 Harizombogarwi,+ uyewo harizorambi riripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ MuArabhu haazodziki tende rake imomo, uye hapana vafudzi vachaita kuti mapoka avo arare imomo.
21 Asi zvinogara munzvimbo dzisina mvura zvicharara imomo, uye dzimba dzavo dzichazadzwa nemazizi makuru.+ Mhou dzichagara imomo, uye madhimoni akaita sembudzi achasvetuka-svetuka imomo.+
22 Hunguhwe dzichaungudza dziri mushongwe dzaro dzokugara,+ uye nyoka huru ichava mumizinda yomufaro mukuru. Nguva yaro yava kuda kusvika, uye mazuva aro haazosundirwi mberi.”+