Jeremiya 13:1-27
13 Jehovha ati kwandiri: “Enda, utenge bhandi rerineni urisunge muhudyu mako, asi usariisa mumvura.”
2 Naizvozvo ndakatenga bhandi racho sezvakataurwa naJehovha, ndikarisunga muhudyu mangu.
3 Shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri, richiti:
4 “Tora bhandi rawatenga, rawakasunga muhudyu mako, usimuke, uende kuna Yufratesi,+ urivige ikoko mumukaha weibwe.”
5 Naizvozvo ndakaenda ndikariviga pedyo naYufratesi, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.
6 Asi kwapera mazuva mazhinji, Jehovha akati kwandiri: “Simuka uende kurwizi rwaYufratesi unotora bhandi randakakurayira kuti uvige ikoko.”
7 Naizvozvo ndakaenda kuna Yufratesi ndikachera, ndikatora bhandi racho pandakanga ndariviga, uye tarira! bhandi racho rakanga raora; risisina kukodzera chero chinhu chipi zvacho.
8 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti:
9 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichaparadza kuzvikudza kwaJudha+ nokuzvikudza kukuru kweJerusarema saizvozvi.
10 Vanhu ava vakaipa vari kuramba kuteerera mashoko angu,+ vari kufamba mukuoma kwemwoyo yavo+ uye vanoramba vachitevera vamwe vanamwari kuti vavashumire uye kuti vavakotamire,+ vachavawo sebhandi iri risina charakakodzera.’
11 ‘Sokunamatira kunoita bhandi muhudyu dzomurume, saizvozvowo ndakaita kuti imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha dzinamatire kwandiri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave kwandiri rudzi+ nezita,+ kurumbidzwa uye chimwe chinhu chakanaka; asi ivo havana kuteerera.’+
12 “Zvino uvaudze shoko iri rokuti, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Chirongo chose chikuru chinhu chinozadzwa newaini.”’+ Ivo vachati kwauri, ‘Chokwadi hatizivi here kuti chirongo chose chikuru chinhu chinozadzwa newaini?’
13 Iwe uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “Onai ndichazadza vagari vose vomunyika ino nemadzimambo ari kugara pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nevapristi nevaprofita nevagari vose vomuJerusarema nokudhakwa.+
14 Ndichavadhumanisa, vanababa nevanakomana, panguva imwe chete,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handizonzwi tsitsi, kana kusuruvara, uye handizovi nengoni kuti ndirege kuvaparadza.”’+
15 “Inzwai, muteerere. Musazvikudza,+ nokuti Jehovha ataura.+
16 Kudzai+ Jehovha Mwari wenyu, asati aita kuti pave nerima+ uye tsoka dzenyu dzisati dzarovana pamakomo panguva yorubvunzavaeni.+ Muchatarisira chiedza,+ asi iye achachiita zarima;+ achachichinja kuva rima gobvu.+
17 Kana musingazorinzwi,+ mweya wangu uchachema uri munzvimbo dzokuvanda nokuda kwokuzvikudza uye uchasvimha misodzi;+ uye ziso rangu richayerera misodzi, nokuti boka rezvipfuwo+ raJehovha richange rapambwa.
18 “Iti kuna mambo nokuna vahosi,+ ‘Garai munzvimbo yakaderera,+ nokuti korona dzenyu dzorunako dzichawira pasi dzichibva pamisoro yenyu.’+
19 Maguta okumaodzanyemba akavharwa, zvokuti hapana ari kuavhura. Judha wose akatapwa. Akatapwa chose.+
20 “Tarira uone avo vari kubva kuchamhembe.+ Boka rezvipfuwo rawakapiwa nomumwe munhu, iro boka rako remakwai rakanaka riri kupi?+
21 Mumwe munhu paanofunga nezvako uchatii,+ iwe zvawakavadzidzisa seshamwari dzaunovimba nadzo vari pedyo pedyo newe pakutanga?+ Marwadzo okusununguka haazokubati here, seaya omudzimai ari kusununguka?+
22 Pauchati mumwoyo mako,+ ‘Nei zvinhu izvi zvandiwira?’+ nokuda kwokuwanda kwokukanganisa kwako, mipendero yenguo dzako yafukurwa;+ zvitsitsinho zvako zvaitirwa chisimba.
23 “MuKushi+ angachinja ganda rake here? kana ingwe mavara ayo here?+ Imi maizogonawo kuita zvakanaka, imi vanhu vakadzidziswa kuita zvakaipa.+
24 Naizvozvo ndichavaparadzira+ semashanga ari kupfuura ari mumhepo iri kubva kurenje.+
25 Uyu ndiwo mugove wako, chikamu chako chakayerwa chinobva kwandiri,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wandikanganwa+ uye unoramba uchivimba nenhema.+
26 Iniwo ndichafukurira nguo yako kuchiso chako, uye kunyadziswa kwako kuchaonekwa,+
27 mabasa ako oupombwe+ nokuhwihwidza+ kwako, kusazvibata kwako mukuita zvechipfambi. Ndaona zvinhu zvako zvinonyangadza, pazvikomo, zviri kusango.+ Une nhamo iwe, haiwa Jerusarema! Haugoni kuva akachena+—kusvikira rini?”+