Isaya 32:1-20
32 Tarirai! Mambo+ achatonga kuti pave nokururama;+ uye machinda, achatonga semachinda+ kuti pave nokururamisira.
2 Mumwe nomumwe achava senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura,+ sehova dzemvura panyika isina mvura,+ somumvuri weibwe guru panyika yafa nenyota.+
3 Maziso evaya vari kuona haazonamatirani, nenzeve dzevaya vari kunzwa dzichateerera.+
4 Mwoyo yevaya vanonyanyokurumidzira zvinhu ichanyatsofunga pamusoro pezivo,+ uye rurimi rwevanokakama ruchataura zvinonzwika ruchikurumidza.+
5 Benzi harizonzi rine rupo; munhu asina tsika, haazonzi anokudzwa;+
6 nokuti benzi richataura zvoupenzi chete,+ mwoyo waro uchaita zvinhu zvinokuvadza,+ uchatsauka+ uye uchataura zvakaipa nezvaJehovha, uchaendesa mweya womunhu ane nzara usina kuguta,+ uye rinoendesa munhu ane nyota asina chokunwa.
7 Nzira dzomunhu asina tsika dzakaipa;+ iye anopa mazano nokuda kwemabasa okusazvibata,+ kuti aparadze vanotambudzika nemashoko enhema,+ kunyange murombo paanotaura zvakarurama.
8 Munhu ane rupo anopa mazano nokuda kwezvinhu zvorupo; uye iye achasimuka nokuda kwezvinhu zvorupo.+
9 “Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, teererai inzwi rangu!+ Imi vanasikana vasina hanya, inzwai shoko rangu!
10 Mugore rimwe chete nemazuva akati, imi vasina hanya muchadedera,+ nokuti kutanha mazambiringa kuchange kwapera asi hapana kuunganidza michero kuchasvika.+
11 Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka! Gwagwadzai, imi vasina hanya! Pfekenurai muve vasina kupfeka, uye sungirai masaga muzviuno.+
12 Zvirovei pazvipfuva muchichemera+ minda yakanaka+ nomuzambiringa unobereka zvibereko.
13 Panyika yevanhu vangu panomera minzwa chete, makwenzi ane minzwa,+ nokuti zviri padzimba dzose dzokupembera nomufaro, chokwadi zviri pataundi rinofara kwazvo.+
14 Nokuti shongwe yokugara yasiyiwa,+ ruzha rweguta rwasiyiwa; Oferi+ nenharire zvangova minda isina chinhu, munopembera mbizi nomufaro, mafuro emapoka ezvipfuwo nokusingagumi;
15 kusvikira mudzimu wadururirwa patiri uchibva kumusoro,+ renje rava munda wemichero, uye munda wemichero wava kunzi isango chairo.+
16 “Kururamisira kuchagara murenje, uye kururama kuchagara mumunda wemichero.+
17 Basa rokururama kwechokwadi richava rugare;+ uye kubatsira kwokururama kwechokwadi, kuchava runyararo nokuchengeteka nokusingagumi.+
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo yokugara ine rugare nomunzvimbo dzokugara dzechivimbo chizere nomunzvimbo dzokuzororera dzakanyarara.+
19 Chimvuramabwe chichadonha panowa sango+ uye guta richaderera+ chose.
20 “Munofara imi muri kudyara mbeu pedyo nemvura yose,+ munosairira nzombe nembongoro mumunda.”+