Isaya 20:1-6
20 Mugore rakasvika Tatani+ kuAshdhodhi,+ atumwa naSagoni mambo weAsiriya,+ akarwisa Ashdhodhi, akaritora;+
2 panguva iyoyo Jehovha akataura noruoko rwaIsaya mwanakomana waAmozi,+ achiti: “Enda,+ usunungure masaga muhudyu mako;+ ubvise hwashu dzako mutsoka dzako.”+ Iye akaita saizvozvo, achifamba-famba asina kupfeka uye asina shangu.+
3 Zvino Jehovha akati: “Mushumiri wangu Isaya zvaakafamba-famba asina kupfeka uye asina shangu kwemakore matatu ari chiratidzo+ nechishamiso pamusoro peIjipiti+ nepamusoro peItiopiya,+
4 saizvozvo mambo weAsiriya achaenda neboka renhapwa dzeIjipiti+ nevakadzingwa veItiopiya, vakomana nevakwegura, vasina kupfeka uye vasina shangu, vakafukurwa magaro, iko kusapfeka kweIjipiti.+
5 Ivo vachavhunduka uye vachanyara neItiopiya tariro yavo+ uye neIjipiti runako rwavo.+
6 Mugari womunyika iyi yomumhenderekedzo yegungwa pazuva iroro achati, ‘Tarirai ndizvo zvaita tariro yedu, kwataitizira kuti tibatsirwe, kuti tinunurwe nokuda kwamambo weAsiriya!+ Zvino isu tichapukunyuka sei?’”