Isaya 43:1-28
43 Zvino zvanzi naJehovha, Musiki+ wako, haiwa iwe Jakobho, uye Muumbi+ wako, haiwa iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura.+ Ndakakushevedza nezita rako.+ Uri wangu.+
2 Kana ukapfuura nomumvura,+ ndichava newe;+ uye nomunzizi, hadzizokuyeredzi.+ Kana ukafamba nomumoto, hauzopiswi, uyewo murazvo hauzokubvuraudzi.+
3 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri Muponesi+ wako. Ndakaita kuti Ijipiti ive rudzikinuro nokuda kwako,+ Itiopiya+ neSebha panzvimbo yako.
4 Nokuti wave uchikosha kwandiri,+ wanzi unokudzwa, uye ini ndakuda.+ Ndichaisa vanhu panzvimbo yako, uye mapoka evanhu panzvimbo yomweya wako.+
5 “Usatya, nokuti ndinewe.+ Ndichaunza vana vako kubva kunobuda zuva, uye ndichakuunganidza kubva kumavirazuva.+
6 Ndichati kuchamhembe,+ ‘Regedza!’ uye kumaodzanyemba, ‘Usadzivisa. Uyai nevanakomana vangu vari kure, uye nevanasikana vangu vari kumugumo wenyika,+
7 munhu wose anoshevedzwa nezita rangu+ uye wandakasikira kukudzwa kwangu,+ wandakaumba, chokwadi iye wandakaita.’+
8 “Uyai nemapofu kunyange aine maziso, nematsi kunyange dziine nzeve.+
9 Marudzi ngaaungane ose panzvimbo imwe chete, uye mapoka emarudzi ngaaungane.+ Ndiani pakati pawo angataura izvi?+ Uye angaita kuti tinzwe zvinhu zvokutanga here?+ Ngaagovere zvapupu zvawo,+ kuti anzi akarurama, kana kuti iwo ngaanzwe ati, ‘Ichokwadi!’”+
10 “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “mushumiri wangu wandakasarudza,+ kuti muzive+ uye mutende mandiri,+ kuti munzwisise kuti ndini Iye mumwe chete.+ Ndisati ndavapo hapana Mwari akaumbwa,+ uye pashure pangu pakaramba pasina mumwe.+
11 Ini—ndini Jehovha,+ kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.”+
12 “Ini ndakazivisa, ndakaponesa uye ndakaita kuti zvinzwiwe,+ pakwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu.+ Naizvozvo imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ini ndini Mwari.+
13 Uyewo, nguva yose ndini Iye mumwe chete;+ hapana mumwe anonunura paruoko rwangu.+ Ndichaita basa,+ ndiani angaridzivisa?”+
14 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri:+ “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu uye ndichawisira pasi mizariro yemajeri,+ nevaKadheya vari mungarava vachirira.+
15 Ndini Jehovha Mutsvene wenyu,+ Musiki waIsraeri,+ Mambo wenyu.”+
16 Zvanzi naJehovha, Iye ari kugadzira nzira mugungwa nomugwagwa mumvura ine simba,+
17 Iye ari kubudisa ngoro yehondo nebhiza, uto rehondo nevane simba panguva imwe chete:+ “Vacharara pasi.+ Havazomuki.+ Chokwadi vachadzimwa.+ Vachadzimwa somwenje wetambo yomufurakisi.”+
18 “Musayeuka zvinhu zvokutanga, uye musafunga zvinhu zvekare.
19 Tarirai! Ndiri kuita chinhu chitsva.+ Zvino chichaitika. Hamuzochizivi here?+ Chokwadi, ndichagadzira nzira inopfuura nomurenje,+ inopfuura nomunzizi dzomugwenga.+
20 Mhuka yomusango ichandikudza,+ hunguhwe nemhou;+ nokuti ndichange ndaisa mvura murenje, nzizi mugwenga,+ kuti ndiite kuti vanhu vangu, vandakasarudza,+ vanwe,
21 ivo vanhu vandakazviumbira, kuti varondedzere kurumbidzwa kwangu.+
22 “Asi hauna kundishevedza, haiwa iwe Jakobho,+ nokuti waneta neni, haiwa iwe Israeri.+
23 Hauna kundiunzira makwai ezvinopiwa zvako zvinopiswa zvakakwana, uye hauna kundikudza nezvibayiro zvako.+ Handina kukumanikidza kuti undishumire nechipo, uyewo handina kukunetesa nezvinonhuhwirira zvichena.+
24 Hauna kunditengera ipwa dzinonhuhwirira+ nemari chero ipi zvayo; uye hauna kundigutsa nemafuta ezvibayiro zvako.+ Chokwadi wakandimanikidza kuti ndishandire zvivi zvako; wandinetesa nokukanganisa kwako.+
25 “Ini—ndini Iye ari kudzima+ kudarika+ kwako nokuda kwangu,+ uye handizoyeuki zvivi zvako.+
26 Ndiyeuchidze; ngatitongane;+ taura nhoroondo yako kuti ururamiswe.+
27 Baba vako vokutanga, vakatadza,+ uye vatauriri vako vakanditadzira.+
28 Naizvozvo ndichasvibisa machinda enzvimbo tsvene, uye ndichaita kuti Jakobho ave munhu achaparadzwa chose uye Israeri atukwe.+