Isaya 23:1-18
23 Chirevo pamusoro peTire:+ Ungudzai, imi ngarava dzeTashishi!+ nokuti rapambwa kuti rirege kuva chiteshi chengarava, kuti rirege kuva nzvimbo yokupinda mairi.+ Vakazviratidzwa vari kunyika yeKitimu.+
2 Nyararai, imi vagari vomunyika yomumhenderekedzo yegungwa. Vatengesi vanobva kuSidhoni,+ vanoyambuka gungwa—vakupfumisai.
3 Mbeu yeShihori+ yakatakurwa nepamusoro pemvura zhinji, iro goho raNire, mari yarinowana; uye zvakava mubereko wemarudzi.+
4 Nyara, haiwa iwe Sidhoni;+ haiwa iwe nhare yegungwa, nokuti gungwa rati: “Handina kumborwadziwa nokusununguka, uye handina kumbobereka, kana kurera majaya, kana kukudza mhandara.”+
5 Vanhu vacharwadziwa kwazvo pavachaudzwa nezveTire,+ sezvavakaita pavakaudzwa nezveIjipiti.+
6 Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vagari vomunyika yomumhenderekedzo yegungwa.
7 Iri ndiro guta renyu raipembera nomufaro kubvira pamazuva ekare kare, kubvira panguva yaro yepakutangatanga here? Tsoka dzaro dzaisiriendesa kure kuti rinogara riri mutorwa.
8 Ndiani asarudzira+ Tire izvi, iro raipa korona, raiva nevatengesi vaiva machinda, raiva nevatengesi venyika vaikudzwa?+
9 Jehovha wemauto ndiye asarudza+ izvi, kuti azvidze kudada kworunako rwose,+ kuti ashore vanokudzwa vose vepanyika.+
10 Pararira uzadze nyika yako soRwizi rwaNire, haiwa iwe mwanasikana weTashishi.+ Hapasisinazve nzvimbo inogadzirwa ngarava.+
11 Iye atambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa; adederesa umambo.+ Jehovha arayira pamusoro peFenikiya, kuti atsakatise nhare dzayo.+
12 Iye anoti: “Usambopemberazve nomufaro,+ haiwa iwe wakadzvinyirirwa, mhandara yeSidhoni.+ Simuka, yambukira kuKitimu.+ Kunyange ikoko haungazorori.”
13 Tarira! Nyika yevaKadheya.+ Ava ndivo vanhu vacho—Asiriya+ haina kuva iyo—vakarivakira zvinogara murenje.+ Vakamisa shongwe dzavo dzokurwisa guta;+ vakaparadza chose shongwe dzaro dzokugara;+ mumwe munhu akariita dongo rakakoromoka.+
14 Ungudzai, imi ngarava dzeTashishi, nokuti nhare yenyu yapambwa.+
15 Zvino pazuva iroro Tire richakanganwika kwemakore makumi manomwe,+ kufanana nemazuva amambo mumwe chete. Panopera makore makumi manomwe Tire richaitirwa zviri murwiyo rwepfambi runoti:
16 “Tora rudimbwa, pota neguta, haiwa iwe pfambi+ yakakanganwika. Nyatsoridza tambo dzezviridzwa; wanza nziyo dzako, kuti uyeukwe.”
17 Zvino panopera makore makumi manomwe Jehovha achafunga nezveTire, uye richadzokera kumubhadharo waro+ roita zvechipfambi noumambo hwose hwenyika huri panyika.+
18 Mubereko waro nomubhadharo+ waro zvichava chinhu chitsvene kuna Jehovha. Hazvizochengetwi, kana kuunganidzwa, nokuti mubhadharo waro uchava wevaya vanogara pamberi paJehovha,+ kuti vadye, vagute uye nokuda kwezvokufuka zvakanaka kwazvo.+