Isaya 29:1-24
29 “Arieri+ rine nhamo, iro Arieri, taundi rakadzikwa musasa naDhavhidhi!+ Wedzerai gore pane rimwe gore; regai mitambo+ iitwe yose.
2 Ndichaomesera+ Arieri, pachava nokuchema nokurira,+ uye richava sechoto cheatari yaMwari+ kwandiri.
3 Ndichakudzikira musasa kumativi ose, ndichakukomba norumhanda ndokuvakira masvingo okukurwisa nawo.+
4 Uchaderera zvokuti uchataura uri pasi chaipo, uye kutaura kwako kuchanzwikira pasi pasi sokuri muguruva.+ Inzwi rako richava riri pasi seresvikiro, uye kutaura kwako kucharira kuri muguruva.+
5 Boka revanhu vaya vausingazivi richava soupfu hwakatsetseka,+ uye boka revadzvinyiriri+ sehundi iri kupfuura.+ Zvichangoerekana zvaitika, pakarepo.+
6 Jehovha wemauto achafunga nezvenyu nemabhanan’ana, nokudengenyeka, nokutinhira kukuru, dutu nemhepo ine mvura, uye murazvo womoto unoparadza.”+
7 Zvichava sepakurota, pane zvinoratidzwa usiku, pamusoro peboka remarudzi ose ari kurwa neArieri,+ aya ose ari kurwa naro, neshongwe dzokurirwisa nevaya vari kuriomesera.+
8 Chokwadi zvichava sepanorota munhu ane nzara achidya, asi omuka mweya wake uine nzara;+ uye sepanorota munhu ane nyota achinwa, asi omuka akaneta uye mweya wake uine nyota; ndizvo zvichaita boka remarudzi ose ari kurwa neGomo reZiyoni.+
9 Rambai makamira, mushamiswe;+ zvipofumadzei, mupofumare.+ Vadhakwa,+ asi kwete newaini; vadzedzereka, asi kwete nedoro rinodhaka.+
10 Nokuti Jehovha aita kuti mubatwe nehope huru;+ avhara maziso enyu, imi vaprofita,+ uye afukidza misoro+ yenyu, imi vaoni.+
11 Zvakaratidzwa zvezvinhu zvose zvinova semashoko ebhuku rakanamwa+ kwamuri, ravanopa mumwe munhu anogona kuverenga zvakanyorwa zvacho, vachiti: “Tapota, verenga zvinonzwika zvinhu izvi,” asi iye achati: “Handikwanisi, nokuti rakanamwa”;+
12 uye bhuku racho richapiwa mumwe munhu asingagoni kuverenga, mumwe munhu achati: “Ndapota, verenga zvinonzwika zvinhu izvi,” asi iye achati: “Handitombogoni kuverenga.”
13 Zvino Jehovha anoti: “Vanhu ava zvavakava pedyo neni nemiromo yavo, vakandikudza nemiromo yavo chete,+ vakaisa mwoyo yavo kure neni,+ uye kunditya kwavo kukava murayiro wevanhu uri kudzidziswa,+
14 naizvozvo ndini ndichaitazve zvinoshamisa nevanhu ava,+ nenzira inoshamisa uye nechinhu chinoshamisa; uchenjeri hwevanhu vavo vakachenjera huchaparara, nokunzwisisa kwevanhu vavo vakangwara kuchavanda.”+
15 Vane nhamo vaya vanovanzira Jehovha kwazvo zvavanoronga,+ vane mabasa akaitirwa munzvimbo ine rima,+ pavanenge vachiti: “Ndiani ari kutiona, uye ndiani ari kuziva nezvedu?”+
16 Makatsauka kwazvo! Muumbi anganzi ivhu here?+ Chinhu chakaitwa chingati here pamusoro peakachiita: “Haana kundiita”?+ Chinhu chakaumbwa chinoti here pamusoro pomuumbi wacho: “Haana kunzwisisa”?+
17 Haisi nguva duku kwazvo yasara here, kuti Rebhanoni rishandurwe kuva munda wemichero+ uye kuti munda wemichero unzi isango?+
18 Pazuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho,+ maziso emapofu achaona ari muzarima uye ari murima.+
19 Vanyoro+ vachawedzera kufarira kwavo Jehovha, uye varombo vari pakati pevanhu vachafarira Mutsvene waIsraeri,+
20 nokuti mudzvinyiriri+ achaguma, anozvirumbidza achapera,+ vose vaya vanoramba vakasvinurira kuita zvinokuvadza+ vachagurwa,
21 vaya vari kutadzisa munhu neshoko rake,+ vaya vanoisira hwambo iye ari kutsiura ari pagedhi,+ uye vaya vanosundira parutivi munhu akarurama nenharo dzisina zvadzinobatsira.+
22 Naizvozvo Jehovha ati kuimba yaJakobho, iye akadzikinura Abrahamu:+ “Iko zvino Jakobho haazonyari, uyewo iko zvino chiso chake hachizochenuruki;+
23 nokuti paanoona vana vake, iro basa remaoko angu, vari pakati pake,+ vachatsvenesa zita rangu,+ uye vachatsvenesa Mutsvene waJakobho,+ uye vacharemekedza vachitya+ Mwari waIsraeri.
24 Vaya vari kukanganisa pakufunga kwavo vachanzwisisa, uye vaya vari kunyunyuta vachadzidza murayiridzo.”+