Isaya 24:1-23
24 Tarirai! Jehovha achabvisa zvinhu zvose panyika achiiita dongo,+ uye aipidigura,+ akaparadzira vanogara pairi.+
2 Zvino zvichaitirwa vanhu ndizvo zvichaitirwawo mupristi; zvichaitirwa mushandi ndizvo zvichaitirwawo tenzi wake; zvichaitirwa mushandikadzi ndizvo zvichaitirwawo tenzikadzi wake; zvichaitirwa mutengi ndizvo zvichaitirwawo mutengesi; zvichaitirwa mukweretesi ndizvo zvichaitirwawo mukwereti; zvichaitirwa anotora mubereko ndizvo zvichaitirwawo anobhadhara mubereko.+
3 Chokwadi nyika ichabviswa zvinhu zvose, uye ichapambwa,+ nokuti Jehovha ataura shoko iri.+
4 Nyika iri kuchema,+ yaparara. Nyika inobereka yaoma, yaparara. Vaya vakakwirira pavanhu vomunyika yacho vava vashoma.+
5 Nyika yasvibiswa nevagari vayo,+ nokuti vadarika mitemo,+ vachinja murau,+ vaputsa sungano inogara nokusingagumi.+
6 Ndokusaka kutuka kwakaparadza nyika,+ uye vaya vanogara mairi vachinzi vane mhosva. Ndokusaka vagari vomunyika yacho vava vashoma, uye kwasara vanhuwo zvavo vashomanana kwazvo.+
7 Waini itsva iri kuchema, muzambiringa waoma,+ vose vaya vane mwoyo inofara vari kugomera.+
8 Kupembera nomufaro kwokuridza makandira kwapera, ruzha rwevanofara kwazvo rwaguma, kupembera nomufaro kwokuridza rudimbwa kwapera.+
9 Ivo vanonwa waini pasina rwiyo; doro rinodhaka rinovava vaya vari kurinwa.
10 Taundi rakasiyiwa raputswa;+ dzimba dzose dzavharwa kuti dzirege kupindwa.
11 Mumigwagwa munonzwika kuchema nokuda kwokushayikwa kwewaini. Kufara kwose kwaguma; kupembera nomufaro kwenyika kwaenda.+
12 Muguta masara muine kukatyamara; gedhi rapwanyiwa kuva murwiwo zvawo wezvaparadzwa.+
13 Nokuti zvichava saizvozvo pakati penyika, pakati pemarudzi, sokuzunzwa kwomuorivhi,+ sokuunganidza zvakasaririra kana kukohwa mazambiringa kwapera.+
14 Ivo vachashevedzera, vachashevedzera vachifara. Vachashevedzera vachipururudza vari kugungwa nokuda kwoukuru hwaJehovha.+
15 Ndokusaka vachakudza Jehovha vari munzvimbo yechiedza,+ vachakudza zita raJehovha,+ Mwari waIsraeri vari muzvitsuwa zvegungwa.+
16 Kune nziyo dzatanzwa dzichiimbwa kumugumo wenyika,+ dzichiti: “Akarurama+ Ngaashongedzwe!”
Asi ndinoti: “Ndaonda,+ ndaonda! Ndine nhamo! Vatengesi vanonyengera vanyengera.+ Chokwadi vatengesi vanonyengera vanyengera nounyengeri.”+
17 Kutya negomba nechiteyeso zviri pauri, iwe mugari womunyika.+
18 Ani naani achatiza kurira kwechinhu chinotyiwa achawira mugomba, uye ani naani achabuda mugomba achabatwa nechiteyeso.+ Nokuti magedhi emvura ari kumusoro achavhurwa,+ uye nheyo dzenyika dzichazununguka.+
19 Nyika yatsemuka chose, nyika yazununguswa chose, nyika yadzedzereswa chose.+
20 Nyika inotatarika chose somunhu akadhakwa, uye yavheya-vheya sedumba.+ Kudarika kwayo kunoiremera,+ uye ichawa, zvokuti haizomukizve.+
21 Zvino pazuva iroro Jehovha achafunga nezveuto rokumusoro riri kumusoro, uye nezvemadzimambo enyika ari panyika.+
22 Vachaunganidzwa sokuunganidzirwa mugomba+ kunoitwa vasungwa, vovharirwa mujeri repasi;+ uye vachatongwa pashure pemazuva mazhinji.+
23 Jenaguru ratsveruka, uye zuva rinopenya ranyara,+ nokuti Jehovha wemauto ava mambo+ anobwinya muGomo reZiyoni+ nomuJerusarema nepamberi pevarume vakwegura.+