Isaya 42:1-25
42 Tarirai! Mushumiri wangu,+ wandinoramba ndakabata zvakasimba!+ Wandakasarudza,+ akafarirwa+ nomweya wangu! Ndaisa mudzimu wangu maari.+ Iye achaunzira marudzi kururamisira.+
2 Haazoshevedzeri kana kudanidzira, uye haazoiti kuti inzwi rake rinzwike mumugwagwa.+
3 Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora;+ uye haazodzimi mwenje usina kujeka wetambo yomufurakisi. Achaunza kururamisira nokutendeka.+
4 Haazovi asina kujeka uyewo haazopwanyiwi kusvikira aisa kururamisira munyika;+ uye zvitsuwa zvicharamba zvichimirira mutemo wake.+
5 Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wematenga,+ Iye Mukuru ari kuatatamura;+ Iye ari kutambanudza nyika+ nezvibereko+ zvayo, Iye ari kupa vanhu vari pairi+ mhepo yokufema,+ nesimba roupenyu kune vaya vari kufamba mairi:+
6 “Ini, Jehovha, ndakakushevedza mukururama,+ uye ndakakubata ruoko.+ Ndichakuchengetedza ndoita kuti uve sungano yevanhu,+ uve chiedza chemarudzi,+
7 kuti usvinudze maziso akapofumara,+ kuti ubudise musungwa mujeri repasi,+ ubudise vaya vagere murima muimba yevasungwa.+
8 “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu;+ handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu,+ nokurumbidzwa+ kwangu kumifananidzo yakavezwa.+
9 “Zvinhu zvokutanga—tarirai zvaitika,+ asi ndiri kuzivisa zvinhu zvitsva. Ndinoita kuti muzvinzwe izvo zvisati zvaitika.”+
10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+ kurumbidzwa kwake kubvira kumugumo wenyika,+ imi muri kuenda kugungwa+ nokune zviri mariri, imi zvitsuwa nemi muri kugara mazviri.+
11 Renje+ nemaguta aro ngazvishevedzere, misha inogarwa naKedhari.+ Vagari vomuibwe+ ngavashevedzere vachifara. Vanhu ngavashevedzere zvinonzwika vari pamusoro pemakomo.
12 Ngavakudze Jehovha,+ uye ngavazivise kurumbidzwa kwake muzvitsuwa.+
13 Jehovha achabuda sezvinoita murume ane simba.+ Achamutsa kushingaira somurwi.+ Achashevedzera, chokwadi achashevedzera nokuda kwehondo;+ achava nesimba kwazvo pavavengi vake.+
14 “Ndakanyarara kwenguva refu.+ Ndakaramba ndakanyarara.+ Ndakaramba ndichizvidzora.+ Ndichagomera, ndichafemereka, uye ndichatakwaira panguva imwe chete somukadzi ari kusununguka.+
15 Ndichaparadza+ makomo nezvikomo, uye ndichaomesa zvinomera zvazvo zvose. Ndichashandura nzizi kuti dzive zvitsuwa, uye ndichaomesa madziva ane tsanga zhinji.+
16 Ndichafambisa mapofu munzira yaasina kuziva;+ ndichaafambisa mumugwagwa waasina kuziva.+ Ndichachinja nzvimbo ine rima pamberi pawo kuti ive chiedza,+ uye nzvimbo isina kuenzana kuti ive nyika yakati sandara.+ Izvi ndizvo zvinhu zvandichaaitira, uye handizoasiyi.”+
17 Vaya vari kuvimba nomufananidzo wakavezwa, vaya vari kuti kumufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa: “Ndimi vanamwari vedu,”+ vachadzoswa, vachanyara kwazvo.+
18 Inzwai, imi matsi; uye tarirai kuti muone, imi mapofu.+
19 Ndiani bofu, haasi mushumiri wangu here, uye ndiani asinganzwi sezvakaita nhume yangu yandinotuma? Ndiani bofu sezvakaita munhu anopiwa mubayiro, kana kuti bofu sezvakaita mushumiri waJehovha?+
20 Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuramba uchichenjerera.+ Wakavhura nzeve, asi hauna kuramba uchiteerera.+
21 Jehovha akafarira kuti achakudza mutemo+ ndokuuita mukuru nokuda kwokururama+ kwake.
22 Asi ivo vanhu vakapambwa uye vakatorwa nechisimba,+ vose vakavharirwa mumakomba, uye vakavanzwa mudzimba dzevasungwa.+ Vazova vokupamba vasina mununuri,+ vokutora nechisimba vasina munhu anoti: “Dzosa!”
23 Ndiani pakati penyu achanzwa izvi? Ndiani achafungisisa oteerera nokuda kwenguva dzinouya?+
24 Ndiani akaita kuti Jakobho atorwe zvake nechisimba, uye kuti Israeri atorwe nevapambi? Haasi Jehovha here, Iye watakatadzira, ane nzira dzavasina kuda kufamba madziri uye ane mutemo wavasina kuteerera?+
25 Naizvozvo Iye akaramba achidururira hasha paari, kutsamwa kwake, nesimba rehondo.+ Dzakaramba dzichimuparadza kumativi ose,+ asi haana kucherechedza;+ uye dzakaramba dzichimupisa, asi haana kuva nehanya nazvo.+