Isaya 34:1-17
34 Swederai pedyo, imi marudzi, kuti munzwe;+ uye imi mapoka emarudzi,+ teererai. Nyika nezvose zviri mairi ngazviteerere,+ iyo nyika inobereka+ nezvibereko zvayo zvose.+
2 Nokuti Jehovha akagumbukira marudzi ose,+ uye akatsamwira uto rawo rose.+ Achaaparadza chose; achaaurayisa.+
3 Vakaurayiwa vawo vachakandwa kunze; uye kunhuhwa kwezvitunha zvawo, kuchakwira;+ makomo achanyangadika neropa rawo.+
4 Uto rose rokumatenga richaora.+ Matenga achapetwa,+ somupumburu webhuku; uto rawo rose richaputana, sokuputana kunoita mashizha obva adonha pamuzambiringa uye seonde rakaputana rinodonha pamuonde.+
5 “Nokuti bakatwa+ rangu richaguta kumatenga. Tarirai! Richaburukira pana Edhomu,+ nepavanhu vandichaparadza+ chose mukururamisira.
6 Jehovha ane bakatwa; iro richaguta neropa;+ richazara nemafuta, neropa remakondohwe maduku nenhongo, nemafuta+ eitsvo dzemakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro kuBhozra, uye achauraya vakawanda munyika yeEdhomu.+
7 Nzombe dzomusango+ dzichaenda pamwe chete nawo, nzombe duku pamwe chete nevane simba;+ uye nyika yavo ichaguta ropa, uye guruva ravo richazara nemafuta.”+
8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva,+ gore rokutsiva zvakaitirwa Ziyoni.+
9 Hova dzaro dzichachinjwa kuva namo, guruva raro kuva sarufa; uye ivhu raro richava senamo inobvira.+
10 Haizodzimwi usiku kana kuti masikati; utsi hwayo hucharamba huchikwira nokusingagumi.+ Richava rakaoma kwezvizvarwa nezvizvarwa;+ hakuna munhu achapfuura nomariri nokusingaperi-peri.+
11 Sekwe romuromo murefu nenungu zvichaita kuti rive razvo, mazizi ane nzeve refu nemakunguo zvichagara mariri;+ iye acharitambanudzira tambo yokuyeresa+ yokusava nechinhu nematombo okuva dongo.
12 Vanokudzwa varo—hapana kana vamwe varipo vavachashevedza kuti vauye kuumambo, uye machinda aro ose achava pasina.+
13 Minzwa ichamera pashongwe dzaro dzokugara,+ rukato noutumbambeva zvichamera munzvimbo dzaro dzakavakirirwa; uye richava nzvimbo inogarwa nehunguhwe,+ chivanze chemhou.+
14 Zvinogara munzvimbo isina mvura zvichasangana nemhuka dzinoungudza, uyewo dhimoni rakaita sembudzi+ richashevedza rimwe raro. Chokwadi dahwa richagara imomo zvakanaka rowana nzvimbo yokuzororera.+
15 Nyoka inoita somuseve yakagadzira musha wayo imomo, ichakandira mazai, uye ichaachochonya, yovaunganidza pasi pomumvuri wayo. Chokwadi uvangu+ huchaungana imomo, humwe nohumwe nesheche yahwo.
16 Tsvakai mubhuku+ raJehovha muverenge zvinonzwika: hapana kana chimwe chete chazvo chave chichishayikwa;+ chimwe nechimwe hachikundikani kuva nehadzi yacho, nokuti muromo waJehovha ndiwo wapa murayiro wacho,+ uye mudzimu wake ndiwo wakazviunganidza.+
17 Iye ndiye akazvikandira mujenya, ruoko rwake rwakazvikamurira nzvimbo netambo yokuyeresa.+ Zvichaita kuti ive yazvo nokusingagumi; zvichagara mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa.