Jeremiya 12:1-17
12 Haiwa Jehovha, imi makarurama+ pandinonyunyuta kwamuri, kunyange pandinotaura nemi nezvenyaya dzokutonga. Nei nzira yevakaipa iriyo yabudirira,+ zvokuti vose vari kunyengera ndivo vasinganetseki?
2 Makavadyara; ivo vakadzikawo midzi. Vanoramba vachikura; vaberekawo michero. Muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure neitsvo dzavo.+
3 Haiwa Jehovha, imi munonyatsondiziva;+ munondiona, uye makaongorora mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri.+ Vasarudzei semakwai okuti anourayiwa,+ uye vatsaurei kuitira zuva rokuurayiwa.
4 Nyika icharamba ichioma,+ zvinomera zvomusango rose zvichioma kusvikira rini?+ Mhuka nezvisikwa zvinobhururuka zvaparadzwa nokuda kwezvakaipa zvevaya vari kugara mairi.+ Nokuti vati: “Iye haaoni nguva yedu yemberi.”
5 Zvawakamhanya nevanofamba netsoka, asi vachikunetesa, zvino ungakwikwidzana sei nemabhiza?+ Unovimba nenyika yorugare here?+ Naizvozvo uchaita sei pakati pematenhere makuru ari pedyo naJodhani?+
6 Nokuti kunyange hama dzako neimba yababa vako, naivowo vakakunyengera.+ Vakashevedzera kwazvo vari shure kwako. Usambotenda mavari, nokuti vanotaura zvinhu zvakanaka kwauri.+
7 “Ndasiya imba yangu;+ ndarega nhaka yangu;+ ndaisa anodiwa nomweya wangu muchanza chevavengi vake.+
8 Kwandiri nhaka yangu yava seshumba iri musango. Yandidzvovera. Ndokusaka ndaivenga.+
9 Kwandiri nhaka yangu+ yakaita seshiri ine mavara mazhinji inodya nyama; shiri dzinodya nyama dzakaimomotera.+ Uyai, unganai, imi zvikara zvose zvomusango; ngazviuye kuti zvidye.+
10 Vafudzi+ vazhinji vakaparadza munda wangu wemizambiringa;+ vakatsika-tsika mugove wangu.+ Vakachinja mugove wangu wakanaka+ kuti uve renje.
11 Mumwe munhu akauita renje;+ waoma; waitwa renje kwandiri.+ Nyika yose yaitwa dongo, nokuti hapana munhu azviisa mumwoyo.+
12 Vapambi vakauya nomumakwara ose akapfumbira anopfuura nomurenje. Nokuti bakatwa raJehovha riri kuparadza kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.+ Hapana vanhu chero vapi zvavo vane rugare.
13 Vakadyara gorosi, asi vakakohwa minzwa.+ Vakazvirwarisa; vachava vasingabatsiri.+ Vachanyara nezvibereko zvenyu nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.”
14 Zvanzi naJehovha kuvavakidzani vangu vose vakaipa,+ vari kubata nhaka yandakaita kuti ive yevanhu vangu, ivo vaIsraeri:+ “Tarirai ndiri kuvadzura panyika yavo;+ uye ndichadzura imba yaJudha ibve pakati pavo.+
15 Kana ndavadzura, ndichavanzwirazve ngoni,+ ndichavadzosa, mumwe nomumwe kunhaka yake uye mumwe nomumwe kunyika yake.”+
16 “Chokwadi kana vakadzidza nzira dzevanhu vangu vachipika nezita rangu+ vachiti, ‘NaJehovha mupenyu!’ sokudzidzisa kwavakaita vanhu vangu kupika naBhaari,+ vachavakwawo pakati pevanhu vangu.+
17 Asi kana vakasateerera, ndichadzurawo rudzi irworwo, ndichirudzura nokuruparadza,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.