Isaya 57:1-21
57 Munhu akarurama aparara,+ asi hakuna munhu ane hanya nazvo.+ Varume vane mutsa worudo vari kuiswa kwakaiswa vakafa,+ pasina munhu anoona kuti munhu akarurama abviswa nokuda kwedambudziko.+
2 Iye anopinda murugare;+ vanozorora+ pamibhedha yavo,+ mumwe nomumwe ari kufamba zvakarurama.+
3 “Zvino imi, swederai pano,+ imi vanakomana vomukadzi anofembera,+ vana vemhombwe nevomukadzi anoita zvoupfambi:+
4 Muri kufara kwazvo pamusoro paani?+ Ndiani wamuri kuramba muchishamira muromo kwazvo, muchiramba muchibudisira rurimi?+ Hamusi vana vokudarika, vana venhema here,+
5 vaya vari kumutsa kuchiva pakati pemiti mikuru,+ pasi pemiti yose yakasvibirira,+ vachiurayira vana mumipata ine hova pasi pemikaha yemabwe?+
6 “Mugove wako waiva pamwe chete nematombo anotsvedzerera omumupata une rukova.+ Iwo—ndiwo aiva mugove wako.+ Zvakare, wakaadururira chinopiwa chinonwiwa,+ wakapa chipo. Ndichazvinyaradza nokuda kwezvinhu izvi here?+
7 Wakaisa mubhedha wako pagomo refu uye rakakwirira.+ Wakakwira ikokowo kunopa chibayiro.+
8 Wakaisa chiyeuchidzo chako seri kwesuo negwatidziro.+ Nokuti wakazvifukura uri kure neni, ukakwira; wakakudza mubhedha wako.+ Wakaita sungano navo. Wakada kurara navo.+ Wakaona nhengo yomunhurume.
9 Wakaenda kuna Mereki nemafuta, ukaramba uchiwanza mafuta ako okuzora.+ Wakaramba uchitumira nhume dzako kure, zvokuti wakaderedzera zvinhu kuSheori.+
10 Wakashanda zvakaoma munzira dzako zhinji.+ Hauna kuti, ‘Hazvina tariro!’ Simba rako rakamutsidzirwa.+ Ndokusaka usina kurwara.+
11 “Wakatyisidzirwa naani zvokuti wakatya,+ ukareva nhema?+ Asi hauna kundiyeuka.+ Hapana chawakava nehanya nacho.+ Handina kuramba ndakanyarara here ndichivanza zvinhu?+ Naizvozvo wakanga usingandityiwo.+
12 Ini ndichazivisa kururama kwako+ nemabasa ako,+ kuti hazvizokubatsiri.+
13 Paunoshevedzera kuti ubatsirwe, zvawakaunganidza hazvizokununuri,+ asi mhepo ichazvitakura zvose zvazvo.+ Mhepo inofemwa ichazvibvisa, asi anotizira mandiri+ achagara nhaka yenyika uye achaita kuti gomo rangu dzvene+ rive rake.
14 Zvino mumwe achati, ‘Umbiridzai, umbiridzai! Gadzirai nzira.+ Bvisai zvinopinganidza zvose munzira yevanhu vangu.’”+
15 Nokuti zvanzi neAkakwirira, Iye ari Kumusoro,+ anogara nokusingaperi+ uye ane zita dzvene:+ “Ndinogara pakakwirira nomunzvimbo tsvene,+ ndinogarawo nomunhu akadzvinyirirwa neanozvininipisa,+ kuti ndimutsidzire mafungiro evanozvininipisa uye ndimutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.+
16 Nokuti handizorwi nokusingagumi, uyewo handizotsamwi nokusingaperi;+ nokuti simba roupenyu richakundikana nemhosva yangu,+ kunyange zvisikwa zvinofema zvandakaita.+
17 “Ndakatsamwira kuipa kwepfuma yake isina kururama,+ ndikamurova, ndichivanza chiso changu,+ pandakanga ndakatsamwa. Asi iye akaramba achifamba nenzira yomwoyo wake somutsauki.+
18 Ndakaona nzira dzake; ndikamuporesa,+ ndikamutungamirira,+ ndikamuripa nokunyaradza+ iye nevanochema pamwe chete naye.”+
19 “Ndiri kusika zvibereko zvemiromo.+ Rugare runoramba ruripo ruchava kune ari kure nokune ari pedyo,”+ Jehovha adaro, “uye ndichamuporesa.”+
20 “Asi vakaipa vakaita segungwa riri kubvongodzwa, parinenge risingakwanisi kudzikama, mvura yaro inoramba ichibudisa masora omugungwa nematope.”
21 Zvanzi naMwari wangu, “Hakuna rugare nokuda kwevakaipa.”+