Isaya 8:1-22
8 Zvino Jehovha akati kwandiri: “Tora hwendefa+ guru unyore pariri nechinyoreso chomunhuwo zvake kuti, ‘Maheri-sharari-hashi-bhazi.’
2 Rega ndipupurirwe+ nezvapupu+ zvakatendeka, mupristi+ Uriya naZekariya mwanakomana waJebherekiya.”
3 Ndakabva ndaswedera pedyo nomuprofitakadzi, iye akava nepamuviri uye kwapera nguva yakati akasununguka mwanakomana.+ Zvino Jehovha akati kwandiri: “Mutumidze kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi,
4 nokuti mukomana wacho asati agona kushevedzera kuti,+ ‘Baba vangu!’ uye ‘Amai vangu!’ mumwe munhu achaendesa pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamariya pamberi pamambo weAsiriya.”+
5 Jehovha akataurazve kwandiri achiti:
6 “Nokuti vanhu ava varamba+ mvura yeShiroa+ inoyerera zvinyoronyoro, uye vari kupembera nomufaro+ nokuda kwaRezini nomwanakomana waRemariya;+
7 naizvozvo, tarira! Jehovha achavaunzira+ mvura yoRwizi+ ine simba uye zhinji, iye mambo weAsiriya+ nembiri yake yose.+ Achabuda pahova dzake dzose oenda kumahombekombe ake ose,
8 opfuura nepakati paJudha. Achafashamira opfuura.+ Achasvika pamutsipa.+ Achatambanudza mapapiro+ ake kuti azadze kufara kwenyika yako, haiwa iwe Emanueri!”+
9 Itai zvinokuvadza, haiwa imi marudzi, muputswe-putswe; uye teererai, imi mose muri kumativi ari kure enyika!+ Zvisungei,+ muputswe-putswe!+ Zvisungei, muputswe-putswe!
10 Rongai zano, asi richaputswa!+ Taurai shoko chero ripi zvaro, asi harizomiri, nokuti Mwari anesu!+
11 Nokuti Jehovha akataura neni nesimba roruoko rwake, kuti andiregedzese kufamba nenzira yevanhu ava, achiti:
12 “Musati, ‘Kumukira!’ pamusoro pezvose izvo vanhu ava vanoramba vachiti nezvazvo, ‘Kumukira!’+ uye musatya zvavanotya, uyewo musazvidedera.+
13 Jehovha wemauto—Ndiye wamunofanira kuita mutsvene,+ ndiye wamunofanira kutya,+ uye Ndiye anofanira kukudederesai.”+
14 Iye achava senzvimbo tsvene;+ asi sedombo rokurovera pariri, seibwe rokugumbura+ kudzimba dzose mbiri dzaIsraeri, sechiteyeso nomusungo kuvagari vomuJerusarema.+
15 Vazhinji vavo vachagumburwa uye vachawa, voputswa, vachateyiwa nomusungo, vobatwa.+
16 Peta chipupuriro,+ isa chisimbiso pamutemo pakati pevadzidzi vangu!+
17 Ndicharamba ndakatarisira kuna Jehovha,+ ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake,+ ndichava netariro maari.+
18 Tarirai! Ini nevana vandakapiwa naJehovha+ tiri zviratidzo+ nezvishamiso pakati paIsraeri, zvinobva kuna Jehovha wemauto, anogara muGomo reZiyoni.+
19 Zvino kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro+ kana kuti vafemberi vanorira+ uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here?+ Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?+
20 Bvunzai mutemo nechipupuriro!+
Chokwadi ivo vacharamba vachitaura maererano nemashoko aya+ asingazovi nechiedza chemambakwedza.+
21 Mumwe nomumwe achapfuura nomunyika yacho achinetseka kwazvo uye aine nzara;+ nokuti ane nzara uye atsamwa, iye achatuka mambo wake naMwari wake+ uye achanyatsotarira kumusoro.
22 Achatarira pasi, oona kutambudzika nerima,+ kusviba, nguva dzakaoma nezarima risina chiedza.+